Judges (17/21)  

1. Zvino kwakanga kuno murume panyika yamakomo yaEfuremu, wainzi Mika.
2. Iye akati kuna mai vake, "Mashekeri aya esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe amakabirwa, mukatuka mubi wazvo, mukataurawo izvozvo ini ndichizvinzwa, tarirai sirivha iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora." Ipapo mai vake vakati, "Mwanakomana wangu ngaaropafadzwe naJehovha!"
3. Akadzosera mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe kuna mai vake; mai vake vakati, "Zvirokwazvo, sirivha iyi ndinoitsaurira Jehovha, kuti mwanakomana wangu aite nayo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; naizvozvo zvino ndichakudzosera iyo."
4. Zvino wakati adzosera mari iyo kuna mai vake, mai vake vakatora mashekeri esirivha ana mazana maviri, akaapa muumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa; zvikagara mumba maMika.
5. Zvino murume uyu Mika wakanga ane imba yavamwari, akaita efodhi neterafimi, akagadza mumwe wavanakomana vake kuti ave mupirisiti wake.
6. Pamazuva iwayo kwakanga kusina mambo pakati pavaIsiraeri; munhu mumwe nomumwe waiita sezvaakafunga kuti ndizvo zvakanaka.
7. Zvino kwakanga kune jaya raibva Bheterehemu-judha, weimba yaJudha, waiva muRevhi, wakanga agerepo.
8. Murume uyu akabva paguta, paBheterehemu-judha, kundozvitsvakira nzvimbo yokugara; pakufamba kwake akasvika panyika yamakomo yaEfuremu paimba yaMika.
9. Mika akati kwaari, "Wabvepiko?" Iye akati kwaari, "Ndiri muRevhi weBheterehemu-judha, ndinotsvaka kwandingagara."
10. Mika akati kwaari, "Gara neni, uve baba vangu nomupirisiti wangu, ndikupe mashekeri esirivha ane gumi pagore nenguvo dzokupfeka nezvokudya zvako." Ipapo muRevhi akapinda.
11. MuRevhi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikava somumwe wavanakomana vake.
12. Mika akagadza muRevhi, jaya iro rikava mupirisiti wake, akagara mumba maMika.
13. Zvino Mika akati, "Ndinoziva kuti Jehovha uchandiitira zvakanaka, zvandava nomupirisiti wangu ari muRevhi."

  Judges (17/21)