Judges (16/21)  

1. Zvino Samusoni wakaenda Gaza, akaonapo mukadzi waiva chifeve akapinda kwaari.
2. VaGaza vakaudzwa, zvichinzi, "Samusoni wasvika pano." Ivo vakamukomba, vakamuvandira usiku hwose pasuo reguta, vakaramba vanyerere usiku hwose, vachiti, "Mangwana kana kwaedza tichamuuraya."
3. Samusoni akavata kusvikira pakati pousiku, akamuka pakati pousiku, akabata masasa esuo reguta, namatanda aro maviri, akaavhomora pamwechete nomuzariro waro, akaaisa pamafudzi ake, ndokuatakurira kugomo riri pamberi peHebhuroni.
4. Zvino pashure akada mukadzi wakanga agere pamupata weSoreki, wainzi Dherira.
5. Madzishe avaFirisitia akakwira kumukadzi, akati kwaari, "Munyengetedze, uone kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timumanikidze; ipapo mumwe nomumwe wedu uchakupa mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe."
6. Zvino Dherira akati kuna Samusoni, "Ndiudze hako kuti simba rako guru rinobvepi, uye kuti ungasungwa neiko, umanikidzwe."
7. Samusoni akati kwaari, "Kana vakandisunga namarunda matsva manomwe achigere kuomeswa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu."
8. Ipapo madzishe avaFirisitia akamuvigira marunda matsva manomwe achigere kuomeswa, iye akamusunga nawo.
9. Zvino wakanga ana vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Akati kwaari, "Samusoni, vaFirisitia vasvika!" Iye akadambura marunda, sezvinodamburwa rwonzi rworuchinda kana rwanzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikanwa.
10. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, "Tarira, wandidadira, nokundirevera nhema; zvino chindiudza hako kuti ungasungwa nei?"
11. Akati kwaari, "Kana vakangondisunga havo namabote matsva, asina kumbobatisa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu."
12. Ipapo Dherira akatora mabote matsva, akamusunga nawo, akati kwaari, "Samusoni, vaFirisitia vasvika!" Vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Ipapo akaadambura pamaoko ake soruchinda.
13. Dherira akati kuna Samusoni, "Kusvikira zvino wakanga uchingondidadira, uchindirevera nhema; chindiudza hako kuti ungasungwa nei?" Akati kwaari, "Kana ukarukira mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wangu pamwechete nomucheka unorukwa."
14. Iye akarisunga nembambo, akati kwaari, "Samusoni, vaFirisitia vasvika!" Ipapo akapepuka pahope dzake, akavhomora mbambo yedanda pamwechete nomucheka wakarukwa.
15. Iye akati kwaari, "Zvino ungataura seiko uchiti, `Ndinokuda, kana moyo wako usinganditendi? Zvino wandidadira katatu, usingandiudzi kuti simba rako guru rinobvepi?' "
16. Zvino wakati achingomutambudza mazuva ose namashoko ake, achigombedzera, moyo wake ukanetswa kusvikira pakufa.
17. Akamuudza nomoyo wake wose akati kwaari, "Musoro wangu hauna kutongoveurwa nechisvo, nokuti ndiri muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, ndingashaiwa simba, ndikaita somumwe munhu."
18. Zvino Dherira wakati aona kuti wamuudza nomoyo wake wose, akatuma munhu kundodana madzishe avaFirisitia, akati, "Kwirai henyu kuno nguva ino, nokuti wandiudza nomoyo wake wose." Ipapo madzishe avaFirisitia vakakwira kwaari, vakauya nemari mumaoko avo.
19. Iye akamuvatisa pamabvi ake, akadana munhu kuzoveura mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wake; akatanga kumumanikidza; simba rake rikabva kwaari.
20. Akati, "Samusoni, vaFirisitia vasvika!" Ipapo Samusoni akapepuka pahope dzake, akati, "Ndichabuda nguva inowo sapane dzimwe nguva, ndikazvisunungura," asi wakanga asingazivi kuti lehovha wakanga abva kwaari.
21. Zvino vaFirisitia vakamubata, vakamutumbura meso, vakaburuka naye Gaza, ndokumusunga nezvisungo zvendarira, akauya mutorongo.
22. Asi vhudzi romusoro wake rakatanga kurebazve shure kwokuveurwa kwake.
23. Zvino madzishe avaFirisitia akaungana pamwechete kuzobayira Dhagoni mwari wavo chibayiro chikuru, ndokufara; nokuti vakati, "Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu Samusoni."
24. Zvino vanhu vakati vachimuona, vakarumbidza mwari wavo, nokuti vakati, "Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu, nomuparadzi wenyika yedu, wakauraya vazhinji vedu."
25. Zvino moyo yavo yakati yofara, vakati, "Chidanai Samusoni, atitambire." Vakandodana Samusoni mutorongo, akatamba pamberi pavo, vakamuisa pakati pembiru.
26. Zvino Samusoni akati kumukomana wakanga akabata ruoko rwake, "Nditendere kuti ndibate mbiru dzakatsigira imba, ndisendamire padziri."
27. Zvino imba yakanga izere navarume navakadzi; namadzishe avaFirisitia akanga arimo ose; napamusoro pedenga pakanga pana varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu, vakanga vachitarira kutamba kwaSamusoni.
28. Ipapo Samusoni akadana kuna Jehovha akati, "Ishe Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, imwi Mwari, nditsivirwe meso angu maviri kuvaFirisitia."
29. Samusoni akabata mbiru mbiri dzapakati, dzakanga dzakatsigira imba, akadzisunda, imwe noruoko rwake rworudyi neimwe noruoko rwake rworuboshwe.
30. Ipapo Samusoni akati, "Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia." Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa naye achiri mupenyu.
31. Zvino hama dzake, navose veimba yababa vake, vakaburuka, vakamutora, vakakwira naye, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, pabwiro yaManoa, baba vake. Iye wakatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri.

  Judges (16/21)