Judges (20/21)  

1. Zvino vana vaIsiraeri vose vakabuda, ungano yose ikaungana nomoyo mumwe kubva paDhani kusvikira paBheeri-shebha, pamwechete nenyika yeGiriyadhi, kuna Jehovha paMizipa.
2. Madzishe avanhu vose, ivo vamarudzi ose avaIsiraeri, vakandomira paungano yavanhu vaMwari, vakanga vane zviuru zvina mazana mana zvavanhu vaifamba namakumbo, vaigona kurwa nomunondo.
3. (Zvino vana vaBhenjamini vakanga vanzwa kuti vaIsiraeri vakwira Mizipa.) Vana vaIsiraeri vakati, "Tiudzei kuti zvakashata izvi zvakaitwa sei?"
4. Zvino muRevhi, murume womukadzi wakanga aurawa, akapindura, akati, "Ndakanga ndasvika paGibhiya ravaBhenjamini ndinomurongo wangu, kuti tavatepo.
5. Varume veGibhiya vakandimukira, vakakomba imba usiku kuzorwa neni, vakanga vachida kundiuraya ini, uye murongo wangu vakamuchinya, akafa.
6. Ipapo ndikatora murongo wangu, ndikamudimuranya, ndikamutuma kunyika yose yenhaka yaIsiraeri, nokuti vakaita zvinonyangadza nezvoupenzi pakati paIsiraeri.
7. Tarirai, imwi vana vaIsiraeri, imwi mose, mutipei zano nomurangariro wenyu pano."
8. Ipapo vanhu vose vakasimuka nomoyo mumwe, vakati, "Hakuna mumwe wedu ungaenda kutende rake, hakuna mumwe wedu ungadzokera kumba kwake.
9. Asi tichaitira vanhu veGibhiya chinhu ichi: Tichandorwa navo, sezvatinoratidzwa nemijenya.
10. Tichatora varume vane gumi pazana rimwe nerimwe ramarudzi ose avalsiraeri, navane zana pachiuru chimwe nechimwe, navane chiuru pazviuru zvine gumi zvimwe nezvimwe, vandotorera vanhu mbuva, kuti kana vachisvika paGibhiya ravaBhenjamini vavaitire zvakaenzana noupenzi hwavakaita pakati paIsiraeri."
11. Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakaungana paguta vano moyo mumwe.
12. Zvino marudzi avalsiraeri akatuma varume kurudzi rwose rwaBhenjamini, vakati, "Izvi zvakashata zvakaitwa pakati penyu ndezveiko?
13. Saka zvino tipei varume avo, vanhu vakaisvoipa, vari paGibhiya, tivauraye, tibvise zvakaipa pakati paIsiraeri," asi vana vaBhenjamini vakaramba kuteerera inzwi rehama dzavo, ivo vana vaIsiraeri.
14. Vana vaBhenjamini vakabva kumaguta vakaungana paGibhiya, kuti varwe navana vaIsiraeri.
15. Vana vaBhenjamini vakanga vabva kumaguta vakaverengwa musi uyo vakasvika varume vane zviuru zvina makumi maviri nezvitanhatu, vaigona kurwa nomunondo; zvino vakanga vagere Gibhiya havana kuverengwa, ivo vakasvika varume vana mazana manomwe vakasanangurwa.
16. Pakati pavanhu ava vose kwakanga kuna varume vana mazana manomwe vakasanangurwa, vakanga vane zviboshwe; mumwe nomumwe wavo waigona kurova ruvhudzi nebwe asingaposhi.
17. Zvino varume vaIsiraeri, kunze kwavaBhenjamini, vakaverengwa, vakasvika varume vane zviuru zvina mazana mana, vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varwi.
18. Vana vaIsiraeri vakasimuka, vakaenda Bhetieri, vakandobvunza zano kuna Mwari, vakati, "Ndianiko kwatiri unofanira kutanga kundovamba vana vaBhenjamini?" Jehovha akati, "Judha ndiye anofanira kutanga."
19. Zvino vana vaIsiraeri vakamuka mangwanani, vakandodzika matende avo kuzorwa naveGibhiya.
20. Varume vaIsiraeri vakabuda kundorwa navaBhenjamini; varume vaIsiraeri vakarongedza hondo kuzorwa navo paGibhiya.
21. Vana vaBhenjamini vakabuda paGibhiya, vakaurayira pasi nomusi iwoyo varume vaIsiraeri vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
22. Ipapo vanhu, varume vaIsiraeri, vakazvisimbisa, vakarongedzazve hondo pavakanga vairongedza nezuva rokutanga.
23. (Vana vaIsiraeri vakakwira, vakandochema kuna Jehovha kusvikira madekwana; vakabvunza Jehovha, vakati, "Tinofanira kuswederazve kundorwa nehama dzedu, vana vaBhenjamini, here?" Jehovha akati kwavari, "Kwirai, mundorwa navo.")
