| ← Joshua (15/24) → |
| 1. | Mugove worudzi rwavana vaJudha nemhuri dzavo wakasvikira pamuganhu waEdhomu, iko kurenje reZini kurutivi rwezasi, kusvikira zasi kwazvo. |
| 2. | Muganhu wavo wezasi wakabva pamuganhu weGungwa roMunyu, kubva apo pakapinda nyika mugungwa, panotarira kurutivi rwezasi; |
| 3. | ndokupfuura zasi kwegomo reAkirabhimi, ndokupfuura nokurutivi rweZini, ndokukwira nechenyasi kweKadheshi-bharinea, ndokupfuura napaHezironi, ndokukwira napaAdhari, ndokudzoka napaKarika; |
| 4. | ndokupfuura kusvikira paAzimoni, ndokubuda naparukova rweIjipiti; muganhu uyu ndokuguma pagungwa; ndiwo unofanira kuva muganhu wezasi. |
| 5. | Muganhu wokumabvazuva wakatanga paGungwa roMunyu kusvikira pamuganhu waJorodhani. Muganhu worutivi rwokumusoro wakatanga apo panopinda nyika mugungwa kusvikira pamugumo waJorodhani, |
| 6. | ndokukwira kuBheti-hogira, ndokupfuura nokumusoro kweBheti-arabha; muganhu ndokukwira kubwe raBhohani, mwanakomana waRubheni; |
| 7. | muganhu ndokukwira nokuDhebhiri, uchibva pamupata weAkori, ndokudaro uchienda kumusoro wakatarisana neGirigari, pakatarisanazve negomo reAdhumimi, riri kurutivi rwezasi rworwizi; muganhu ndokupfuura napamvura yeEni-shemeshi, ndokuguma paEni-rogeri; |
| 8. | muganhu ndokukwira napamupata womwanakomana waHinomi, kusvikira kurutivi rwavaJebhusi zasi (ndiro Jerusaremu); muganhu ndokukwira kusvikira pamusoro wegomo riri pamberi pomupata weHinomi kumavirazuva, uri pamugumo kwazvo womupata weRefaimu, kurutivi rwokumusoro. |
| 9. | Muganhu ndokutarwa kubva pamusoro pegomo kusvikira kutsime remvura yeNefitoa, ndokuguma pamaguta pagomo reEfuroni; zvino muganhu ndokutarwa kusvikira Bhara (ndiro Kiriati-jearimi). |
| 10. | Muganhu ndokudzoka uchibva paBhara nokumavirazuva kusvikira pagomo reSeiri, ndokupfuura nokurutivi rwegomo reJearimi nechokumusoro (ndiro Kesaroni), ndokuburukira kusvikira paBheti-shemeshi, ndokupfuura napaTimuna; |
| 11. | muganhu ndokupfuura kurutivi rweEkironi, kumusoro; muganhu ndokutarwa kusvikira paShikeroni, ndokupfuura napagomo reBhara, ndokupfuura paJabhuneeri; muganhu ndokuguma pagungwa. |
| 12. | Muganhu wokumavirazuva wakasvika kugungwa guru nenyika yaro. Ndiwo muganhu wavana vaJudha kunhivi dzose nemhuri dzavo. |
| 13. | Asi wakapa Karebhu mwanakomana waJefune mugove pakati pavana vaJudha; sezvakarairwa Joshua naJehovha, akamupa Kiriati-abha; Abha wakanga ari baba vaAnaki (ndiro Hebhuroni). |
| 14. | Karebhu akadzingapo vanakomana vatatu vaAnaki, vaiti: Sheshai, naAhimani, naTamai, vanakomana vaAnaki. |
| 15. | Akabvapo, akandorwa navaigara Dhebhiri; zita reDhebhiri kare raiva Kiriati-seferi. |
| 16. | Karebhu akati, "Munhu unorwa neKiriati-seferi, akarikunda, ndichamupa mukunda wangu Akisa, ave mukadzi wake." |
| 17. | Ipapo Otinieri, mwanakomana waKenazi, munun’una waKarebhu, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Akisa, akava mukadzi wake. |
| 18. | Zvino iye wakati achisvika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake; zvino iye akaburuka pambongoro yake, Karebhu akati kwaari, "Unoreveiko?" |
| 19. | Akati, "Ndipei chipo; zvamakandiisa kunyika yezasi, ndipeiwo matsime emvura." Akamupa matsime okumusoro namatsime ezasi. |
