← Joshua (4/24) → |
1. | Zvino rudzi rwose rwakati rwapedza kuyambuka Jorodhani, Jehovha akataura naJoshua, akati, |
2. | "Uzvitorere varume vane gumi navaviri kuvanhu, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe; |
3. | ugovaraira, uchiti, `Pano pakati paJorodhani, pakaramba pamire tsoka dzavapirisiti muzvitorere mabwe ane gumi namaviri, muyambuke nawo mundoaisa pavato, pamuchandovata usiku huno.' " |
4. | Ipapo Joshua akadana varume avo vane gumi navaviri, vaakanga agadza pakati pavana vaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe, |
5. | Joshua akati kwavari, "Tungamirirai areka yaJehovha Mwari wenyu, muyambuke kusvikira pakati paJorodhani, mumwe nomumwe wenyu anonge ibwe ariise pafudzi rake, aenzane namarudzi avana vaIsiraeri. |
6. | Kuti chinhu ichi chive chiratidzo pakati penyu, kuti kana vana venyu vachizobvunza pashure, vachiti, `Mabwe awa anoti kudiniko?' |
7. | imwi muti kwavari, `Nokuti mvura yaJorodhani yakagurwa pamberi peareka yesungano yaJehovha; nguva yayakayambuka Jorodhani, mvura yaJorodhani yakagurwa; mabwe awa achava chirangaridzo pakati pavana vaIsiraeri nokusingaperi.' " |
8. | Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakarairwa naJoshua, vakanonga mabwe ane gumi namaviri pakati paJorodhani, sezvakataura Jehovha kuna Joshua, akaenzana namarudzi avana vaIsiraeri, vakayambuka nawo, vakaatakura, kusvikira pavakandovata, vakaaisapo. |
9. | Zvino Joshua akamisa mabwe ane gumi namaviri mukati maJorodhani, pakanga pamire tsoka dzavapirisiti vaitakura areka yesungano; aripo kusvikira nhasi. |
10. | Nokuti vapirisiti vakanga vakatakura areka vakamira mukati maJorodhani kusvikira zvose zvapera zvakanga zvarairwa Joshua naJehovha, kuti azviudze vanhu, zvose zvakanga zvarairwa Joshua naMozisi; vanhu vakakurumidza kuyambuka. |
11. | Zvino vanhu vose vakati vapedza kuyambuka, areka yaJehovha ikayambukawo, navapirisiti pamberi pavanhu. |
12. | Navana vaRubheni, navana vaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, vakayambuka pamberi pavanhu, vakashonga nhumbi dzokurwa, sezvavakaudzwa naMozisi. |
13. | Vanenge vane zviuru zvina makumi mana, vakanga vakashonga nhumbi dzokurwa, ndivo vakayambuka pamberi paJehovha, vakaenda kumapani eJeriko kundorwa. |
14. | Nomusi uyo Jehovha akakudza Joshua pamberi pavaIsiraeri vose; vakamutya sezvavaitya Mozisi mazuva ose oupenyu hwake. |
15. | Zvino Jehovha akataura naJoshua, akati, |
16. | "Raira vapirisiti vanotakura areka yechipupuriro, kuti vakwire vabude mukati maJorodhani." |
17. | Naizvozvo Joshua akaraira vapirisiti, akati, "Kwirai, mubude mukati maJorodhani." |
18. | Zvino vapirisiti vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakati vakwira vabuda mukati maJorodhani, netsoka dzavapirisiti dzasimudzwa dzasvika pasi pakaoma, mvura yaJorodhani ikadzokera panzvimbo yayo, ikadarika nhivi dzarwo dzose sakare. |
19. | Vanhu vakakwira vakabuda paJorodhani pazuva regumi romwedzi wokutanga, vakadzika matende avo muGirigari, pamuganhu wamabvazuva eJeriko. |
20. | Joshua akamisa aya mabwe ane gumi namaviri avakanonga muJorodhani paGirigari. |
21. | Akataura navana vaIsiraeri, akati, "Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, `Mabwe awa anoti kudiniko?' |
22. | imwi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, VaIsiraeri vakayambuka Jorodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.' |
23. | Nokuti Jehovha Mwari wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka; |
24. | kuti ndudzi dzose dzenyika dzizive kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rune simba; kuti vatye Jehovha Mwari wenyu nokusingaperi. |
← Joshua (4/24) → |