Judges (5/21)  

1. Zvino Dhebhora naBharaki, mwanakomana waAbhinoami, vakaimba nomusi iwoyo, vakati,
2. "Kudzai Jehovha, Nokuti vatungamiriri vakatungamirira vaIsiraeri, Nokuti vanhu vakauya nokuda kwavo.
3. Inzwai, imwi madzimambo, teererai, imwi machinda;Ini, iyeni, ndichaimbira Jehovha; Ndicharumbidza Jehovha, Mwari waIsiraeri nenziyo.
4. Jehovha, pakubuda kwenyu paSeiri, Pakufamba kwenyu muchibva kusango reEdhomu,Nyika yakadedera, uye denga rakadonha, Zvirokwazvo makore akadonha mvura.
5. Makomo akayerera pamberi paJehovha, Nairo Sinai pamberi paJehovha Mwari waIsiraeri.
6. Pamazuva aShamugara, mwanakomana waAnati, Pamazuva aJaeri, nzira huru dzakanga dzisingafambwi, Vafambi vaifamba nenzira dzinopota-pota.
7. Misha yakanga isina vanhu munaIsiraeri, yakanga isina vanhu, Kusvikira ini Dhebhora ndichisimuka, Ndichisimuka ini, mai pakati paIsiraeri.
8. Vakazvitsaurira vamwari vatsva; Kurwa kukavapo pamasuo. Kwakanga kuchionekwa here nhovo kana pfumo pakati pavalsiraeri vane zviuru zvina makumi mana here?
9. moyo wangu unorumbidza vabati vaIsiraeri,Avo vakauya nokuda kwavo pakati pavanhu;Kudzai Jehovha!
10. Paridzai izvozvo, imwi makatasva mbongoro chena, imwi, mugere pamhasa dzinokosha, Nemi, munofamba nenzira.
11. Kure namanzwi avanopfura nouta, pavanoteka mvura,Ndipo pavacharumbidza mabasa akarurama aJehovha, Mabasa akarurama oushe hwake muna Isiraeri. Ipapo vanhu vaJehovha vakaburukira kumasuo.
12. Muka, muka, Dhebhora;Muka, muka, iwe uimbe rwiyo! Simuka Bharaki, utape vatapwa vako, iwe mwanakomana waAbhinoami.
13. Ipapo vakanga vakasara vavakuru navanhu vakaburuka, Jehovha wakaburuka nokuda kwangu kuzorwa navane simba.
14. Kuna Efuremu ndokwakabva vanomudzi wavo paAmareki, Vachikutevera iwe Bhenjamini pakati pavanhu vako. PaMakiri ndipo pakaburukira varairi, Nokuna Zebhuruni avo vakabata tsvimbo yokukunda.
15. Machinda aIsakari akanga ana Dhebhora; Salsakari, ndizvo zvakanga zvakaitawo Bharaki; Vakamhanyira kumupata vachitevera tsoka dzake. Pahova dzaRubheni Pakanga pane mirangariro mikuru yomoyo.
16. Wakagarireiko pasi pakati pamatanga ezvipfuwo. Uchiteerera kurira kwenyere dzinoridzirwa makwai?Pahova dzaRubheni Pakanga pano kunzvera kukuru kwomoyo.
17. Giriyadhi wakagara mhiri kwaJorodhani; Newe Dhani, wakagarireiko pazvikepe? Asheri wakagara zvake pamhenderekedzo dzegungwa, Wakarambira apo panopinda mvura panyika.
18. Zebhuruni ndivanhu vakanga vasingatyi kusvikira parufu, NaNafutari panzvimbo dzenyika dzakakwirira.
19. Madzimambo akauya akarwa, Ipapo madzimambo eKenani akarwawo PaTaanaki, pamvura zhinji yeMegidho Havana kuwana fuma yemari.
20. Nyeredzi dzakarwa dziri kudenga, Dzakarwa naSisera dziri panzira dzadzo.
21. Rwizi Kishoni rwakavakukura, Irwo rwizi rwekare, rwizi Kishoni. Mweya wangu, pfuura nesimba.
22. Nguva iyo makumbo amabhiza akarovera pasi Nokumhanya, kuri kumhanya kwavakasimba.
23. Tuka Merozi ndizvo zvinotaura mutumwa waJehovha, Tuka zvakaipa avo vageremo; Nokuti havana kuuya kuzobatsira Jehovha, Kuzobatsira Jehovha pakurwa kwake navane simba.
24. Pakati pavakadzi Jaeri ngaarumbidzwe, Iye mukadzi waHebheri muKeni, Ngaarumbidzwe pakati pavakadzi patende.
25. Wakakumbira mvura, iye akamupa mukaka; Wakamuvigira mukaka wakafa pandiro yamambo.
26. Wakabata mbambo noruoko rwake, Nenyundo yomubati norudyi rwake, Akarova Sisera nenyundo, akaboora musoro wake; Wakarova, akaboora zvavovo zvake.
27. Wakakotama patsoka dzake, akawa, Ipapo paakakotama, ndipo paakawira pasi, afa.
28. Wakatarira pahwindo, akadana, Mai vaSisera vakadana pautanda hwaro; Ngoro yake inononokereiko kusvika?Makumbo engoro dzake anononokereiko?
29. Vakadzi vake, vakakudzwa, vakachenjera, vakamupindura, Naiye amene wakazvipindura, achiti,
30. `Havana kuwana here zvavakapamba, havana kuzvigovana here? Zvimwe murume mumwe nomumwe unopiwa musikana mumwe, kana vasikana vaviri; Zvimwe Sisera uchapiwa nguvo dzakapambwa dzamavara-vara, nguvo dzakapambwa dzemicheka yakarukwa yamavara-vara, nguvo dzamavara-vara dzakarukwa kunhivi dzose, dzakafanira mitsipa yavakapamba?'
31. Saizvozvo vavengi venyu vose ngavaparadzwe, Jehovha; Asi ivo vanokudai ngavave sezuva, kana richibuda nesimba raro!" Nyika ikazorora makore ana makumi mana.

  Judges (5/21)