Joshua (21/24)  

1. Zvino vakuru vedzimba dzamadzibaba avaRevhi vakaswedera kumupirisiti Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokuvakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri,
2. vakataura navo paShiro panyika yeKenani, vakati, "Jehovha wakaraira nomuromo waMozisi, kuti tipiwe maguta matingagara, namafuro awo emombe dzedu."
3. Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi panhaka dzavo maguta awa namafuro awo, sezvavakanga varairwa naJehovha.
4. Mhuri dzavaKohati dzikagoverwa nemijenya; vana vomupirisiti Aroni vaiva vavaRevhi vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pakati porudzi rwaJudha, norwaSimiyoni, norwaBhenjamini.
5. Asi vamwe vavana vaKohati vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi pakati pemhuri dzorudzi rwaEfuremu, norudzi rwaDhani, nehafu yorudzi rwaManase.
6. Vana vaGerishoni vakagoverwa nemijenya maguta ane gumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsakari, norudzi rwaAsheri, norudzi rwaNafutari, nehafu yorudzi rwaManase muBhashani.
7. Vana vaMerari nemhuri dzavo vakapiwa maguta ane gumi namaviri pakati porudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi, norudzi rwaZebhuruni.
8. Vana vaIsiraeri vakapa vaRevhi maguta iwayo namafuro awo nemijenya, sezvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMozisi.
9. Vakavapa maguta iwayo, akarehwa mazita awo pano, pakati porudzi rwavana vaJudha, norudzi rwavana vaSimiyoni.
10. Akava avana vaAroni, vemhuri dzavaKohati, vaiva vana vaRevhi, nokuti ndivo vakatanga kugoverwa nemijenya,
11. Vakavapa Kiriati-abha, iye Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni), panyika yamakomo yaJudha, namafuro aro akanga akaripoteredza.
12. Asi minda yeguta, nemisha yaro, vakazvipa Karebhu mwanakomana waJefune, zvive zvake.
13. Vakapa vana vomupirisiti Aroni Hebhuroni namafuro aro, rakanga riri guta routiziro romuurayi, uye Ribhina namafuro aro,
14. neJatiri namafuro aro, neEshitemoa namafuro aro,
15. neHoroni namafuro aro, neDhebhiri namafuro aro,
16. neAini namafuro aro, neJuta namafuro aro, neBheti-shemeshi namafuro aro; maguta mapfumbamwe pakati pamarudzi iwayo maviri.
17. Napakati porudzi rwaBhenjamini Gibhiyoni namafuro aro, neGebha namafuro aro,
18. neAnatoti namafuro aro, neArinoni namafuro aro; maguta mana.
19. Maguta ose avana vaAroni mupirisiti akanga ari maguta ane gumi namatanhatu namafuro awo.
20. Mhuri dzavana vaKohati, ivo vaRevhi vakanga vasara vavana vaKohati, vakapiwa maguta avo nemijenya pakati porudzi rwaEfuremu.
21. Vakavapa Shekemu namafuro aro panyika yamakomo yaEfuremu, raiva guta routiziro romuurayi, neGezeri namafuro aro,
22. neKibhizaimi namafuro aro, neBheti-horoni namafuro aro; maguta mana.
23. Napakati porudzi rwaDhani, Eriteki namafuro aro, neGebhitoni namafuro aro,
24. neAjaroni namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta mana.
25. Napakati pehafu yorudzi rwaManase, Taanaki namafuro aro, neGatirimoni namafuro aro; maguta maviri.
26. Maguta ose emhuri dzavakanga vasara vavana vaKohati aiva gumi namafuro awo.
27. Vana vaGerishoni, vemhuri dzavaRevhi, vakavapa Gorani namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBhesheitera namafuro aro; maguta maviri.
28. Napakati porudzi rwalsakari, Kishioni namafuro aro, neDhabherati namafuro aro,
29. neJarimuti namafuro aro, neEni-ganimi namafuro aro; maguta mana.
30. Napakati porudzi rwaAsheri, Mishari namafuro aro, neAbhidhoni namafuro aro,
31. neHerikati namafuro aro, neRehobhi namafuro aro; maguta mana.
32. Napakati porudzi rwaNafutari, Kedheshi muGarirea namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neHamoti-dhori namafuro aro, neKaritani namafuro aro; maguta matatu.
33. Maguta ose avaGerishoni, nemhuri dzavo, akanga ari maguta ane gumi namatatu namafuro awo.
34. Mhuri dzavana vaMerari, ivo vakanga vasara kuvaRevhi, vakavapa pakati porudzi rwaZebhuruni, Jokineamu namafuro aro, neKatira namafuro aro,
35. neDhimuna namafuro aro, neNaharari namafuro aro; maguta mana.
36. Napakati porudzi rwaRubheni, Bhezeri namafuro aro, neJahazi namafuro aro,
37. neKedhemoti namafuro aro, neMofaati namafuro aro; maguta mana.
38. Napakati porudzi rwaGadhi, Ramoti muGiriyadhi namafuro aro, raiva guta routiziro romuurayi, neMahanaimu namafuro aro,
39. neHeshibhoni namafuro aro, neJazeri namafuro aro; iwo ose maguta mana.
40. Maguta awa ose akanga ari avana vaMerari, nemhuri dzavo, ivo vakanga vasara vemhuri dzavaRevhi; mugove wavo wakanga uri maguta ane gumi namaviri.
41. Maguta ose avaRevhi pakati penhaka yavana vaIsiraeri aiva maguta ana makumi mana namasere namafuro awo.
42. Maguta awa ose akanga ana mafuro awo, guta rimwe nerimwe; ndizvo zvakanga zvakaita maguta iwayo ose.
43. Saizvozvo Jehovha akapa vaIsiraeri nyika yose yaakanga apika, kuti uchaipa madzibaba avo; ikava yavo, vakagaramo.
44. Jehovha akavazorodza kumativi ose, pose paakanga apikira madzibaba avo; hakuna munhu kuvavengi vavo vose wakamira pamberi pavo; asi Jehovha wakaisa vavengi vavo vose pamaoko avo.
45. Hakuna chinhu chimwe chezvinhu zvakanaka zvakanga zvataurwa naJehovha kuimba yaIsiraeri chakakona; zvose zvakaitika.

  Joshua (21/24)