Judges (4/21)  

1. Zvino shure kwokufa kwaEhudhi vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha.
2. Jehovha akavatengesa muruoko rwaJabhini, mambo weKenani, wakanga achibata ushe paHazori; mukuru wehondo yake wakanga ari Sisera, wakanga agere paHarosheti ravahedheni.
3. Zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, nokuti wakanga ane ngoro dzamatare dzina mazana mapfumbamwe, akamanikidza vana vaIsiraeri kwazvo makore ana makumi maviri.
4. Nenguva iyo Dhebhora, muporofitakadzi, mukadzi waRapidhoti, wakanga achitonga valsiraeri.
5. Iye waigara pasi pomuchindwe waDhebhora, pakati peRama neBheti-eri, panyika yamakomo yaEfuremu; vana vaIsiraeri vaisienda kwaari kuzotongerwa mhaka dzavo.
6. Iye akatuma nhume kundodana Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, paKedheshi-nafutari, akati kwaari, "Jehovha Mwari wavaIsiraeri haana kukuraira here, achiti, `Enda uswedere kugomo reTabhori, uende navarume vane zviuru zvine gumi vavana vaNafutari navana vaZebhuruni?
7. Neni ndichatumira kwauri kurukova Kishoni, Sisera mukuru wehondo yaJabhini, nengoro dzake navanhu vake vazhinji, ndivaise muruoko rwako.' "
8. Bharaki akati kwaari, "Kana imwi mukaenda neni, ini ndichaenda, asi kana imwi musingaendi neni, ini handingaendi."
9. Iye akati, "Zvirokwazvo ndichaenda newe, asi iwe haungakudzwi parwendo urwu rwaunofamba, nokuti Jehovha uchatengesa Sisera muruoko rwomukadzi." Dhebhora akasimuka, akaenda Kedheshi naBharaki.
10. Bharaki akakoka Zebhuruni naNafutari paKedheshi, akakwira ana varume vane zviuru zvine gumi vakanga vachimutevera; naDhebhora wakaendawo naye.
11. Zvino Hebheri muKeni, wakanga aparadzana navaKeni, ivo vana vaHobhabhi, mukarahwa waMozisi, akadzika tende rake kusvikira pamuouki paZaananimu, paKedheshi.
12. Zvino vakaudza Sisera kuti Bharaki, mwanakomana waAbhinoami, wakwira mugomo reTabhori.
13. Sisera akaunganidza ngoro dzake dzose, idzo ngoro dzamatare, dzina mazana mapfumbamwe, navanhu vose vaakanga anavo, kubva paHarosheti ravahedheni kusvikira parukova Kishoni.
14. Zvino Dhebhora akati kuna Bharaki, "Simuka, nokuti iri ndiro zuva raJehovha, raachaisa naro Sisera muruoko rwako; Jehovha haana kukutungamirira here?" Ipapo Bharaki akaburuka pagomo reTabhori, varume vane zviuru zvine gumi vachimutevera.
15. Zvino Jehovha akavhundusa Sisera nengoro dzake dzose, nehondo yake yose, neminondo inopinza pamberi paBharaki; Sisera akaburuka pangoro yake, akatiza namakumbo.
16. Asi Bharaki wakatevera ngoro nehondo kusvikira paHarosheti ravahedheni, hondo yose yaSisera ikaurawa neminondo inopinza, hakuna kusara kunyange nomumwe chete.
17. Asi Sisera wakatiza namakumbo kutende raJaeri, mukadzi waHebheri, muKeni, nokuti kwakanga kuno rugare pakati paJabhini, mambo weHazori, neimba yaHebheri muKeni.
18. Jaeri akabuda kundosangana naSisera, akati kwaari, "Tsaukai, ishe wangu, tsaukirai henyu kwandiri, regai kutya." Ipapo akatsaukira kwaari mutende, akamufukidza nejira.
19. Iye akati kwaari, "Ndipewo zvimvura, ndinwe, nokuti ndine nyota." Akadziura dende romukaka, akamupa, akanwa, akamufukidza.
20. Akati kwaari, "Mira pamukova wetende, zvino kana ani naani akauya akakubvunza, achiti, `Pano pano munhu here?' Uti, `Kwete.' "
21. Ipapo Jaeri, mukadzi waHebheri, akatora mbambo yetende, akatorawo nyundo paruoko rwake, akanatsoswedera kwaari, akarovera mbambo napachavovo chake, ikabuda neseri, ikabayira pasi, nokuti wakanga abatwa kwazvo nehope, aneta; akafa.
22. Zvino tarira, Bharaki wakati achitevera Sisera, Jaeri akabuda akandosangana naye, akati kwaari, "Uyai, ndikuratidzei munhu wamunotsvaka." Iye akapinda kwaari akaona Sisera akatandavara pasi, afa, mbambo ichiri pachavovo chake.
23. Naizvozvo nomusi iwoyo Jehovha wakakunda Jabhini, mambo weKenani, pamberi pavana vaIsiraeri.
24. Vana vaIsiraeri vakaramba vachingokunda Jabhini, mambo weKenani, kusvikira vaparadza Jabhini, mambo weKenani.

  Judges (4/21)