Joshua (3/24)  

1. Zvino Joshua akamuka mangwanani, vakabva Shitimi, vakasvika paJorodhani, iye navana vaIsiraeri vose; vakavatapo vasati vayambuka.
2. Mazuva matatu akati apera, vatariri vakapinda napakati pemisasa,
3. vakaraira vanhu, vachiti, "Kana muchiona areka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, navapirisiti vaRevhi voitakura, munofanira kusimuka pamugere, nokuitevera.
4. Asi munofanira kusiya nzvimbo pakati penyu naiyo, inosvika makubhiti anenge zviuru zviviri; regai kuswedera kwairi, kuti muzive nzira yamunofanira kuenda nayo; nokuti mugere kumbofamba nenzira iyi."
5. Zvino Joshua akati kuvanhu, "Zvinatsei, nokuti mangwana Jehovha uchaita zvinoshamisa pakati penyu."
6. Joshua akataura navapirisiti, akati, "Simudzai areka yesungano, mutungamirire vanhu pakuyambuka." Ivo vakasimudza areka yesungano, vakatungamirira vanhu.
7. Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, "Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi pavaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMozisi.
8. Iwe unofanira kuraira vapirisiti kuti vatakure areka yesungano, uchiti, `Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.' "
9. Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, "Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu."
10. Joshua akati, "Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi.
11. Tarirai, areka yesungano yaIshe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Jorodhani.
12. Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe.
13. Zvino kana tsoka dzavapirisiti vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru."
14. Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jorodhani, vapirisiti vaitakura areka vakatungamirira vanhu;
15. zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJorodhani, netsoka dzavapirisiti vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jorodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,)
16. mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kure-kure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko.
17. Vapirisiti vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJorodhani; vaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Jorodhani.

  Joshua (3/24)