← Joshua (24/24) |
1. | Zvino Joshua akaunganidza marudzi ose avaIsiraeri paShekemu, akadana vakuru vaIsiraeri, navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo; vakazviisa pamberi paMwari. |
2. | Joshua akati kuvanhu vose, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Madzibaba enyu aigara kare mhiri kwoRwizi, iye Tera, baba vaAbhurahamu, naNahori, achishumira vamwe vamwari.' |
3. | lni ndikatora baba venyu Abhurahamu mhiri kwoRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKenani, ndikawanza vana vake, ndikamupa Isaka. |
4. | Ndikapa Isaka Jakobho naEsau; ndikapa Esau gomo reSeiri, rive rake; Jakobho navana vake vakaburukira Ijipiti. |
5. | Ndikatuma Mozisi naAroni, ndikatambudza Ijipiti, nezvandakaita pakati payo; pashure ndikakubudisai. |
6. | Ndikabudisa madzibaba enyu paIjipiti, mukasvika pagungwa; vaIjipiti vakatevera madzibaba enyu vane ngoro uye navanhu vakatasva mabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku. |
7. | Zvino nguva yavakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipiti, akauyisa gungwa pamusoro pavo, akavafukidza; meso enyu akaona zvandakaita mukagara murenje mazuva mazhinji. |
8. | Ndikakusvitsai kunyika yavaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani; ivo vakarwa nemi ndikavaisa mumaoko enyu, nyika yavo ikava yenyu, ndikavaparadza pamberi penyu. |
9. | Zvino Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akasimuka, akarwa naIsiraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu, mwanakomana waBheori, kuti amutuke. |
10. | Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo wakaramba achingokuropafadzai; naizvozvo ndakakurwirai paruoko rwake. |
11. | Zvino makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko; varume veJeriko vakarwa nemi, vaiti: VaAmori, navaPerezi, navaKenani, navaHeti, navaGirigashi, navaHivhi, navaJebhusi; ndikavaisa mumaoko enyu. |
12. | Ndikatuma pamberi penyu mago, akavadzinga pamberi penyu, iwo madzimambo maviri avaAmori; havana kudzingwa neminondo yenyu kana nouta hwenyu. |
13. | Ndikakupai nyika yamusina kurima, namaguta amusina kuvaka, mamugere zvino; munodya minda yemizambiringa neyemiorivhi yamusina kusima. |
14. | "Naizvozvo ityai Jehovha, zvino, mumushumirei nomoyo wose nezvokwadi, rashai vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi napaIjipiti, imwi mushumire Jehovha. |
15. | Kana muchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi, kana vamwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha." |
16. | Ipapo vanhu vakapindura vakati, "Mwari atibatsire, kuti tirege kurasha Jehovha tichishumira vamwe vamwari. |
17. | Nokuti Jehovha Mwari wedu, ndiye wakatibudisa panyika yeIjipiti, isu namadzibaba edu, paimba youranda; ndiye wakaita zviratidzo zvikuru tichizviona, akatichengeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri. |
18. | Jehovha ndiye wakadzinga ndudzi dzose pamberi pedu, ivo vaAmori vakanga vagere munyika ino; naizvozvo nesuo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu." |
19. | Zvino Joshua akati kuvanhu, "Hamungagoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu. |
20. | Kana mukarasha Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye uchakushandukirai nokukuitirai zvakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai zvakanaka." |
21. | Ipapo vanhu vakati kuna Joshua, "Kwete, asi tichashumira Jehovha." |
22. | Joshua akati kuvanhu, "Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumirei. Ivo vakati, `Tiri zvapupu hedu.' |
23. | "Naizvozvo zvino rashai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere moyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsiraeri." |
24. | Vanhu vakati kuna Joshua, "Jehovha Mwari wedu ndiye watichashumira, tichateerera inzwi rake." |
25. | Naizvozvo Joshua akaita sungano navanhu musi iwoyo, akavasimbisira mutemo nomurayiro. |
26. | Joshua akanyora mashoko iwayo mubhuku yomurayiro waMwari, akatora ibwe guru, akarimisa pasi pomuouki, wakanga uri paimba tsvene yaJehovha. |
27. | Joshua akati kuvanhu vose, "Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu." |
28. | Naizvozvo Joshua akaendisa vanhu, mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake. |
29. | Zvino shure kwaizvozvo Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, wakafa, ava namakore ane zana negumi. |
30. | Vakamuviga panyika yenhaka yake paTimunati-sera, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi. |
31. | VaIsiraeri vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vakaziva mabasa ose akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha. |
32. | Mapfupa aJosefa, akanga auya navana vaIsiraeri pakubuda kwavo Ijipiti, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobho kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa. |
33. | Zvino Ereazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Pinehasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu. |
← Joshua (24/24) |