24. Zvino vana vaIsiraeri vakaswedera kuzorwa navana vaBhenjamini nezuva repiri.
25. VaBhenjamini vakabuda paGibhiya kuzorwa navo nezuva repiri, vakaurayira pasi varume vavana vaIsiraeri vane zviuru zvine gumi nezvisere; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
26. Zvino vana vaIsiraeri vose navanhu vose vakakwira vakasvika paBhei-teri, vakachema vakagarapo pamberi paJehovha, vakazvinyima zvokudya zuva iro kusvikira madekwana, vakauya nezvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha.
27. Vana vaIsiraeri vakabvunza Jehovha, (nokuti areka yesungano yaMwari yakanga iripo pamazuva iwayo.
28. NaPinehasi, mwanakomana waEreazari, mwanakomana waAroni, wakamira pamberi payo namazuva iwayo), vakati, "Tinofanira kubudazve kundorwa nehama dzedu, ivo vana vaBhenjamini, kana tirege here?" Jehovha akati, "Kwirai, nokuti mangwana ndichavaisa mumaoko enyu."
29. Valsiraeri vakaisa vanhu kuvandira Gibhiya kunhivi dzose.
30. Vana vaIsiraeri vakandorwa navana vaBhenjamini nezuva retatu, vakazvirongedza kundorwa neGibhiya sapane dzimwe nguva.
31. Vana vaBhenjamini vakabuda kuzorwa navanhu, vakanyengerwa nokubuda kure neguta; vakatanga sapane dzimwe nguva kubaya nokuuraya vamwe vanhu panzira huru mbiri, imwe yaikwira ichienda Bheti-eri, neimwe Gibhiya, kusango, vakauraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu.
32. Zvino vana vaBhenjamini vakati, "Vakundwa nesu sapakutanga." Asi vaIsiraeri vakati, "Ngatitize, tivanyengere vabude kunzira huru dziri kure neguta."
33. Varume vose vaIsiraeri vakasimuka kwavakanga vari, vakazvirongedza paBhaari-tamari; uye vaIsiraeri, vakanga vakavandira, vakakurumidza kubuda kwavakanga vari, paMaare-gebha;
34. vakabuda pakatarisana neGibhiya vaiva varume vane zviuru zvine gumi vakanga vakasanangurwa pakati pavaIsiraeri vose, kurwa kukanyanya kwazvo; asi vakanga vasingazivi kuti njodzi yava pedo.
35. Zvino Jehovha akaparadza Bhenjamini pamberi paIsiraeri, vana vaIsiraeri vakaparadza nomusi iwoyo varume vaBhenjamini vakasvika zviuru zvina makumi maviri nezvishanu nezana rimwe; ava vose vaigona kurwa nomunondo.
36. Ipapo vana vaBhenjamini vakaona kuti vakundwa; nokuti varume vaIsiraeri vakatiza pamberi paBhenjamini, nokuti vakanga vachivimba navanhu vakanga vaiswa kuvandira paGibhiya.
37. Zvino vavandiri vakakurumidza, vakamhanyira Gibhiya; vavandiri vakapfuura, vakaparadza guta rose neminondo inopinza.
38. Zvino varume valsiraeri navavandiri vakanga vatenderana pamusoro pechiratidzo, kuti vachamutsa gore guru routsi rinobva muguta.
39. Varume vaIsiraeri vakatendeuka pakurwa kwavo, vaBhenjamini vakatanga kubaya nokuuraya varume vaIsiraeri vanenge makumi matatu; nokuti vakati, "Zvirokwazvo, vakundwa nesu sapakurwa kwokutanga."
40. Asi gore rakati rotanga kukwira richibva muguta, seshongwe youtsi, vaBhenjamini vakacheuka, vakaona guta rose richipfungairira kudenga.
41. Varume vaIsiraeri vakadzoka, varume vaBhenjamini vakavhunduswa, nokuti vakaona kuti vawirwa nenjodzi.
42. Ipapo vakatiza pamberi pavarume vaIsiraeri, vakamhanya nenzira inoenda kurenje; asi hondo yakavatevera, uye vakanga vachibva mumaguta vakavauraya pakati pawo.
43. Vakakomba vaBhenjamini kunhivi dzose, vakavadzinga ndokuvabata pavakazorora kusvikira pakatarisana neGibhiya kumabvazuva.
44. Vane zviuru zvine gumi nezvisere vaBhenjamini vakaurawa; avo vose vakanga vari varume voumhare.
45. Vakatendeuka, ndokutizira kurenje kudombo reRimoni; vakauraya vamwe vavo panzira huru varume vane zviuru zvishanu; vakavatevera kusvikira paGidhomi, vakauraya pakati pavo varume vane zviuru zviviri.
46. Naizvozvo varume vaBhenjamini, vakaurawa nezuva iro, vakanga vane zviuru zvina makumi maviri nezvishanu, varume vaigona kurwa nomunondo; ava vose vaiva varume voumhare.
47. Asi varume vana mazana matanhatu vakatendeuka, vakatizira kurenje padombo reRimoni, vakagara padombo reRimoni mwedzi mina.
48. Varume vaIsiraeri vakadzokerazve kuvana vaBhenjamini, vakavauraya neminondo inopinza, guta rose, nemombe, nezvose zvavakawanapo; vakapisawo maguta ose avakawana.

  Judges (20/21)