Judges (14/21)  

1. Zvino Samusoni wakaburukira Timuna, akaona paTimuna mukadzi pakati pavakunda vavaFirisitia.
2. Akakwira akandoudza baba vake namai vake, akati, "Ndaona mukadzi paTimuna pakati pavakunda vavaFirisitia; naizvozvo zvino nditorerei iye, ave mukadzi wangu."
3. Ipapo baba vake namai vake vakati kwaari, "Ko pakati pavakunda vehama dzako, kana pakati pavanhu vangu vose, hapano mukadzi here, zvowoda kundozvitorera mukadzi pakati pavaFirisitia vasina kudzingiswa?" Samusoni akati kuna baba vake, "Nditorerei iye, nokuti unondifadza kwazvo."
4. Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti zvakanga zvichibva kuna Jehovha, nokuti wakanga achitsvaka mhaka yokurwa navaFirisitia. Zvino nenguva iyo vaFirisitia vakanga vakabata Isiraeri.
5. Zvino Samusoni wakaburukira Timuna nababa vake namai vake, vakasvika paminda yemizambiringa paTimuna; onei mwana weshumba ukamuombera.
6. Ipapo Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana, zvino wakanga asina chinhu muruoko rwake; asi haana kuudza baba vake kana mai vake zvaakanga aita.
7. Akaburuka, akandotaura nomukadzi, iye akafadza Samusoni kwazvo.
8. Zvino nguva yakati yapfuura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoona chitunha cheshumba, ndokuona bumha renyuchi muchitunha cheshumba, nouchi.
9. Akahutora namaoko ake, akaenda achidya; akasvika kuna baba vake namai vake, akavapa vakadyawo; asi haana kuvaudza kuti wakanga abura uchi muchitunha cheshumba.
10. Baba vake vakaburukira kumukadzi, Samusoni akagadzirapo mutambo, nokuti majaya aisiita saizvozvo.
11. Zvino vakati vachimuona, vakauya neshamwari dzina makumi matatu kuzova naye.
12. Samusoni akati kwavari, "Nditaurirei chirabwe zvino; kana mukagona kundidudzira icho pamazuva manomwe omutambo, mukawana dudziro yacho, ini ndichakupai nguvo dzomucheka dzina makumi matatu nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu.
13. Asi kana musingagoni kundidudzira icho, imwi muchafanira kundipa nguvo dzomucheka dzina makumi matatu, nehanzu dzakanaka dzina makumi matatu." Ivo vakati kwaari, "Chitaura hako chirabwe, chako, tichinzwe."
14. Akati kwavari, "Chokudya chakabuda kumudyi, Uye zvinotapira zvakabuda kuno une simba."Asi vakanga vasingagoni kududzira chirabwe icho namazuva matatu.
15. Zvino nezuva rechinomwe vakati kumukadzi waSamusoni, "Nyengetedza murume wako, atidudzire chirabwe, tirege kukupisa nomoto, iwe naveimba yababa vako; makatidana kuti mutitorere zvatinazvo kanhi? Ndizvo here?"
16. Ipapo mukadzi waSamusoni wakachema kumurume wake, akati, "Unondivenga hako, haundidi; wakataurira vana vavanhu vangu chirabwe, asi hauna kundiudza icho ini." Akati kwaari, "Tarira, handina kuchiudza baba vangu kana mai vangu; zvino ndingakuudza icho iwe here?"
17. Akaramba achichema kwaari mazuva manomwe panguva yomutambo; zvino nezuva rechinomwe akamuudza, nokuti wakamutambudza kwazvo; ipapo akandoudza vana vavanhu vake chirabwe icho.
18. Nezuva rechinomwe zuva richigere kuvira, varume veguta vakati kwaari, "Ko chinotapira kukunda uchi chinyi? Uye chine simba kukunda shumba chinyiko?"Iye akati kwavari, "Dai musina kurima netsiru rangu, Hamuzaiwana chirabwe changu."
19. Mweya waJehovha akauya pamusoro pake nesimba guru, akaburukira Ashikeroni, akauraya varume vana makumi matatu kwavari, akatora nguvo dzavo, akandopa vakadudzira chirabwe hanzu dzavo dzakanaka. Asi kutsamwa kwake kwakanga kwamutswa kwazvo, akadzokera kumba kwababa vake.
20. Asi mukadzi waSamusoni akapiwa shamwari yake, wakanga amuperekedza.

  Judges (14/21)