Judges (13/21)  

1. Zvino vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko avaFirisitia makore ana makumi mana.
2. Zvino kwakanga kuno mumwe murume weZora, weimba yaDhani, wainzi Manoa; mukadzi wake wakanga asina mwanakomana, asingabereki.
3. Mutumwa waJehovha akazviratidza kumukadzi uyu, akati kwaari, "Tarira zvino, iwe haubereki, hauno mwana; asi uchava nemimba, nokubereka mwanakomana.
4. Naizvozvo zvino chichenjera hako kuti urege kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka;
5. nokuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia."
6. Zvino mukadzi akandoudza murume wake, akati, "Munhu waMwari wakauya kwandiri, chiso chake chakanga chakafanana nechiso chomutumwa waMwari, chaityisa kwazvo; handina kumubvunza kuti unobvepi, uye iye haana kundiudza zita rake;
7. asi wakati kwandiri, `Tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; zvino chirega kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, usadya chinhu chisina kunaka, nokuti mwana uyu uchava muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake kusvikira pazuva rokufa kwake.' "
8. Ipapo Manoa akakumbira kuna Jehovha, akati, "Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa."
9. Jehovha akanzwa inzwi raManoa; mutumwa waMwari akauyazve kumukadzi agere pamunda; asi Manoa, murume wake, wakanga asiko kwaari.
10. Mukadzi akakurumidza, akamhanya, akandoudza murume wake, akati kwaari, "Tarira, murume uya wazviratidzazve kwandiri, iye wakadeya kuuya kwandiri musi uya."
11. Manoa akasimuka, akatevera mukadzi, wake akasvika kumurume, akati kwaari, "Ndiwe murume wakataura nomukadzi here?" Iye akati, "Ndini."
12. Manoa akati, "Zvino kana mashoko enyu achinge aitika, tsika dzomwana dzinofanira kuva dzipi, nebasa rake rinofanira kuva reiko?"
13. Mutumwa waJehovha akati kuna Manoa; "Mukadzi ngaachenjere pamusoro pezvose zvandakamuudza.
14. Haafaniri kudya chinhu chipi nechipi chinobva pamuti womuzambiringa; haafaniri kunwa waini, kana zvimwe zvinobata, kana kudya chinhu chisina kunaka; ngaachengete zvose zvandakamuraira."
15. Manoa akati kumutumwa waJehovha, "Titenderei henyu tikunonosei, tikugadzirirei mbudzana."
16. Mutumwa waJehovha akati' kuna Manoa, "Kunyange ukandinonosa, handingadyi chingwa chako; kana ukada kugadzira chipiriso chinopiswa, unofanira kuchipa Jehovha." Nokuti Manoa wakanga asingazivi kuti mutumwa waJehovha.
17. Manoa akati kumutumwa waJehovha, "Zita renyu ndianiko? Kuti tizive kukukudzai kana mashoko enyu achizoitika?"
18. Mutumwa waJehovha akati kwaari, "Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?"
19. Ipapo Manoa akatora mbudzana pamwechete nechipiriso chezvokudya, akazvibayira Jehovha padombo; mutumwa akaita chinhu chinoshamisa, Manoa nomukadzi wake vakataririra.
20. Nokuti murazvo womoto wakati uchikwira kudenga uchibva paatari, mutumwa waJehovha ndokukwira mumurazvo weatari, Manoa nomukadzi wake vakataririra; vakawira pasi nezviso zvavo.
21. Asi mutumwa waJehovha haana kuzozviratidzazve kuna Manoa, kana kumukadzi wake. Ipapo Manoa akaziva kuti mutumwa waJehovha.
22. Zvino Manoa akati kumukadzi wake, "Tichafa zvirokwazvo, nokuti takaona Mwari."
23. Asi mukadzi wake wakati kwaari, "Dai Jehovha aida kutiuraya, ungadai asina kugamuchira chipiriso chinopiswa chezvokudya pamaoko edu; ungadai asina kutiratidza mashoko akadai panguva ino."
24. Zvino mukadzi akapona mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Samusoni; mwana akakura, Jehovha akamuropafadza.
25. Mweya waJehovha akatanga kumumutsa paMahanedhani, pakati peZora neEshitaori.

  Judges (13/21)