Joshua (14/24)  

1. Ndidzo nhaka dzakagamuchirwa navana vaIsiraeri panyika yeKenani, dzavakagoverwa nomupirisiti Ereazari, naJoshua mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri.
2. Vakagoverwa nhaka yavo nemijenya, sezvavakarairwa naJehovha nomuromo waMozisi, nhaka yamarudzi mapfumbamwe nehafu.
3. Nokuti Mozisi wakanga apa marudzi maviri nehafu nhaka yavo mhiri kwaJorodhani; asi vaRevhi haana kuvapa nhaka pakati pavo.
4. Nokuti vana vaJosefa vakanga vana marudzi maviri; rwaManase norwaEfuremu; havana kupa vaRevhi mugove munyika iyo, asi maguta mavangagara, namafuro awo emombe dzavo nefuma yavo.
5. Vana vaIsiraeri vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha, vakakamura nyika.
6. Zvino vana vaJudha vakaswedera kuna Joshua paGirigari, Karebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, akati kwaari, "Unoziva shoko rakataurwa naJehovha kuna Mozisi munhu waMwari, pamusoro pangu napamusoro pako, paKadheshi-bharinea.
7. Ini ndakanga ndasvika makore ana makumi mana nguva yandakatumwa naMozisi muranda waJehovha paKadheshi-bhanea kundoshora nyika, ndikadzoka neshoko kwaari sezvandakafunga ini.
8. Asi hama dzangu dzakanga dzakwira neni dzakaodza moyo yavanhu; asi ini ndakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wose.
9. Mozisi akapika nomusi uyo, akati, `Zvirokwazvo, nyika yakatsikwa norutsoka rwako, ichava nhaka yako neyavana vako nokusingaperi, nokuti wakatevera Jehovha Mwari wangu nomoyo wako wose.'
10. Zvino tarira, Jehovha wakandichengeta ndiri mupenyu, sezvaakataura, makore ano ana makumi mana namashanu kubva panguva Jehovha yaakataura shoko iri kuna Mozisi, vaIsiraeri vachafamba murenje; zvino, tarira, nhasi ndava namakore ana makumi masere namashanu.
11. Kunyange zvakadaro, nanhasi ndichine simba sezvandakanga ndakaita nomusi wandakatumwa naMozisi; sezvarakanga rakaita musi iwoyo, ndizvo zvakaita simba rangu nanhasi, kana rokurwa kana kubuda kana kupinda.
12. Naizvozvo zvino chindipa nyika, nyika iyi yamakomo, yakarehwa naJehovha musi iwoyo; nokuti nomusi iwoyo wakanzwa iwe kuti vaAnaki vakanga varipo namaguta makuru ana masvingo; zvimwe Jehovha uchava neni, ndikagona kuvadzinga, sezvakataurwa naJehovha."
13. Ipapo Joshua akamuropafadza, akapa Karebhu mwanakomana waJefune Hebhuroni, ive nhaka yake.
14. Naizvozvo Hebhuroni rakazova nhaka yaKarebhu mwanakomana waJefune, muKenizi, kusvikira nhasi; nokuti wakanga atevera Jehovha Mwari waIsiraeri nomoyo wake wose.
15. Zita reHebhuroni pakutanga rakanga riri Kiriati-aribha; iye Aribha wakanga ari munhu mukuru pakati pavaAnaki vose. Ipapo nyika ikazorora pakurwa.

  Joshua (14/24)