| ← Judges (5/21) → |
| 1. | Zvino Dhebhora naBharaki, mwanakomana waAbhinoami, vakaimba nomusi iwoyo, vakati, |
| 2. | "Kudzai Jehovha, Nokuti vatungamiriri vakatungamirira vaIsiraeri, Nokuti vanhu vakauya nokuda kwavo. |
| 3. | Inzwai, imwi madzimambo, teererai, imwi machinda;Ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha; Ndicharumbidza Jehovha, Mwari waIsiraeri nenziyo. |
| 4. | Jehovha, pakubuda kwenyu paSeiri, Pakufamba kwenyu muchibva kusango reEdhomu,Nyika yakadedera, uye denga rakadonha, Zvirokwazvo makore akadonha mvura. |
| 5. | Makomo akayerera pamberi paJehovha, Nairo Sinai pamberi paJehovha Mwari waIsiraeri. |
| 6. | Pamazuva aShamugara, mwanakomana waAnati, Pamazuva aJaeri, nzira huru dzakanga dzisingafambwi, Vafambi vaifamba nenzira dzinopota-pota. |
| 7. | Misha yakanga isina vanhu munaIsiraeri, yakanga isina vanhu, Kusvikira ini Dhebhora ndichisimuka, Ndichisimuka ini, mai pakati paIsiraeri. |
| 8. | Vakazvitsaurira vamwari vatsva; Kurwa kukavapo pamasuo. Kwakanga kuchionekwa here nhovo kana pfumo pakati pavalsiraeri vane zviuru zvina makumi mana here? |
| 9. | moyo wangu unorumbidza vabati vaIsiraeri,Avo vakauya nokuda kwavo pakati pavanhu;Kudzai Jehovha! |
| 10. | Paridzai izvozvo, imwi makatasva mbongoro chena, imwi, mugere pamhasa dzinokosha, Nemi, munofamba nenzira. |
| 11. | Kure namanzwi avanopfura nouta, pavanoteka mvura,Ndipo pavacharumbidza mabasa akarurama aJehovha, Mabasa akarurama oushe hwake muna Isiraeri. Ipapo vanhu vaJehovha vakaburukira kumasuo. |
| 12. | Muka, muka, Dhebhora;Muka, muka, iwe uimbe rwiyo! Simuka Bharaki, utape vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinoami. |
| 13. | Ipapo vakanga vakasara vavakuru navanhu vakaburuka, Jehovha wakaburuka nokuda kwangu kuzorwa navane simba. |
| 14. | Kuna Efuremu ndokwakabva vanomudzi wavo paAmareki, Vachikutevera iwe Bhenjamini pakati pavanhu vako. PaMakiri ndipo pakaburukira varairi, Nokuna Zebhuruni avo vakabata tsvimbo yokukunda. |
| 15. | Machinda aIsakari akanga ana Dhebhora; Salsakari, ndizvo zvakanga zvakaitawo Bharaki; Vakamhanyira kumupata vachitevera tsoka dzake. Pahova dzaRubheni Pakanga pane mirangariro mikuru yomoyo. |
| 16. | Wakagarireiko pasi pakati pamatanga ezvipfuwo. Uchiteerera kurira kwenyere dzinoridzirwa makwai?Pahova dzaRubheni Pakanga pano kunzvera kukuru kwomoyo. |
| 17. | Giriyadhi wakagara mhiri kwaJorodhani; Newe Dhani, wakagarireiko pazvikepe? Asheri wakagara zvake pamhenderekedzo dzegungwa, Wakarambira apo panopinda mvura panyika. |
| 18. | Zebhuruni ndivanhu vakanga vasingatyi kusvikira parufu, NaNafutari panzvimbo dzenyika dzakakwirira. |
| 19. | Madzimambo akauya akarwa, Ipapo madzimambo eKenani akarwawo PaTaanaki, pamvura zhinji yeMegidho Havana kuwana fuma yemari. |
| 20. | Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga, Dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo. |
| 21. | Rwizi Kishoni rwakavakukura, Irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni. Mweya wangu, pfuura nesimba. |
| 22. | Nguva iyo makumbo amabhiza akarovera pasi Nokumhanya, kuri kumhanya kwavakasimba. |
| 23. | Tuka Merozi ndizvo zvinotaura mutumwa waJehovha, Tuka zvakaipa avo vageremo; Nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, Kuzobatsira Jehovha pakurwa kwake navane simba. |
| 24. | Pakati pavakadzi Jaeri ngaarumbidzwe, Iye mukadzi waHebheri muKeni, Ngaarumbidzwe pakati pavakadzi patende. |
| 25. | Wakakumbira mvura, iye akamupa mukaka; Wakamuvigira mukaka wakafa pandiro yamambo. |
| 26. | Wakabata mbambo noruoko rwake, Nenyundo yomubati norudyi rwake, Akarova Sisera nenyundo, akaboora musoro wake; Wakarova, akaboora zvavovo zvake. |
| 27. | Wakakotama patsoka dzake, akawa, Ipapo paakakotama, ndipo paakawira pasi, afa. |
| 28. | Wakatarira pahwindo, akadana, Mai vaSisera vakadana pautanda hwaro; Ngoro yake inononokereiko kusvika?Makumbo engoro dzake anononokereiko? |
| 29. | Vakadzi vake, vakakudzwa, vakachenjera, vakamupindura, Naiye amene wakazvipindura, achiti, |
| 30. | `Havana kuwana here zvavakapamba, havana kuzvigovana here? Zvimwe murume mumwe nomumwe unopiwa musikana mumwe, kana vasikana vaviri; Zvimwe Sisera uchapiwa nguvo dzakapambwa dzamavara-vara, nguvo dzakapambwa dzemicheka yakarukwa yamavara-vara, nguvo dzamavara-vara dzakarukwa kunhivi dzose, dzakafanira mitsipa yavakapamba?' |
| 31. | Saizvozvo vavengi venyu vose ngavaparadzwe, Jehovha; Asi ivo vanokudai ngavave sezuva, kana richibuda nesimba raro!" Nyika ikazorora makore ana makumi mana. |
| ← Judges (5/21) → |