| ← Joshua (19/24) → |
| 1. | Mugove wechipiri wakapiwa Simeoni, irwo rudzi rwavana vaSimiyoni nemhuri dzavo; nhaka yavo yakanga iri pakati penhaka yavana vaJudha. |
| 2. | Panhaka yavo vakanga vane Bheeri-shebha, kana Shebha, neMoradha, |
| 3. | neHazari-shuari, neBhara, neEzemi, |
| 4. | neEritoradhi, neBheturi, neHoma, |
| 5. | neZikiragi, neBheti-marikabhoti, neHazari-susa, |
| 6. | neBheti-rebhaoti, neSharuheni; maguta ane gumi namatatu nemisha yawo. |
| 7. | Aini, neRimoni, neEteri, neAshani; maguta mana nemisha yawo ; |
| 8. | misha yose yakapoteredza maguta iwayo kusvikira paBhaarati-bheeri, raiva Rama rezasi. Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaSimiyoni nemhuri dzavo. |
| 9. | Nhaka yavana vaSimiyoni yakanga yato rwa pamugove wavana vaJudha, nokuti mugove wavana vaJudha wakanga uri mukurusa; naizvozvo vana vaSimiyoni vakapiwa nhaka pakati penhaka yavo. |
| 10. | Mugove wechitatu wakapiwa vana vaZebhuruni, nemhuri dzavo; muganhu wenhaka yavo wakasvika paSaridhi. |
| 11. | Muganhu wavo wakakwira kumavirazuva, kusvikira paMarara, ndokusvikira paDhabhesheti, ndokusvikira kurukova rwaiva pamberi peJokineamu; |
| 12. | kubva paSaridhi wakadzokera kumabvazuva, kunobuda zuva, kusvikira kumuganhu weKisiroti-tabhori, ndokubudira kuDhabherati, ndokukwira Jafia; |
| 13. | kubva ipapo wakapfuura kumabvazuva uchienda Gatiheferi, kusvikira paEti-kazini, ndokuguma paRimoni, rinosvika paNea; |
| 14. | zvino muganhu ndokudzoka kurutivi rwokumusoro, ndokuenda Hanatoni, ndokuguma pamupata weIfitaeri; |
| 15. | neKatati, neNaharari, neShimuroni, neIdhara, neBheterehemu; maguta ane gumi namaviri nemisha yawo. |
| 16. | Ndiyo yakanga iri nhaka yavana vaZebhuruni, nemhuri dzavo, maguta iwayo nemisha yawo. |
| 17. | Mugove wechina wakapiwa Isakari, ivo vana vaIsakari, nemhuri dzavo. |
| 18. | Muganhu wavo wakasvika paJezireeri, neKesuroti, neShunemi, |
| 19. | neHafaraimi, neShioni, neAnaharoti, |
| 20. | neRabhiti, neKishioni, neEbhesi, |
| 21. | neRemeti, neEniganimi, neEni-hadha, neBheti-pazezi; |
| 22. | muganhu ukasvika paTabhori, neShahazuma, neBheti-shemeshi; muganhu ndokugumira paJorodhani; maguta ane gumi namatanhatu nemisha yawo. |
| 23. | Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaIsakari nemhuri dzavo, maguta nemisha yawo. |
| 24. | Mugove wechishanu wakapiwa rudzi rwavana vaAsheri nemhuri dzavo. |
| 25. | Muganhu wavo wakanga uri: Harakati, neHari, neBheteni, neAkishafi, |
| 26. | neMamereki, neAmadhi, neMishari, ndokusvikira paKarimeri kumavirazuva, nokuShihori-ribhinati; |
| 27. | ndokudzokera kumabvazuva kuBheti-dhagoni ndokusvikira kwaZebhuruni, nokumupata weIfitaeri kumusoro, kusvikira paBheti-emeki, neNeyeri, nokubudira paKabhuri kuruboshwe, |
| 28. | neEbhuroni, neRehobhi, neHamoni, neKana, kusvikira paZidhoni guru; |
| 29. | zvino muganhu ndokudzokera kuRama, nokuguta reTire rakakombwa norusvingo; muganhu ndokudzokera Hosa, ndokuguma pagungwa panyika yeAkizibhi; |
| 30. | uye Uma, neAfeki, neRehobhi; maguta makumi maviri namaviri nemisha yawo. |
| 31. | Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaAsheri, nemhuri dzavo maguta iwaya nemisha yawo. |
| 32. | Mugove wechitanhatu wakapiwa vana vaNafutari, ivo vana vaNafutari nemhuri dzavo. |
| 33. | Muganhu wavo wakabva paHerefi, kubva pamuouki weZaananimi, neAdhami-nekebhi, neJabhuneeri, kusvikira paRakumi, ndokuguma paJorodhani; |
| 34. | ipapo muganhu wakadzoka kumabvazuva, ndokuenda Azinoti-tabhori; ndokubvapo, ndokuenda Hukoki; ndokusvika kwaZebhuruni kurutivi rwezasi, ndokusvika kwaAsheri kumavirazuva, ndokusvika kwaJudha paJorodhani kumabvazuva. |
| 35. | Maguta akanga akakombwa namasvingo akanga ari Zidhimu, neZera, neHamati, neRakati, neKinereti, |
| 36. | neAdhama, neRama, neHazori, |
| 37. | neKedheshi, neEdhirei, neEni-harori, |
| 38. | neIroni, neMigadhari-eri, neHoremu, neBheti-anati, neBheti-shemeshi; maguta ane gumi namapfumbamwe, nemisha yawo. |
| 39. | Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaNafutari nemhuri dzavo, maguta iwaya nemisha yawo. |
| 40. | Mugove wechinomwe wakapiwa rudzi rwavana vaDhani nemhuri dzavo. |
| 41. | Muganhu wenhaka yavo wakanga uri Zora, neEshitaori, neIri-shemeshi; |
| 42. | neShaarabhini, neAjaroni, neItira, |
| 43. | neEroni, neTimuna, neEkironi, |
| 44. | neEriteke, neGibhetoni, neBhaarati, |
| 45. | neJehudhi, neBheni-bheraki, neGati-rimoni, |
| 46. | neMejarikoni, neRakoni, nenyika yakatarisana neJopa. |
| 47. | Asi nyika yavana vaDhani yakanga iri dukusa; naizvozvo vana vaDhani vakandorwa neReshemi, vakarikunda, vakariparadza neminondo inopinza, vakapiwa guta iro, vakagaramo; vakatumidza Reshemi zita rinonzi Dhani, zita rababa vavo Dhani. |
| 48. | Ndiyo yakanga iri nhaka yorudzi rwavana vaDhani nemhuri dzavo, namaguta iwaya nemisha yawo. |
| 49. | Naizvozvo vakapedza kugovera nyika, yakanga iri nhaka yavo nemiganhu yayo; vana vaIsiraeri vakapa Joshua mwanakomana waNuni nhaka yake pakati pavo; |
| 50. | sezvavakanga varairwa naJehovha, vakamupa guta raakakumbira, Timunati-sera, panyika yamakomo yaEfuremu; akavaka guta iro, akagaramo. |
| 51. | Ndidzo nhaka dzakagoverwa nemijenya paShiro pamberi paJehovha, pamukova wetende rokusangana, nomupirisiti Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana valsiraeri, kuti dzive nhaka dzavo. Naizvozvo vakapedza kugovera nyika. |
| ← Joshua (19/24) → |