Judges (6/21)  

1. Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko aMidhiani makore manomwe.
2. Midhiani akakunda Isiraeri; vana vaIsiraeri vakazviitira pokuvanda pamakomo, namapako, nenhare, nokuda kwaMidhiani.
3. Nokuti vaIsiraeri vakati kana vakusha, vaMidhiani navaAmareki navana vamabvazuva ndokukwira kuzorwa navo.
4. Vakadzika matende avo pakatarisana navo, ndokuparadza zvibereko zveminda kusvikira paGaza; havana kusiyira vaIsiraeri zvokudya kana makwai kana mombe, kana mbongoro.
5. Nokuti vaikwira nezvipfuwo zvavo, namatende avo; vaiuya vakawanda semhashu, vasingagoni kuverengwa, ivo namakamera avo; vaipinda munyika kuti vaiparadze.
6. VaIsiraeri vakava varombo kwazvo nokuda kwaMidhiani; zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha.
7. Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha nokuda kwaMidhiani,
8. Jehovha akatuma muporofita kuvana vaIsiraeri; iye akati kwavari, "Zvanzi naJehovha Mwari walsiraeri, `Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paIjipiti, nokukubudisai paimba youranda;
9. ndikakurwirai mumaoko avaIjipiti, nomumaoko avose vaikumanikidzai, ndikavadzinga pamberi penyu, ndikakupai nyika yavo';
10. ndikati kwamuri, `Ndini Jehovha Mwari wenyu; hamufaniri kutya vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo; asi hamuna kuteerera inzwi rangu.' "
11. Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, akagara pasi pomuouki wakanga uri paOfura, waiva waJoashi, muAbhiezeri; Gidheoni mwanakomana wake, wakanga achipura zviyo pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nokuda kwavaMidhiani.
12. Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, "Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare."
13. Gidheoni akati kwaari, "Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, `Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paIjipiti?' Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani."
14. Ipapo Jehovha akatendeukita kwaari, akati, "Enda nesimba rako iri, undoponesa Isiraeri pamaoko aMidhiani, handizini ndakakutuma here?"
15. Akati kwaari, "Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Isiraeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu."
16. Jehovha akati kwaari, "Zvirokwazvo, ini ndichava newe, iwe uchakunda vaMidhiani somunhu mumwe."
17. Akati kwaari, "Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimwi munotaura neni.
18. Regai henyu kubva pano, kusvikira ndadzokera kwamuri, ndikuvigirei chipo changu, ndichiise pamberi penyu." Iye akati, "Ndichagara pano kusvikira wadzokazve."
19. Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo.
20. Asi mutumwa waJehovha akati kwaari, "Tora nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, uzviise padombo iri, ugodururawo muto." Iye akaita saizvozvo.
21. Zvino mutumwa waJehovha ndokutambanudza muromo wetsvimbo, yakanga iri muruoko rwake, akagunzva nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, moto ukabuda padombo, ukapedza nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Mutumwa waJehovha ndokunyangarika pamberi pake.
22. Ipapo Gidheoni akaona kuti mutumwa waJehovha. Gidheoni akati, "Haiwa, Jehovha Mwari! Nokuti ndaona mutumwa waJehovha zviso zvakatarisana."
23. Asi Jehovha wakati kwaari, "Rugare ngaruve newe, usatya, haungafi. "
24. Ipapo Gidheoni akavakirapo Jehovha atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-sharomi; ichiripo paOfura ravaAbhiezeri kusvikira nhasi.
25. Zvino nousiku ihwohwo Jehovha akati kwaari, "Tora nzombe yababa vako, iya yechipiri ina makore manomwe, uputse atari yaBhaari yababa vako, utemewo danda rokunamata naro riripo.
26. Uvakire Jehovha Mwari wako atari pamusoro penhare iyi, nomutoo wakafanira, ugotora nzombe iyo yechipiri, ubayire chipiriso chinopiswa nehuni dzedanda rokunamata naro raunofanira kutema."
27. Ipapo Gidheoni akatora varume vane gumi kuvaranda vake, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; asi haana kuita izvozvo masikati, asi wakazviita usiku, nokuti wakatya veimba yababa vake navarume veguta.
28. Zvino varume veguta vakati vachimuka mangwanani, vakaona atari yaBhaari yaputswa, nedanda rokunamata naro raivapo ratemwa, nenzombe yechipiri yabayirwa paatari yakanga yavakwapo.
29. Vakataurirana, vakati, "Ndianika wakaita chinhu ichi?" Vakati vachinzvera nokubvunzisisa, zvikanzi, "Gidheoni mwanakomana waJoashi, ndiye wakaita chinhu ichi."
30. Zvino varume veguta vakati kuna Joashi, "Budisa mwanakomana wako, afe, nokuti waputsa atari yaBhaari, uye watema danda rokunamata naro raivapo pairi."
31. Asi Joashi wakati kuna vose vakanga vachimupopotera, "Moda kurwira Bhaari kanhi? Moda kumuponesa? Unomurwira uchaurawa mangwanani ano; kana ari mwari, ngaazvirwire amene, zvaakaputsirwa atari yake nomunhu."
32. Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubhaari, achiti, "Bhaari ngaarwe naye, zvaakaputsa atari yake."
33. Zvino vaMidhiani vose navaAmareki navana vamabvazuva vakaungana, vakayambuka, vakadzika matende avo pamupata weJezereeri.
34. Asi Mweya waJehovha wakasvika pamusoro paGidheoni, akaridza hwamanda, vaAbhiezeri vakaungana vakamutevera.
35. Akatuma nhume pakati pavaManase vose, naivo vakaungana vakamutevera; akatumawo nhume kuna Asheri, naZebhuruni, naNafutari, naivo vakakwira kuzosangana navo.
36. Ipapo Gidheoni akati kuna Mwari, "Kana muchida kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura,
37. tarirai, ndichaisa debwe rine mvere paburiro; kana kukava nedova padebwe bedzi, pasi pose pakaoma, ndichaziva kuti munoda kuponesa Isiraeri noruoko rwangu, sezvamakataura."
38. Zvikava saizvozvo; nokuti wakamuka mangwanani, akambundanidza debwe, akasvina mvura padebwe, ikazadza mbiya.
39. Zvino Gidheoni akati kuna Mwari, "Regai henyu kunditsamwira, kana ndikataurazve kamwe chete; nditenderei ndiidzezve kamwe chete nedebwe; zvino padebwe bedzi pave pakaoma, asi pasi pose pave nedova."
40. Mwari akaita saizvozvo usiku uhwo; nokuti padebwe bedzi pakanga pakaoma, asi dova rakanga riri pasi pose.

  Judges (6/21)