| ← Judges (17/21) → |
| 1. | Zvino kwakanga kuno murume panyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Mika. |
| 2. | Iye akati kuna mai vake, "Mashekeri aya esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe amakabirwa, mukatuka mubi wazvo, mukataurawo izvozvo ini ndichizvinzwa, tarirai sirivha iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora." Ipapo mai vake vakati, "Mwanakomana wangu ngaaropafadzwe naJehovha!" |
| 3. | Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, "Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo." |
| 4. | Zvino wakati adzosera mari iyo kuna mai vake, mai vake vakatora mashekeri esirivha ana mazana maviri, akaapa muumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; zvikagara mumba maMika. |
| 5. | Zvino murume uyu Mika wakanga ane imba yavamwari, akaita efodhi neterafimi, akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave mupirisiti wake. |
| 6. | Pamazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; munhu mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka. |
| 7. | Zvino kwakanga kune jaya raibva Bheterehemu-judha, weimba yaJudha, waiva muRevhi, wakanga agerepo. |
| 8. | Murume uyu akabva paguta, paBheterehemu-judha, kundozvitsvakira nzvimbo yokugara; pakufamba kwake akasvika panyika yamakomo yaEfuremu paimba yaMika. |
| 9. | Mika akati kwaari, "Wabvepiko?" Iye akati kwaari, "Ndiri muRevhi weBheterehemu-judha, ndinotsvaka kwandingagara." |
| 10. | Mika akati kwaari, "Gara neni, uve baba vangu nomupirisiti wangu, ndikupe mashekeri esirivha ane gumi pagore nenguvo dzokupfeka nezvokudya zvako." Ipapo muRevhi akapinda. |
| 11. | MuRevhi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikava somumwe wavanakomana vake. |
| 12. | Mika akagadza muRevhi, jaya iro rikava mupirisiti wake, akagara mumba maMika. |
| 13. | Zvino Mika akati, "Ndinoziva kuti Jehovha uchandiitira zvakanaka, zvandava nomupirisiti wangu ari muRevhi." |
| ← Judges (17/21) → |