Joshua (2/24)  

1. Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakatuma varume vaviri pakavanda, vachibva Shitimi, kuti vandoshora, achiti, "Endai mundotarira nyika neJeriko." Vakaenda, vakapinda muimba yechifeve, chainzi Rakabhi, vakavatapo.
2. Zvino mambo weJeriko akaudzwa, zvichinzi, "Tarirai, varume vavana vaIsiraeri vakapinda muno usiku huno kuzoshora nyika."
3. Zvino mambo weJeriko akatuma shoko kuna Rakabhi, akati, "Budisa varume vakasvika kwauri, vapinda mumba mako, nokuti vauya kuzoshora nyika yose."
4. Mukadzi akatora varume avo vaviri, akavavanza, akati, "Hongu, varume vakasvika havo kwandiri, asi ndakanga ndisingazivi kuti vaibvepi.
5. Zvino nenguva yokupfigwa kwesuo, kwasviba, varume vakabudazve; kwavakazoenda ivo varume, ini handikuzivi; kurumidzai kuvatevera, nokuti mungandovabata."
6. Asi wakanga avakwidza pamusoro pedenga, akavavanza pasi povutanda hwamasosoori, hwakanga hwakarongwa naye padenga.
7. Varume vakavateverera nenzira inoenda Jorodhani, kusvikira kumazambuko; zvino vakavatevera vakati vabuda, suo rikazarirwa.
8. Zvino vachigere kuvata, Rakabhi ndokukwira kwavari pamusoro pedenga,
9. akati kuvarume, "Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, tinokutyai kwazvo, vanhu vose vagere munyika vavhunduka pamberi penyu.
10. Nokuti takanzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yeGungwa Dzvuku pamberi penyu, nguva yokubuda kwenyu Ijipiti, nezvamakaitira madzimambo maviri avaAmori, vakanga vari mhiri kwaJorodhani, ivo Sihoni naOgi, vamakaparadza chose.
11. Zvino pakarepo takati tichinzwa izvozvo moyo yedu ikavhunduka, hakuna munhu uchinokutsunga pamoyo pake nokuda kwenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.
12. Naizvozvo zvino ndipikirei henyu naJehovha, kuti zvandakakuitirai zvakanaka, nemiwo muchaitira imba yababa vangu zvakanaka; mundipeiwo chiratidzo chakasimba,
13. kuti muchararamisa baba vangu namai vangu nehanzvadzi dzangu navanun’una vangu, nezvose zvavanazvo, nokurwira upenyu hwedu parufu."
14. Ipapo varume vakati kwaari, "Isu ngatife panzvimbo yenyu, kana musingabudisi pachena basa redu iri; kana Jehovha achitipa nyika iyi, tichakuitira zvakanaka nezvokwadi."
15. Ipapo akavaburusira pasi nebote napahwindo, nokuti imba yake yakanga iri pamusoro porusvingo rweguta, naiye wakanga agere pamusoro porusvingo.
16. Akati kwavari, "Tizirai henyu kumakomo, kuti vateveri verege kusangana nemi, muvandepo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; pashure mungaenda henyu."
17. Zvino varume vakati kwaari, "Hatingasungwi nemhiko yako iyi yawakatipikisa.
18. Tarira, nguva yatinopinda panyika ino, unofanira kusungira bote iri dzvuku rakakoshwa pahwindo pawakatiburusira pasi napo; unofanirawo kuunganidza mumba mako baba vako, namai vako, nehanzvadzi dzako, navose veimba yababa vako.
19. Zvino ani naani unobuda kunze kwemikova yeimba yako, ropa rake richava pamusoro pomusoro wake, asi isu hatingavi nemhosva; ani naani unewe mumba mako, ropa rake richava pamusoro pemisoro yedu, kana akaitirwa zvakaipa noruoko rwomunhu.
20. Asi kana ukabudisa pachena basa redu iri, isu hatingasungwi nemhiko yako yawakatipikisa."
21. Iye akati, "Ngazviitwe sezvamakataura;" akavaendesa, vakabva, iye ndokusungira bote dzvuku pahwindo.
22. Ivo vakaenda, vakasvika kumakomo, vakagarapo mazuva matatu, kusvikira vateveri vadzoka; vateveri vakavatsvaka panzira iyo yose, asi havana kuvawana.
23. Zvino varume avo vaviri vakadzoka, vakaburuka pamakomo, vakayambuka, vakasvikazve kuna Joshua, mwanakomana waNuni; vakamuudza zvose zvavakanga vaitirwa.
24. Vakati kuna Joshua, "Zvirokwazvo, Jehovha wakaisa nyika yose mumaoko edu; uye vanhu vose vagere panyika iyo vavhunduka pamberi pedu."

  Joshua (2/24)