| Jude (1/1) |
| 1. | Judhasi, muranda waJesu Kristu, munun’una waJakobho, kuna vakaitwa vatsvene vakadanwa, vakadikanwa munaMwari Baba, vakachengetwa munaJesu Kristu: |
| 2. | Ngoni, norugare, norudo ngazviwanzwe kwamuri. |
| 3. | Vadikanwa, ndakati ndichishingaira zvikuru kukunyorerai pamusoro pokuponeswa kwedu tose, ndakavona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurairai kuti murwire kwazvo kutenda kwakadeya kupiwa vatsvene kamwe. |
| 4. | Nokuti kuna vamwe varume vakapinda pakavanda, vakagara vaisirwa kare kutongwa uku, vanhu vasingadi Mwari vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita vutere, vachiramba tenzi uyu mumwe chete, Ishe wedu Jesu Kristu. |
| 5. | Zvino ndinoda kukuyevudzai, kunyange maizviziva henyu kamwe kare zvose, kuti Ishe, wakati amborwira vanhu munyika yeIjipiti, akazoparadza avo vakanga vasingatendi. |
| 6. | Navatumwa, vasinakuchengeta vukuru bwavo, asi vakasiya pavaifanira kugara, wakavachengeta muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru; |
| 7. | seSodhoma neGomora, namaguta akapoteredza, akazvipa kwazvo saivo kuvupombwe nokutevera imwe nyama, akaitwa chiratidzo, akarobwa nomoto usingaperi. |
| 8. | Kunyange zvakadaro, vanhu ava pakurota kwavo vanosvibisa nyama yavo saizvozvo, vachiramba vukuru, nokutuka avo vanokubwinya. |
| 9. | Asi Mikaeri, mutumwa mukuru, nguva yaakarwa naDhiabhorosi, akaita nharo naye pamusoro pomuviri waMosesi, wakatya kumupa mhosva namashoko okutuka, asi wakati: Ishe ngaakuraire. |
| 10. | Asi vanhu ava vanotuka zvavasingazivi; napazvinhu izvo, zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingazivi, vanoparadzwa pazviri. |
| 11. | Vanenhamo, nokuti vakafamba nenzira yaKaini, vakapengera kukutsauka kwaBharami nokuda kwomubairo, vakaparadzwa nokukakavara kwaKora. |
| 12. | Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo, kana vodya nemi vasingatyi, vafudzi vanongozvifudza ivo; makore asinamvura, anotinhwa nemhepo; miti yechando isinezvibereko, yakafa kaviri, yakadzurwa nemidzi; |
| 13. | mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinofamba-famba, vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi. |
| 14. | Enoki, wechinomwe kubva kunaAdhama, wakaprofitera ivava, achiti: Tarira, Ishe wakavuya navatsvene vake vanezvuru zvamazana, |
| 15. | kuti atonge vose, nokurova vose vasingadi Mwari pamusoro pamabasa avo ose okusada Mwari, avakaita nokusada kwavo Mwari, napamusoro pamashoko ose makukutu akataurwa navatadzi vasingadi Mwari. |
| 16. | Ivo van’un’uni navasingatendi nezvavanazvo, vanofamba nokuchiva kwavo; (miromo yavo inotaura mashoko okuzvikudza), vachikudza vanhu nokuda kwokufumiswa. |
| 17. | Asi imi vadikanwa, rangarirai mashoko akadeya kutaurwa navaapostora vaShe wedu, Jesu Kristu; |
| 18. | kuti vakakuvudzai kuti nenguva yokupedzisira vaseki vachava’ko, vanofamba nokuchiva kwavo vasingadi Mwari. |
| 19. | Ndivo vanoparadzanisa, ndovenyama, vasinoMweya. |
| 20. | Asi imi vadikanwa, muzvivake pakutenda kwenyu kutsvene tsvene, munyengetere muMweya Mutsvene, |
| 21. | Muzvichengete murudo rwaMwari, muchitarira ngoni dzaShe wedu, Jesu Kristu, muve novupenyu bwusingaperi. |
| 22. | Ivai nengoni navamwe vanenyunyuto, |
| 23. | muvaponese muchivabvuta pamoto; vamwe muvaponese nokutya. muchivenga kunyange nenguvo yakasvibiswa nenyama. |
| 24. | Zvino kunaiye unogona kukuchengetai, kuti murege kugumburwa, nokukuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamungapomerwa, muchifara kwazvo, |
| 25. | kunaMwari mumwe chete wakachenjera, Muponesi wedu, naJesu Kristu, Ishe wedu, ngakuve kubwinya, novumambo, nesimba, novushe, zvino, nokusingaperi. Ameni. |
| Jude (1/1) |