Joshua (16/24)  

1. Mugove wavana vaJosefa wakatanga paJorodhani paJeriko, pamvura yeJeriko kumabvazuva kurenje, uchitanga paJeriko, ndokukwira napanyika yamakomo uchienda Bheti-eri;
2. ndokubva Bheti-eri kusvikira paRuzi, ndokupfuura napamuganhu wavaArikiti kusvikira paAtaroti;
3. ndokuburukira kumavirazuva kumuganhu wavaJafereti, kusvikira Gezeri, ndokuguma pagungwa.
4. Vana vaJosefa, Manase naEfuremu, vakatora nhaka yavo.
5. Muganhu wavana vaEfuremu nemhuri dzavo ndiwo: Muganhu wenhaka yavo kumabvazuva wakanga uri Atarotiadhari, kusvikira paBheti-horoni kumusoro;
6. zvino muganhu ndokuenda kumavirazuva paMikimetati kumusoro; zvino muganhu ndokudzoka kumabvazuva kusvikira paTanati-shiro, ndokupfuura ipapo kurutivi rwamabvazuva eJanoa;
7. ndokubva paJanoa, ndokuburukira Ataroti, neNaara, ndokusvika paJeriko, ndokuguma paJorodhani.
8. Kubva paTapua muganhu wakaenda kumavirazuva, kusvikira parukova Kana, ndokuguma pagungwa. Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaEfuremu nemhuri dzavo;
9. pamwechete namaguta akanga akakamurirwa vana vaEfuremu pakati penhaka yavana vaManase, maguta ose nemisha yawo.
10. havana kudzinga vaKenani vakanga vagere Gezeri; asi vaKenani vakagara pakati pavaEfuremu kusvikira nhasi; vakava vabati vechibharo.

  Joshua (16/24)