Joshua (17/24)  

1. Ndiwo mugove worudzi rwaManase; nokuti iye wakanga ari mwana wedangwe waJosefa. Kana ari Makiri, mwana wedangwe waManase, baba vaGiriyadhi, iye wakapiwa Giriyadhi neBhashani, nokuti wakanga ari murwi.
2. Vamwe vana vaManase vakapiwa mugove nemhuri dzavo: Vana vaAbhiezeri, navana vaHereki, navana vaAsirieri, navana vaShekemu, navana vaHeferi, navana vaShemidha, ndivo vakanga vari vana vavakomana vaManase, mwanakomana waJosefa, nemhuri dzavo.
3. Asi Zerofeadhi, mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wakanga asina vanakomana, asi vanasikana bedzi; mazita avanasikana vake akanga ari Mara, naNoa, naHogira, naMirika, naTiriza.
4. Ivo vakaswedera kumupirisiti Ereazari, nokuna Joshua, mwanakomana waNuni, nokumachinda, vakati, "Jehovha wakaraira Mozisi kuti atipe nhaka pakati pehama dzedu;" naizvozvo akavapa nhaka pakati pavanun’una vababa vavo, sezvakanga zvarairwa naJehovha.
5. Manase akapiwa migove ine gumi, kunze kweGiriyadhi neBhashani mhiri kwaJorodhani;
6. nokuti vanasikana vaManase vakanga vane nhaka pakati pavanakomana vake; nyika yeGiriyadhi yakanga iri yavamwe vanakomana vaManase.
7. Muganhu waManase wakabva kwaAsheri, ndokusvika paMikimetati, pamberi peShekemu; zvino muganhu ndokuenda kuruoko rworudyi, kusvikira kuvanhu vakanga vagere Eni-tapua.
8. Nyika yeTapua yakanga iri yaManase; asi Tapua pamuganhu waManase rakanga riri guta ravana vaEfuremu.
9. Zvino muganhu ndokuburuka kurukova Kana, nechezasi kworukova; maguta iwayo akanga ari aEfuremu, pakati pamaguta aManase; muganhu waManase wakanga uri nechokumusoro kworukova, ndokuguma pagungwa.
10. Kurutivi rwezasi nyika yakanga iri yaEfuremu; kurutivi rwokumusoro yakanga iri yaManase; gungwa waiva muganhu wake; miganhu ikasvika kwaAsheri kumusoro, nokwaIsakari kumabvazuva.
11. Pakati palsakari naAsheri Manase wakanga ane Bhetisheani nemisha yaro, neJibhireami nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Dhori nemisha yaro, navanhu vakanga vagere Endori nemisha yaro, navakanga vagere Taanaki nemisha yaro, navakanga vagere Megidho nemisha yaro, ari makomo matatu.
12. Asi vana vaManase vakanga vasingagoni kudzinga vanhu vakanga vagere mumaguta iwayo; asi vaKenani vakaramba vachida kugara panyika iyo.
13. Zvino vana vaIsiraeri vakati vava nesimba, vakaita vaKenani vabati vechibharo, havana kuvadzinga chose.
14. Zvino vana vaJosefa vakataura naJoshua, vakati, "Makatipireiko mugove mumwe chete nechikamu chimwe chete, kuti ive nhaka yedu, zvatiri vanhu vazhinji, nokuti Jehovha wakatiropafadza kusvikira zvino?"
15. Joshua akati kwavari, "Kana muri vanhu vazhinji, endai henyu kudondo, mundozvitemera nzvimbo ipapo panyika yavaPerezi neyavaRefaimu; zvamusingakwaniri panyika yamakomo yaEfuremu.",
16. Vana vaJosefa vakati, "Nyika yamakomo haingatikwaniri; uye vaKenani vose vanogara munyika yomupata vane ngoro dzamatare, ivo vose vari paBhetisheani nemisha yaro, navari mumupata weJezireeri."
17. Zvino Joshua akataura naveimba yaJosefa, ivo vaEfuremu navaManase, akati, "imwi muri vanhu vazhinji, mune simba guru, hamungavi nomugove mumwe chete;
18. asi nyika yamakomo ichava yenyu; nokuti kunyange riri dondo, muchafanira kuritema, mabudiro aro ose agova enyu; nokuti munofanira kudzinga vaKenani, kunyange vane ngoro dzamatare, uye kunyange vane simba."

  Joshua (17/24)