| ← Judges (15/21) → | 
| 1. | Asi nguva duku yakati yapera, panguva yokukohwa zviyo, Samusoni akandoshanyira mukadzi wake, akabata mbudzana; akati, "Ndinoda kupinda kumukadzi wangu mumba." Asi baba vake vakaramba kumutendera kupinda. | 
| 2. | Baba vake vakati, "Zvirokwazvo, ndakati wamuvenga kwazvo; saka ndakamupa shamwari yako. Ko munun’una wake haamupfuuri nokunaka here? Mutore hake iye panzvimbo yake." | 
| 3. | Samusoni akati kwavari, "Nguva ino handingavi nemhosva kuvaFirisitia, kana ndikavaitira zvakaipa." | 
| 4. | Ipapo Samusoni akandobata makava ana mazana matatu, akatora mazhenje, akabatanidza miswe miviri-miviri, ndokuisa zhenje pakati pemiswe miviri. | 
| 5. | Zvino akatungidza mazhenje, ndokuaregedza, akapinda muzviyo zvavaFirisitia zvakanga zvaunganidzwa nezvakanga zvigere kukohwiwa, neminda yemizambiringa neyemiorivhi. | 
| 6. | Ipapo vaFirisitia vakati, "Ndianiko waita izvozvo?" Vakati, "NdiSamusoni, mukuwasha womuTimuna, nokuti wakatora mukadzi wake, akamupa shamwari yake." Zvino vaFirisitia vakakwira, vakamupisa iye nomukadzi nababa vake nomoto. | 
| 7. | Samusoni akati kwavari, "Kana mukaita saizvozvo, zvirokwazvo ndichakutsivai, pashure ndigorega." | 
| 8. | Akavarova pazvidya nezviuno, akavauraya nokuuraya kukuru; akaburuka, akandogara pabako redombo reEtami. | 
| 9. | Zvino vaFirisitia vakakwira, vakandodzika matende avo paJudha, vakapararira muRehi. | 
| 10. | Varume vaJudha vakati, "Makwirireiko kuzorwa nesu." Ivo vakati, "Takwira kuzosunga Samusoni, timuitire sezvaakatiitira isu." | 
| 11. | Ipapo varume vaJudha vakanga vane zviuru zvitatu vakaburukira kubako redombo reEtami, vakati kuna Samusoni, "Hauzivi kuti vaFirisitia vabati vedu here? Chinyiko ichi chawatiitira?" Akati kwavari, "Sezvavakandiitira ini, ndizvo zvandakavaitirawo." | 
| 12. | Vakati kwaari, "Isu taburukira kuno kuzokusunga, kuti tikuise mumaoko avaFirisitia." Samusoni akati kwavari, "Pikai kwandiri, kuti imwi hamungandivambi mumene." | 
| 13. | Vakataura naye, vakati, "Kwete; asi tichakusunga, nokukuisa mumaoko avo; asi zvirokwazvo hatingakuurayi." Vakamusunga netambo mbiri itsva, vakakwira naye vachibva padombo. | 
| 14. | Zvino wakati achisvika Rehi, vaFirisitia vakamupurudzira. Ipapo Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru; tambo dzakanga dzakasunga maoko ake dzikafanana noruchinda rwakatsva nomoto, zvisungo zvake zvikanyauka pamaoko ake. | 
| 15. | Akawana rushaya rwembongoro, akatambanudza ruoko rwake, akarutora, ndokuuraya varume vana mazana ane gumi narwo. | 
| 16. | Ipapo Samusoni akati,"Norushaya rwembongoro ndakauraya boka namapoka, Norushaya rwembongoro ndakauraya vana mazana ane gumi." | 
| 17. | Zvino wakati apedza kutaura, akakanda kure rushaya rwakanga ruri muruoko rwake nzvimbo iyo ikanzi Ramafirehi. | 
| 18. | Ipapo akanzwa nyota kwazvo, akachema kuna Jehovha, akati, "Matirwira kwazvo noruoko rwomuranda wenyu; zvino ndichafa nenyota, ndikawira mumaoko avasina kudzingiswa." | 
| 19. | Asi Mwari wakapamura mukaha paRehi, mvura ikabudapo; zvino wakati anwa, mweya wake ukadzokera maari, akaponazve; naizvozvo ipapo pakatumidzwa Enihakori, tsime riri paRehi kusvikira nhasi. | 
| 20. | Iye akatonga vaIsiraeri makore makumi maviri pamazuva avaFirisitia. | 
| ← Judges (15/21) → |