| ← Judges (4/21) → |
| 1. | Zvino shure kwokufa kwaEhudhi vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. |
| 2. | Jehovha akavatengesa muruoko rwaJabhini, mambo weKenani, wakanga achibata ushe paHazori; mukuru wehondo yake wakanga ari Sisera, wakanga agere paHarosheti ravahedheni. |
| 3. | Zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti wakanga ane ngoro dzamatare dzina mazana mapfumbamwe, akamanikidza vana vaIsiraeri kwazvo makore ana makumi maviri. |
| 4. | Nenguva iyo Dhebhora, muporofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, wakanga achitonga valsiraeri. |
| 5. | Iye waigara pasi pomuchindwe waDhebhora, pakati peRama neBheti-eri, panyika yamakomo yaEfuremu; vana vaIsiraeri vaisienda kwaari kuzotongerwa mhaka dzavo. |
| 6. | Iye akatuma nhume kundodana Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, paKedheshi-nafutari, akati kwaari, "Jehovha Mwari wavaIsiraeri haana kukuraira here, achiti, `Enda uswedere kugomo reTabhori, uende navarume vane zviuru zvine gumi vavana vaNafutari navana vaZebhuruni? |
| 7. | Neni ndichatumira kwauri kurukova Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake navanhu vake vazhinji, ndivaise muruoko rwako.' " |
| 8. | Bharaki akati kwaari, "Kana imwi mukaenda neni, ini ndichaenda, asi kana imwi musingaendi neni, ini handingaendi." |
| 9. | Iye akati, "Zvirokwazvo ndichaenda newe, asi iwe haungakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehovha uchatengesa Sisera muruoko rwomukadzi." Dhebhora akasimuka, akaenda Kedheshi naBharaki. |
| 10. | Bharaki akakoka Zebhuruni naNafutari paKedheshi, akakwira ana varume vane zviuru zvine gumi vakanga vachimutevera; naDhebhora wakaendawo naye. |
| 11. | Zvino Hebheri muKeni, wakanga aparadzana navaKeni, ivo vana vaHobhabhi, mukarahwa waMozisi, akadzika tende rake kusvikira pamuouki paZaananimu, paKedheshi. |
| 12. | Zvino vakaudza Sisera kuti Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, wakwira mugomo reTabhori. |
| 13. | Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose, idzo ngoro dzamatare, dzina mazana mapfumbamwe, navanhu vose vaakanga anavo, kubva paHarosheti ravahedheni kusvikira parukova Kishoni. |
| 14. | Zvino Dhebhora akati kuna Bharaki, "Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here?" Ipapo Bharaki akaburuka pagomo reTabhori, varume vane zviuru zvine gumi vachimutevera. |
| 15. | Zvino Jehovha akavhundusa Sisera nengoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBharaki; Sisera akaburuka pangoro yake, akatiza namakumbo. |
| 16. | Asi Bharaki wakatevera ngoro nehondo kusvikira paHarosheti ravahedheni, hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange nomumwe chete. |
| 17. | Asi Sisera wakatiza namakumbo kutende raJaeri, mukadzi waHebheri, muKeni, nokuti kwakanga kuno rugare pakati paJabhini, mambo weHazori, neimba yaHebheri muKeni. |
| 18. | Jaeri akabuda kundosangana naSisera, akati kwaari, "Tsaukai, ishe wangu, tsaukirai henyu kwandiri, regai kutya." Ipapo akatsaukira kwaari mutende, akamufukidza nejira. |
| 19. | Iye akati kwaari, "Ndipewo zvimvura, ndinwe, nokuti ndine nyota." Akadziura dende romukaka, akamupa, akanwa, akamufukidza. |
| 20. | Akati kwaari, "Mira pamukova wetende, zvino kana ani naani akauya akakubvunza, achiti, `Pano pano munhu here?' Uti, `Kwete.' " |
| 21. | Ipapo Jaeri, mukadzi waHebheri, akatora mbambo yetende, akatorawo nyundo paruoko rwake, akanatsoswedera kwaari, akarovera mbambo napachavovo chake, ikabuda neseri, ikabayira pasi, nokuti wakanga abatwa kwazvo nehope, aneta; akafa. |
| 22. | Zvino tarira, Bharaki wakati achitevera Sisera, Jaeri akabuda akandosangana naye, akati kwaari, "Uyai, ndikuratidzei munhu wamunotsvaka." Iye akapinda kwaari akaona Sisera akatandavara pasi, afa, mbambo ichiri pachavovo chake. |
| 23. | Naizvozvo nomusi iwoyo Jehovha wakakunda Jabhini, mambo weKenani, pamberi pavana vaIsiraeri. |
| 24. | Vana vaIsiraeri vakaramba vachingokunda Jabhini, mambo weKenani, kusvikira vaparadza Jabhini, mambo weKenani. |
| ← Judges (4/21) → |