Joshua (24/24)    

1. Zvino Joshua akaunganidza marudzi ose avaIsiraeri paShekemu, akadana vakuru vaIsiraeri, navatungamiriri vavo, navatongi vavo, navatariri vavo; vakazviisa pamberi paMwari.
2. Joshua akati kuvanhu vose, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Madzibaba enyu aigara kare mhiri kwoRwizi, iye Tera, baba vaAbhurahamu, naNahori, achishumira vamwe vamwari.'
3. lni ndikatora baba venyu Abhurahamu mhiri kwoRwizi, ndikamufambisa panyika yose yeKenani, ndikawanza vana vake, ndikamupa Isaka.
4. Ndikapa Isaka Jakobho naEsau; ndikapa Esau gomo reSeiri, rive rake; Jakobho navana vake vakaburukira Ijipiti.
5. Ndikatuma Mozisi naAroni, ndikatambudza Ijipiti, nezvandakaita pakati payo; pashure ndikakubudisai.
6. Ndikabudisa madzibaba enyu paIjipiti, mukasvika pagungwa; vaIjipiti vakatevera madzibaba enyu vane ngoro uye navanhu vakatasva mabhiza kusvikira paGungwa Dzvuku.
7. Zvino nguva yavakachema kuna Jehovha, akaisa rima pakati penyu navaIjipiti, akauyisa gungwa pamusoro pavo, akavafukidza; meso enyu akaona zvandakaita mukagara murenje mazuva mazhinji.
8. Ndikakusvitsai kunyika yavaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani; ivo vakarwa nemi ndikavaisa mumaoko enyu, nyika yavo ikava yenyu, ndikavaparadza pamberi penyu.
9. Zvino Bharaki mwanakomana waZipori, mambo waMoabhu, akasimuka, akarwa naIsiraeri, akatuma nhume kundodana Bharamu, mwanakomana waBheori, kuti amutuke.
10. Asi ini ndakaramba kunzwa Bharamu, naizvozvo wakaramba achingokuropafadzai; naizvozvo ndakakurwirai paruoko rwake.
11. Zvino makayambuka Jorodhani, mukasvika paJeriko; varume veJeriko vakarwa nemi, vaiti: VaAmori, navaPerezi, navaKenani, navaHeti, navaGirigashi, navaHivhi, navaJebhusi; ndikavaisa mumaoko enyu.
12. Ndikatuma pamberi penyu mago, akavadzinga pamberi penyu, iwo madzimambo maviri avaAmori; havana kudzingwa neminondo yenyu kana nouta hwenyu.
13. Ndikakupai nyika yamusina kurima, namaguta amusina kuvaka, mamugere zvino; munodya minda yemizambiringa neyemiorivhi yamusina kusima.
14. "Naizvozvo ityai Jehovha, zvino, mumushumirei nomoyo wose nezvokwadi, rashai vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi napaIjipiti, imwi mushumire Jehovha.
15. Kana muchiti zvakaipa kushumira Jehovha, zvitsaurirei nhasi wamunoda kushumira, kana vamwari vaishumirwa namadzibaba enyu mhiri kwoRwizi, kana vamwari vavaAmori vamugere munyika yavo; asi kana ndirini naveimba yangu tichashumira Jehovha."
16. Ipapo vanhu vakapindura vakati, "Mwari atibatsire, kuti tirege kurasha Jehovha tichishumira vamwe vamwari.
17. Nokuti Jehovha Mwari wedu, ndiye wakatibudisa panyika yeIjipiti, isu namadzibaba edu, paimba youranda; ndiye wakaita zviratidzo zvikuru tichizviona, akatichengeta panzira yose yatakafamba nayo, napakati pendudzi dzose dzatakapfuura nokwadziri.
18. Jehovha ndiye wakadzinga ndudzi dzose pamberi pedu, ivo vaAmori vakanga vagere munyika ino; naizvozvo nesuo tichashumira Jehovha, nokuti ndiye Mwari wedu."
19. Zvino Joshua akati kuvanhu, "Hamungagoni kushumira Jehovha, nokuti ndiMwari mutsvene, ndiMwari une godo, haangakukanganwiriyi kudarika kwenyu nezvivi zvenyu.
20. Kana mukarasha Jehovha, mukashumira vamwari vavatorwa, iye uchakushandukirai nokukuitirai zvakaipa, nokukuparadzai, ambokuitirai zvakanaka."
21. Ipapo vanhu vakati kuna Joshua, "Kwete, asi tichashumira Jehovha."
22. Joshua akati kuvanhu, "Munozvipupurira kuti makatsaura Jehovha kuti mumushumirei. Ivo vakati, `Tiri zvapupu hedu.'
23. "Naizvozvo zvino rashai vamwari vavatorwa vari pakati penyu murerekere moyo yenyu kuna Jehovha Mwari waIsiraeri."
24. Vanhu vakati kuna Joshua, "Jehovha Mwari wedu ndiye watichashumira, tichateerera inzwi rake."
25. Naizvozvo Joshua akaita sungano navanhu musi iwoyo, akavasimbisira mutemo nomurayiro.
26. Joshua akanyora mashoko iwayo mubhuku yomurayiro waMwari, akatora ibwe guru, akarimisa pasi pomuouki, wakanga uri paimba tsvene yaJehovha.
27. Joshua akati kuvanhu vose, "Tarirai, ibwe iri richakupupurirai, nokuti rakanzwa mashoko ose atakataura naJehovha; naizvozvo richakupupurirai, kuti murege kuzoramba Mwari wenyu."
28. Naizvozvo Joshua akaendisa vanhu, mumwe nomumwe akaenda kunhaka yake.
29. Zvino shure kwaizvozvo Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, wakafa, ava namakore ane zana negumi.
30. Vakamuviga panyika yenhaka yake paTimunati-sera, panyika yamakomo yaEfuremu, nechokumusoro kwegomo reGaashi.
31. VaIsiraeri vakashumira Jehovha mazuva ose aJoshua, namazuva ose avakuru vakanga vachiri vapenyu Joshua atofa, ivo vakanga vakaziva mabasa ose akanga aitirwa vaIsiraeri naJehovha.
32. Mapfupa aJosefa, akanga auya navana vaIsiraeri pakubuda kwavo Ijipiti, vakaaviga paShekemu, panzvimbo yenyika yakanga yatengwa naJakobho kuvana vaHamori, baba vaShekemu, nezana remari; ikazova nhaka yavana vaJosefa.
33. Zvino Ereazari, mwanakomana waAroni, akafa, vakamuviga muchikomo chomwanakomana wake Pinehasi, chaakanga apiwa munyika yamakomo yaEfuremu.

  Joshua (24/24)