| ← Joshua (2/24) → |
| 1. | Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, "Endai mundotarira nyika neJeriko." Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo. |
| 2. | Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, "Tarirai, varume vavana vaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika." |
| 3. | Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rakabhi, akati, "Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose." |
| 4. | Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, "Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi. |
| 5. | Zvino nenguva yokupfigwa kwesuo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nokuti mungandovabata." |
| 6. | Asi wakanga avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi povutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga. |
| 7. | Varume vakavateverera nenzira inoenda Jorodhani, kusvikira kumazambuko; zvino vakavatevera vakati vabuda, suo rikazarirwa. |
| 8. | Zvino vachigere kuvata, Rakabhi ndokukwira kwavari pamusoro pedenga, |
| 9. | akati kuvarume, "Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu. |
| 10. | Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Ijipiti, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJorodhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose. |
| 11. | Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo moyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi. |
| 12. | Naizvozvo zvino ndipikirei henyu naJehovha, kuti zvandakakuitirai zvakanaka, nemiwo muchaitira imba yababa vangu zvakanaka; mundipeiwo chiratidzo chakasimba, |
| 13. | kuti muchararamisa baba vangu namai vangu nehanzvadzi dzangu navanun’una vangu, nezvose zvavanazvo, nokurwira upenyu hwedu parufu." |
| 14. | Ipapo varume vakati kwaari, "Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nezvokwadi." |
| 15. | Ipapo akavaburusira pasi nebote napahwindo, nokuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakanga agere pamusoro porusvingo. |
| 16. | Akati kwavari, "Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu." |
| 17. | Zvino varume vakati kwaari, "Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa. |
| 18. | Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoshwa pahwindo pawakatiburusira pasi napo; unofanirawo kuunganidza mumba mako baba vako, namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako. |
| 19. | Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu. |
| 20. | Asi kana ukabudisa pachena basa redu iri, isu hatingasungwi nemhiko yako yawakatipikisa." |
| 21. | Iye akati, "Ngazviitwe sezvamakataura;" akavaendesa, vakabva, iye ndokusungira bote dzvuku pahwindo. |
| 22. | Ivo vakaenda, vakasvika kumakomo, vakagarapo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; vateveri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana. |
| 23. | Zvino varume avo vaviri vakadzoka, vakaburuka pamakomo, vakayambuka, vakasvikazve kuna Joshua, mwanakomana waNuni; vakamuudza zvose zvavakanga vaitirwa. |
| 24. | Vakati kuna Joshua, "Zvirokwazvo, Jehovha wakaisa nyika yose mumaoko edu; uye vanhu vose vagere panyika iyo vavhunduka pamberi pedu." |
| ← Joshua (2/24) → |