Judges (21/21)    

1. Zvino varume vaIsiraeri vakanga vapika paMizipa, vachiti, "Hakuna mumwe wedu uchapa muBhenjamini mukunda wake, kuti ave mukadzi wake."
2. Vanhu vakasvika paBheti-eri, vakagarapo pamberi paMwari kusvikira madekwana; vakachema kwazvo.
3. Vakati, "Jehovha,Mwari waIsiraeri, chinhu ichi chakaitirweiko pakati paIsiraeri, kuti nhasi rumwe rudzi rushaikwe pakati paIsiraeri?"
4. Zvino fume mangwana vanhu vakamuka mangwanani, vakavakapo atari, vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa.
5. Ipapo vana vaIsiraeri vakati, "Ndianiko pakati pamarudzi ose aIsiraeri vasina kukwira kuungano yaJehovha?" Nokuti vakanga vapika nokupika kukuru pamusoro pomunhu usina kukwira kuna Jehovha paMizipa, vachiti, "Zvirokwazvo, anofanira kuurawa."
6. Zvino vana vaIsiraeri vakazvidemba pamusoro pavaBhenjamini, hama dzavo, vakati, "Nhasi rumwe rudzi rwagurwa pakati pavaIsiraeri.
7. Tichadiniko kuti tiwanire vakasara vakadzi, zvatakapika naJehovha, kuti hatingavapi vakunda vedu vave vakadzi vavo?"
8. Vakati, "Ndianiko pamarudzi aIsiraeri usina kukwira kuna Jehovha paMizipa?" Onei, kwakanga kusina munhu wakabva Jabheshi-Giriyadhi wakakwira kumisasa kuungano.
9. Nokuti vanhu vakati vachiverengwa, onei kwakanga kusina munhu wavagere Jabheshi-Giriyadhi ipapo.
10. Zvino ungano ikatumirako varume voumhare kwazvo vane zviuru zvine gumi nezviviri, vakavaraira vachiti, "Endai mundouraya vagere Jabheshi-Giriyadhi neminondo inopinza, pamwechete navakadzi navana.
11. Munofanira kuitawo chinhu ichi: Munofanira kuparadza chose varume vose, nomukadzi mumwe nomumwe wakambovata nomurume."
12. Zvino vakandowana kuna vagere Jabheshi-Giriyadhi mhandara dzina mazana mana, vasina kumbovata nomurume; vakauya navo kumisasa paShiro munyika yeKenani.
13. Zvino ungano yose yakatuma nhume kundotaurirana navana vaBhenjamini vakanga vari padombo reRimoni, vakavaparidzira rugare.
14. Nenguva iyo vaBhenjamini vakadzoka; vakavapa vakadzi vavakanga vachengeta vari vapenyu pavakadzi veJabheshi-Giriyadhi; asi havana kuvaringana.
15. Vanhu vakazvidemba pamusoro pavaBhenjamini, nokuti Jehovha wakanga aparadza vamwe pakati pamarudzi avaIsiraeri.
16. Ipapo vakuru veungano vakati, "Tichadiniko kuti tiwanire vakasara vakadzi, vakadzi zvavaparadzwa pakati pavaBhenj amini? "
17. Vakati, "VaBhenjamini vakapukunyuka vanofanira kuva nenhaka yavo, kuti rudzi rumwe rurege kurova pakati pavaIsiraeri.
18. Asi hatingavapi vakunda vedu, vave vakadzi vavo;" nokuti vana vaIsiraeri vakanga vapika, vachiti, "Munhu unopa vaBhenjamini mukadzi ngaatukwe."
19. Vakati, "Gore rimwe nerimwe kunomutambo waJehovha paShiro, kurutivi rwokumusoro kweBheti-eri, kumabvazuva enzira huru inobva Bheti-eri ichikwira Shekemu, nezasi kweRebhona."
20. Vakaraira vana vaBhenjamini, vachiti, "Endai, mundovandira muminda yemizambiringa;
21. mutarire, muone kana vakunda veShiro vachibuda kuzotamba; zvino mubude paminda yenyu yemizambiringa, murume mumwe nomumwe agozvitorera mukadzi pakati pavakunda veShiro, muende kunyika yavaBhenjamini.
22. Zvino kana madzibaba avo kana hama dzavo vachiuya kuzovakwirira kwatiri, isu tichati kwavari, `Chitipai henyu ivavo zvakanaka, nokuti hatina kuvatapira vose vakadzi pakurwa; nemiwo hamuna kuvapa ivo, mungadai mune mhosva.' "
23. Vana vaBhenjamini vakaita saizvozvo, vakazvitorera vakadzi kuna vakanga vachitamba, vakavaringana; vakaenda navo; vakabva ndokudzokera kunhaka yavo, vakavaka maguta, ndokugara mukati mawo.
24. Zvino vana vaIsiraeri vakabvapo nenguva iyo, murume mumwe nomumwe kurudzi rwake nokumhuri yake; vakabudapo murume mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake.
25. Namazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati palsiraeri; murume mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.

  Judges (21/21)