Joshua (6/24)  

1. Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa kwazvo nokuda kwavana vaIsiraeri; kwakanga kusina munhu waibuda kana kupinda.)
2. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, "Tarira, ndakapa mumaoko ako Jeriko, namambo waro, navarume varo vane simba noumhare.
3. Munofanira kukomba guta, imwi varume vose vehondo, mupoteredze guta kamwe chete. Unofanira kuita saizvozvo mazuva matanhatu.
4. Vapirisiti vanomwe vanofanira kufamba pamberi peareka vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe; nomusi wechinomwe munofanira kupoteredza guta kanomwe, vapirisiti vachiridza hwamanda.
5. Zvino kana voridzisa norunyanga rwegondohwe, kana imwi muchinzwa kurira kwehwamanda, ipapo vanhu vose vanofanira kudanidzira nokudanidzira kukuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka chose, navanhu vanofanira kupinda, mumwe nomumwe ipapo pakaruramana naye."
6. Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, akadana vapirisiti, akati kwavari, "Simudzai areka yesungano, vapirisiti vanomwe vafambe vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha."
7. Akati kuvanhu, "Pfuurai, mupoteredze guta, varume vakashonga nhumbi dzokurwa vatungamirire areka yaJehovha."
8. Zvino Joshua wakati ataura navanhu, vapirisiti vanomwe vakatungamira vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe, vakaridza hwamanda, areka yesungano yaJehovha ikavatevera.
9. Varume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakatungamirira vapirisiti vakanga vachiridza hwamanda, navarindi veshure vakatevera areka, vapirisiti vakafamba vachingoridza hwamanda.
10. Zvino Joshua akaraira vanhu, akati, "Regai kudanidzira, namanzwi enyu ngaarege kunzwika, kana shoko rimwe ngarirege kubuda pamiromo yenyu, kusvikira pamusi wandinokurairai kuti mudanidzire; ipapo munofanira kudanidzira.
11. Naizvozvo wakaraira kuti areka yaJehovha ipoteredze guta, iripoteredze kamwe chete; vanhu vakapindazve mumisasa, vakavatamo.
12. Joshua akamuka mangwanani, vapirisiti vakasimudza areka yaJehovha.
13. Navapirisiti vanomwe vakanga vakabata hwamanda nomwe dzenyanga dzamakondohwe pamberi peareka yaJehovha, vakaramba vachifamba vachingoridza hwamanda; navarume vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa vakavatungamirira; navarindi veshure vakatevera areka yaJehovha, vapirisiti vakafamba vachingoridza hwamanda.
14. Nomusi wechipiri vakapoteredza guta kamwe chete, vakadzokera kumisasa; vakaita saizvozvo mazuva matanhatu.
15. Nomusi wechinomwe vakafumira mangwanani, vakapoteredza guta nomutoo iwoyo kanomwe; nomusi iwoyo bedzi vakapoteredza guta kanomwe.
16. Zvino panguva yechinomwe, vapirisiti vakati vachiridza hwamanda, Joshua akati kuvanhu, "Danidzirai, nokuti Jehovha wakupai guta.
17. Asi guta rinofanira kuyeriswa kuna Jehovha, iro nezvose zviri mukati maro; asi Rakabhi bedzi, chifeve chiya, ngaaregwe ari mupenyu, iye navose vari mumba make, nokuti wakavanza nhume dzatakatuma.
18. Asi imwi, chenjerai pazvinhu zvinoyera, kuti murege kutora chinhu chinoyera, mambochiyeresa, naizvozvo mungatukisa misasa yaIsiraeri mukaipinza mudambudziko.
19. Asi sirivha yose, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare zvitsvene kuna Jehovha; zvinofanira kuiswa muchivigiro chefuma chaJehovha."
20. Naizvozvo vanhu vakadanidzira, navapirisiti vakaridza hwamanda; zvino vanhu vakati vachinzwa kurira kwehwamanda, vanhu vakadanidzira nokudanidzira kukuru, rusvingo ndokukoromoka chose, vanhu vakakwira vachipinda muguta, mumwe nomumwe pakaruramana naye, vakakunda guta.
21. Vakaparadza chose nomunondo unopinza zvose zvakanga zviri muguta, varume navakadzi, vaduku navakuru, nenzombe, namakwai, nembongoro.
22. Joshua akati kuvarume vaviri vakanga vandoshora nyika, "Pindai muimba yechifeve, mubudise mukadzi nezvose zvaanazvo, sezvamakapika kwaari."
23. Zvino majaya iwayo, vashori, vakapinda, vakabudisa Rakabhi, nababa vake, namai vake, nehanzvadzi dzake, nezvose zvaakanga anazvo, vakabudisawo hama dzake dzose, vakavaisa kunze kwemisasa yaIsiraeri.
24. Ipapo vakapisa guta nomoto, nezvose zvakanga zviri mukati maro; asi sirivha, nendarama, nemidziyo yendarira, neyamatare, vakazviisa muchivigiro chefuma cheimba yaJehovha.
25. Asi Joshua wakarega Rakabhi, chifeve chiya, ari mupenyu, iye naveimba yababa vake, nezvose zvaakanga anazvo; iye akagara pakati paIsiraeri kusvikira nhasi; nokuti wakanga avanza nhume dzakatumwa naJoshua kundoshora Jeriko.
26. Nenguva iyo Joshua akavapikisa, achiti, "Munhu unozomuka akavaka guta iri reJeriko ngaatukwe; ucharashikirwa nedangwe rake kana achiteya nheyo dzaro, uye ucharashikirwa norugotwe rwake kana achimutsa masuo aro."
27. Naizvozvo Jehovha wakanga ana Joshua; mukurumbira wake ukanzwika panyika yose.

  Joshua (6/24)