| 20. | Ndiyo nhaka yorudzi rwavana vaJudha nemhuri dzavo. |
| 21. | Maguta okumudzivo orudzi rwavana vaJudha kumuganhu waEdhomu zasi akanga ari Kabhezeeri, neEdheri, neJaguri; |
| 22. | neKina, neDhimona, neAdhadha, |
| 23. | neKedheshi, neHazori, neItanani, |
| 24. | neZifi, neTeremi, neBheroti; |
| 25. | neHazori-hadhata, neKerioti-hezironi (ndiro Hazori); |
| 26. | neAmamu, neShema, neMoradha; |
| 27. | neHazari-gadha, neHeshimoni, neBheti-pereti, |
| 28. | neHazari-shuari, neBheeri-shebha, neBhiziotia; |
| 29. | neBhaara, neiyimi, neEzemi; |
| 30. | neEritoradhi, neKesiri, neHoma; |
| 31. | neZikiragi, neMadhamana, neSanisana; |
| 32. | neRebhaoti, neShirimi, neAini, neRimoni; maguta iwayo ose aiva namakumi maviri namapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo. |
| 33. | Pabani pakanga pane Eshitaori, neZora, neAshina; |
| 34. | neZanoa, neEniganimi, neTapua, neEnami; |
| 35. | neJarimuti, neAdhuramu neSoko, neAzeka; |
| 36. | neSharaimi, neAdhitaimu, neGedhera, neGedherotaimi; maguta ane gumi namana, pamwechete nemisha yawo. |
| 37. | Zenani, neHadhasha, neMigadhari-gadhi; |
| 38. | neDhirani, neMizipe, neJokiteeri; |
| 39. | neRakishi, neBhosikati, neEgironi; |
| 40. | neKabhoni, neRamani, neKiterishi; |
| 41. | neGedheroti, neBheti-dhagoni, neNaama, neMakedha; maguta ane gumi namatanhatu, pamwechete nemisha yawo. |
| 42. | Ribhina, neEteri, neAshani; |
| 43. | neIfita, neShina, neNezibhi; |
| 44. | neKeira, neAkizibhi, neMaresha; maguta anamapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo. |
| 45. | Ekironi, nemisha yaro, nemisha miduku yaro; |
| 46. | kubva paEkironi kusvikira pagungwa, maguta ose akanga ari parutivi rweAshidhodhi, pamwechete nemisha yawo. |
| 47. | Ashidhodhi, nemisha yaro, nemisha miduku yaro; neGaza, nemisha yaro, nemisha miduku yaro, kusvikira kurukova rweIjipiti, napagungwa guru nenyika yaro. |
| 48. | Nokunyika yamakomo, Shamiri, neJatiri, neSoko; |
| 49. | neDhana, neKiriatisana (ndiro Dhebhiri); |
| 50. | neAnabhi, neEshitemo, neAnimi; |
| 51. | neGosheni, neHoroni, neGiro; maguta ane gumi nerimwe, pamwechete nemisha yawo. |
| 52. | Arabhu, neDhuma, neEshani; |
| 53. | neJanimi, neBheti-tapua, neAfeka; |
| 54. | neHumuta, neKiriati-abha (ndiro Hebhuroni), neZiori; maguta mapfumbamwe, pamwechete nemisha yawo. |
| 55. | Maoni, neKarimeri, neZifi, neJuta; |
| 56. | neJezireeri, neJokidheami, neZanoa; |
| 57. | neKaini, neGibhiya, neTimuna; maguta ane gumi, pamwechete nemisha yawo. |
| 58. | Harikuri, neBheti-zuri, neGedhori; |
| 59. | neMaarati, neBheti-anoti, neEritekoni; maguta matanhatu, pamwechete nemisha yawo. |
| 60. | Kiriati-bhaari (ndiro Kiriati-jearimi), neRabha; maguta maviri, pamwechete nemisha yawo. |
| 61. | Murenje pakanga pane Bheti-abha, neMidhini, neSekaka; |
| 62. | neNibhishani, neGuta roMunyu, neEni-gedhi; maguta matanhatu, pamwechete nemisha yawo. |
| 63. | Asi vana vaJudha vakanga vasingagoni kudzinga vaJebhusi vakanga vagere Jerusaremu; asi vaJebhusi vakagara Jerusaremu pamwechete navana vaJudha kusvikira nhasi. |
| ← Joshua (15/24) → |