Joshua (20/24)  

1. Zvino Jehovha wakataura naJoshua, akati,
2. "Taura navana vaIsiraeri, uti, `Muzvitsaurire maguta outiziro, andakakuudzai nomuromo waMozisi;
3. kuti munhu wakauraya mumwe nokusaziva kana asina kuita nobwoni, atizirepo;' achava kwamuri utiziro pamutsivi weropa.
4. Anofanira kutizira kune rimwe ramaguta iwayo, agondomira panopindwa napo pasuo reguta, agoreva mhosva yake panzeve dzavakuru veguta iro; ipapo vanofanira kumugamuchira pakati pavo muguta, vamupe pokugara, agogara pakati pavo.
5. Zvino kana mutsivi weropa achinge amutevera, haafaniri kuisa muurayi paruoko rwake, nokuti wakauraya wokwake asingaiti nobwoni, asina kumuvenga kare.
6. Zvino iye anofanira kugara muguta iro, kusvikira amira pamberi peungano atongwe, kusvikira pakufa kwomupirisiti mukuru uchavapo namazuva iwayo; ipapo muurayi anofanira kudzoka, aende kuguta rake nokumba kwake, kuguta kwaakanga atiza."
7. Ipapo vakatsaura Kedheshi muGarirea panyika yamakomo yaNafutari, neShemi, panyika yamakomo yaEfuremu, neKiriati-abha (ndiro Zebhuroni) panyika yamakomo yaJudha.
8. Nemhiri kwaJorodhani paJeriko kumabvazuva vakatsaura Bhezeri murenje pabani kurudzi rwaRubheni, neRamoti muGiriyadhi kurudzi rwaGadhi, neGorani muBhashani kurudzi rwaManase.
9. Ndiwo maguta akatsaurirwa vana vaIsiraeri, vose navatorwa vaigara pakati pavo, kuti ani naani unouraya munhu nokusaziva atizireko, arege kufa noruoko rwomutsivi weropa, kusvikira amira pamberi peungano.

  Joshua (20/24)