| ← Joshua (7/24) → |
| 1. | Asi vana vaIsiraeri vakadarika pachinhu chakayereswa; nokuti Akani, mwanakomana waKarimwi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha, wakatora chinhu chezvakayereswa; kutsamwa kwaJehovha kukamukira vana vaIsiraeri. |
| 2. | Joshua akatuma varume vabve Jeriko vaende Ai, guta riri parutivi rweBheti-avheni, kumabvazuva eBheteri, akataura navo, akati, "Kwirai, mundoshora nyika." Varume vakakwira, vakandoshora Ai, |
| 3. | Vakadzokera kuna Joshua, vakati kwaari, "Vanhu vose ngavarege kukwira; varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu ngavaende kundorwa neAi, asi vanhu vose ngavarege havo kutambudzwa kuendako, nokuti vashoma havo." |
| 4. | Naizvozvo varume vanenge zviuru zviviri kana zvitatu vakaendako, ivo vakatiza pamberi pavarume veAi. |
| 5. | Varume veAi vakauraya varume vanenge makumi matatu navatanhatu vavo, vakavateverera kubva pamberi pesuo kusvikira Shebharimi, vachivauraya pakuburuka kwavo; ipapo moyo yavanhu yakanyauka, ikaita semvura. |
| 6. | Zvino Joshua akabvarura nguvo dzake, akawira pasi nechiso chake pamberi peareka yaJehovha kusvikira madekwana, iye navakuru vavaIsiraeri, vakaisa guruva pamisoro yavo. |
| 7. | Joshua akati, "Haiwa! Ishe Mwari, makayambusireiko vanhu ava paJorodhani, kuti mutiise mumaoko avaAmori, vatiparadze? Dai takatenda hedu kugara mhiri kwaJorodhani! |
| 8. | Haiwa, Ishe, ndichati kudiniko, vaIsiraeri zvavakafuratira vavengi vavo! |
| 9. | Nokuti vaKenani navose vagere munyika ino vachazvinzwa, vachatikomba, nokudzima zita redu panyika; zvino zita renyu guru muchariiteiko?" |
| 10. | Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, "Simuka, wawireiko kudai pachiso chako? |
| 11. | VaIsiraeri vatadza, vadarika sungano yangu yandakavaraira; vatora chinhu chakayeriswa, vabavo, nokunyengera, nokuchiviga pakati penhumbi dzavo. |
| 12. | Naizvozvo vana vaIsiraeri havangagoni kukunda vavengi vavo, vanofuratira vavengi vavo, nokuti vava vanhu vakatukwa; handichazovi nemi, kana musingaparadzi chinhu chakayereswa pakati penyu. |
| 13. | Simuka, utsaure vanhu, uti, `Zvitsaurirei mangwana, nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri: Kune chinhu chakayeriswa pakati penyu, Isiraeri; hamungakundi vavengi venyu, kusvikira mabvisa chinhu chakayeriswa pakati penyu.' |
| 14. | Naizvozvo mangwana munofanira kuswedera namarudzi enyu; zvino rudzi runobatwa naJehovha, runofanira kuswedera nedzimba dzarwo, neimba inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera nemhuri dzayo, nemhuri inobatwa naJehovha, inofanira kuswedera murume mumwe nomumwe. |
| 15. | Zvino uyo unobatwa ane chinhu chakayereswa, anofanira kupiswa nomoto, iye nezvose zvaanazvo; nokuti wakadarika sungano yaJehovha, uye nokuti wakaita chinhu chakaipa kwazvo pakati paIsiraeri." |
| 16. | Naizvozvo Joshua wakamuka mangwanani, akaswededza vaIsiraeri namarudzi avo; rudzi rwaJudha ndokubatwa; |
| 17. | zvino akaswededza dzimba dzaJudha, imba yaZera ikabatwa; zvino akaswededza murume mumwe nomumwe weimba yavaZera, Zabhedhi akabatwa; |
| 18. | zvino akaswededza mhuri yake, murume mumwe nomumwe, Akani mwanakomana waKarimi, mwanakomana waZabhedhi, mwanakomana waZera, worudzi rwaJudha akabatwa. |
| 19. | Zvino Joshua akati kuna Akani, "Mwana wangu, chikudza Jehovha Mwari waIsiraeri, uzvireurure kwaari; ndiudze zvino zvawakaita, usandivanzira izvo." |
| 20. | Ipapo Akani akapindura Joshua, akati, "Zvirokwazvo, ndakatadzira Jehovha Mwari waIsiraeri, ndakaita zvokuti nezvokuti; |
| 21. | ndakaona pakati pezvakapambwa nguvo yakanaka, inobva Bhabhironi, nesirivha yakasvika mashekeri ana mazana maviri, nechikamu chendarama chakasvika mashekeri ana makumi mashanu pakuyerwa kwacho; ipapo ndakazvichochora, ndikazvitora, tarirai, zvakavigwa pasi mutende rangu, sirivha iri pasi pazvo." |
| 22. | Naizvozvo Joshua akatuma nhume, ivo vakamhanyira kutende rake, vakandowana zvakavigwa mutende rake, sirivha iri pasi pazvo. |
| 23. | Vakazvibvisa mutende, vakazviisa kuna Joshua, nokuvana vaIsiraeri vose, vakazviisa pasi pamberi paJehovha. |
| 24. | Ipapo Joshua navaIsiraeri vose vakanga vanaye vakatora Akani, mwanakomana waZera, nesirivha, nenguvo, nembongoro dzake, namakwai ake, netende rake, nezvose zvaakanga anazvo, vakakwira navo kumupata weAkori. |
| 25. | Zvino Joshua akati, "Wakatipinzireiko padambudziko? Jehovha uchakupinza padambudziko nhasi." Ipapo vaIsiraeri vose vakamutaka namabwe, vakavapisa nomoto, nokuvataka namabwe. |
| 26. | Vakaunganidza pamusoro pake mabwe akaita murwi mukuru uripo kusvikira nhasi; Jehovha akazvidzora pakutsamwa kwake kukuru. Naizvozvo zita renzvimbo iyo rakanzi Mupata weAkori kusvikira nhasi. |
| ← Joshua (7/24) → |