Judges (3/21)  

1. Zvino ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha, kuti aidze vaIsiraeri nadzo, ivo vaIsiraeri vose vakanga vasina kuziva hondo dzose dzapaKenani;
2. nemhaka iyo bedzi kuti marudzi avana vaIsiraeri azive, kuti avadzidzise kurwa, ivo vasina kumboziva izvozvo pakutanga,
3. vaiti: Madzishe mashanu avaFirisitia, navaKenani vose, navaZidhoni, navaHivhi, vakanga vagere mugomo reRebhanoni, kubva pagomo reBhaariherimoni, kusvikira pavanopinda paHamati.
4. Ivo vakasiyiwapo, kuti vaIsiraeri vaidzwe navo, kuti kuzikanwe kana vachida kuteerera mirairo yaJehovha yaakanga araira madzibaba avo naMozisi.
5. Vana vaIsiraeri vakagara pakati pavaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi.
6. ivo vakawana vakunda vavo, kuti vave vakadzi vavo, vakapa vanakomana vavo vakunda vavo, vakashumira vamwari vavo.
7. Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakakanganwa Jehovha Mwari wavo, vakashumira vaBhaari namatanda okunamata nawo.
8. Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa muruoko rwaKushani-rishataimu, mambo weMesopotamia; vana vaIsiraeri vakashumira Kushani-rishataimi makore masere.
9. Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akamutsira vana vaIsiraeri muponesi, wakavaponesa, iye Otinieri, mwanakomana waKenazi, munun’una waKarebhu.
10. Mweya waJehovha akauya pamusoro pake, akatonga vaIsiraeri, akandorwa, Jehovha akaisa Kushani-rishataimi, mambo weMesopotamia, muruoko rwake; ruoko rwake rukakunda Kushani-rishataimi.
11. Ipapo nyika yakazorora makore ana makumi mana. Otinieri, mwanakomana waKenazi, akafa.
12. Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akasimbisa Egironi, mambo waMoabhu, kuti arwe navaIsiraeri, nokuti vakanga vaita zvakaipa pamberi paJehovha.
13. Akaunganidza kwaari vana vaAmoni navaAmareki, akandokunda valsiraeri, vakavatorera guta remichindwe.
14. Vana vaIsiraeri vakashumira Egironi, mambo waMoabhu, makore ane gumi namasere.
15. Asi vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha, Jehovha akavamutsira muponesi, iye Ehudhi, mwanakomana waGera, muBhenjamini, munhu waiva neziboshwe; vana valsiraeri vakatumira Egironi, mambo waMoabhu, chipo naye.
16. Zvino Ehudhi wakazviitira munondo wakanga wakarodzwa kunhivi dzose, wakanga wakasvika kubhiti rimwe pakureba kwavo; akausungira pasi penguvo dzake pachidya chorudyi.
17. Ipapo akandopa Egironi, mambo waMoabhu, chipo; Egironi wakanga ari munhu wakakora kwazvo.
18. Zvino wakati apedza kumupa chipo, akaendisa vanhu vakanga vakatakura chipo.
19. Asi iye amene wakadzoka pamifananidzo yakavezwa yamabwe paGirigari, akati, "Ndine shoko rakavanzika nemi mambo." Iye akati, "Nyararai." Ipapo vose vakanga vamire naye vakabva kwaari.
20. Zvino Ehudhi akaswedera kwaari; iye wakanga agere ari oga muimba yake inotonhorera; Ehudhi akati, "Ndine shoko kwamuri rinobva kuna Mwari." Iye ndokusimuka pachigaro chake.
21. Ipapo Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo pachidya chake chorudyi, akamubaya nawo nomudumbu rake;
22. chibato chikapindawo chichitevera chese, mafuta akadzivira pamusoro pechese, nokuti haana kuvhomora munondo mudumbu rake, mafuta akabuda.
23. Zvino Ehudhi akabuda pabiravira, akapfiga mikova yeimba yokumusoro shure kwake, akaikiya.
24. Wakati abuda, varanda vake vakasvika, vakawana mikova yeimba yokumusoro yakapfigwa; vakati, "Zvimwe unofukidza makumbo ake paimba yake inotonhorera."
25. Zvino vakamira kusvikira vapera mano, asi haana kuzarura mikova yeimba yokumusoro; ipapo vakatora kiyi, vakazarura mukova, vakawana ishe wavo akawira pasi, afa.
26. Asi ivo vachanonoka, Ehudhi akapukunyuka, akapfuura mifananidzo yakavezwa yamabwe, akapukunyukira Seira.
27. Wakati asvikapo, akaridza hwamanda panyika yamakomo yaEfuremu, vana vaIsiraeri vakaburuka naye panyika yamakomo, iye akavatungamirira.
28. Akati kwavari, "Nditeverei, nokuti Jehovha wakaisa vaMoabhu, vavengi venyu, mumaoko enyu." Vakaburuka vachimutevera, vakandogarira mazambuko aJorodhani paiyambukira vaMoabhu, vakasatendera munhu mumwe kuyambuka.
29. Nenguva iyo vakauraya varume vaMoabhu vanenge zviuru zvine gumi, vose vari varume vane simba novoumhare, hakuna munhu mumwe wakapukunyuka.
30. Naizvozvo vaMoabhu vakakundwa musi iwoyo noruoko rwavaIsiraeri, nyika ikazorora makore ana makumi masere.
31. Shure kwake kwakanga kuna Shamugari, mwanakomana waAnati, wakauraya kuvaFirisitia vana mazana matanhatu norutanda rwokubaya mombe narwo; iye akaponesawo vaIsiraeri.

  Judges (3/21)