Judges (10/21)  

1. Shure kwaAbhimereki, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, murume waIsakari, wakamuka akaponesa Isiraeri; iye waigara paShamiri panyika yamakomo yaEfuremu.
2. Iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namatatu, akafa; akavigwa paShamiri.
3. Shure kwake Jairi muGiriyadhi wakamuka, iye akatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri namaviri.
4. Wakanga ana vanakomana vana makumi matatu, vaitasva vana vembongoro vana makumi matatu, uye vakanga vana maguta ana makumi matatu, anonzi Havhori-jairi kusvikira nhasi, ari munyika yeGiriyadhi.
5. Jairi akafa, akavigwa paKamoni.
6. Vana vaIsiraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vaBhaari navaAshitaroti navamwari vavaSiria, navamwari veSidhoni, navamwari vaMoabhu, navamwari vavana vaAmoni, navamwari vavaFirisitia; vakarasha Jehovha, vakasamushumira.
7. Ipapo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vaIsiraeri, akavatengesa mumaoko avaFirisitia, nomumaoko avana vaAmoni.
8. Ivo vakanetsa nokumanikidza vana vaIsiraeri gore iro; vakamanikidza vana vaIsiraeri vose vakanga vagere mhiri kwaJorodhani munyika yavaAmori, yaiva paGiriyadhi, makore ane gumi namasere.
9. Zvino vana vaAmoni vakayambuka Jorodhani , vakarwawo navaJudha, navaBhenjamini, uye neimba yavaEfuremu; naizvozvo vaIsiraeri vakamanikidzwa kwazvo.
10. Zvino vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha, vakati, "Takakutadzirai imwi, nokuti takarasha Mwari wedu, tikashumira vaBhaari."
11. Jehovha akati kuvana vaIsiraeri, "Handina kukuponesai here pavaIjipiti, navaAmori, navana vaAmoni, navaFirisitia?
12. VaSidhoni, navaAmareki, navaMaoni vakakutambudzaiwo, imwi mukachema kwandiri, ndikakuponesai pamaoko avo.
13. Kunyange zvakadaro makandirasha, mukandoshumira vamwe vamwari; naizvozvo handina kukuponesaizve.
14. Endai mundochema henyu kuvamwari vamakazvisanangurira; ivo ngavakuponesei panguva yokutambudzika kwenyu."
15. Vana vaIsiraeri vakati kuna Jehovha, "Takatadza; tiitirei henyu sezvamunofunga, asi tinokumbira kuti mutirwirei henyu nhasi."
16. Ipapo vakarasha vamwari vatorwa vakanga vari pakati pavo, vakashumira Jehovha; moyo wake ukachema pamusoro pokutambudzika kwavaIsiraeri.
17. Zvino vana vaAmoni vakanga vaungana, vakadzika matende avo paGiriyadhi. Vana vaIsiraeri vakaunganawo, vakadzika matende avo paMizipa.
18. Zvino vanhu, iwo machinda aGiriyadhi, vakataurirana, vakati, "Ndianiko munhu uchatanga kurwa navana vaAmoni? Iye uchava mukuru wavose vagere Giriyadhi."

  Judges (10/21)