Judges (2/21)  

1. Zvino mutumwa waJehovha wakabva Girigari, akaenda Bhokimi, akati, "Ndakakubudisa muIjipiti, ndikakusvitsai panyika yandakapikira madzibaba enyu, ndikati, `Handingatongoputsi sungano yangu nemi nokusingaperi;
2. nemi hamufaniri kuita sungano navanhu vagere panyika ino; munofanira kuputsa atari dzavo. Asi hamuna kuteerera inzwi rangu; makaitireiko izvozvo?'
3. Saka ini ndakatiwo, `Handingavadzingi pamberi penyu; asi vachava seminzwa kunhivi dzenyu, navamwari vavo vachava zvisungo kwamuri.' "
4. Zvino mutumwa waJehovha wakati ataura namashoko iwayo kuvana vaIsiraeri vose, vanhu vose vakachema kwazvo.
5. Ipapo vakatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Bhokimi, vakabayirapo Jehovha.
6. Zvino Joshua wakati aendisa vanhu, vana vaIsiraeri vakaenda mumwe nomumwe kunhaka yake, kuti vagare panyika yavo.
7. Vanhu vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vaona mabasa makuru akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha.
8. Zvino Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha akafa, ava namakore ane zana negumi.
9. Vakamuviga panyika yenhaka yake paTiminati-heresi, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi.
10. Zvino vorudzi urwo rwose vakasanganiswa namadzibaba avo, rumwe rudzi rukamuka shure kwavo rwakanga rusingazivi Jehovha, kana basa raakaitira vaIsiraeri.
11. Vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira Bhaari;
12. vakarasha Jehovha Mwari wamadzibaba avo, wakanga avabudisa munyika vakatevera vamwe vamwari vavanhu vakanga vakavapoteredza, vakavapfugamira, vakatsamwisa Jehovha.
13. Vakarasha Jehovha, vakashumira Bhaari neAshitaroti.
14. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira vaIsiraeri, akavaisa mumaoko avaparadzi vakavaparadza, akavatengesa mumaoko avavengi vavo vakanga vakavapoteredza; naizvozvo vakanga vasingagoni kumira pamberi pavavengi vavo.
15. Pose-pose pavaienda, ruoko rwaJehovha rwairwa navo nokuvaitira zvakaipa, sezvakanga zvataurwa naJehovha, uye sezvavakanga vapikirwa naJehovha; vakatambudzika kwazvo.
16. Zvino Jehovha akamutsa vatongi, vaivarwira mumaoko avaivaparadza.
17. Kunyange zvakadaro havana kuteerera vatongi vavo, nokuti vakapata vachitevera vamwe vamwari, vakavapfugamira; vakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madzibaba avo, vaiteerera mirairo yaJehovha; asi ivo havana kuita saizvozvo.
18. Zvino Jehovha waiti kana achinge achivamutsira mutongi, Jehovha waiva nomutongi uyo, ndokuvarwira pamaoko avavengi vavo mazuva ose omutongi uyo; nokuti Jehovha wakazvidemba pamusoro pokugomba kwavo nokuda kwavaivamanikidza nokuvanetsa.
19. Asi kana mutongi afa, vakadzokazve, vakaita zvakaipa kupfuura madzibaba avo, pakutevera vamwe vamwari, nokuvashumira, nokuvapfugamira; havana kurega mabasa avo kana mufambiro wemoyo yavo mikukutu.
20. Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akati, "Rudzi urwu zvarwakadarika sungano yangu, yandakaita namadzibaba avo, vakasateerera inzwi rangu,
21. neniwo handichazodzingi pamberi pavo rudzi rumwe rwendudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake;
22. kuti ndiidze vaIsiraeri nadzo, kana vachida kuchengeta nzira yaJehovha, kana vachida kufambamo, sezvayaichengetwa namadzibaba avo, kana vasingadi."
23. Naizvozvo Jehovha akasiya ndudzi idzo, akasakurumidza kudzidzinga; uye haana kudziisa muruoko rwaJoshua.

  Judges (2/21)