| ← Joshua (12/24) → |
| 1. | Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva: |
| 2. | Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, waibata ushe kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nehafu yeGiriyadhi, kusvikira kurwizi Jabhoki, waiva muganhu wavana vaAmoni; |
| 3. | nerenje, kusvikira pagungwa reKineroti kumabvazuva, nokusvikira pagungwa rerenje, iro Gungwa roMunyu, kumabvazuva nenzira inoenda Bhetijeshimoti; nokurutivi rwezasi pajinga pePisiga; |
| 4. | nenyika yaOgi, mambo weBhashani, wakanga asara pavaRegaimu, vakanga vagere paAshitaroti neEdhirei, |
| 5. | waibata ushe pagomo reHerimoni, napaSareka, napaBhashani rose, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri, navaMaakati, nehafu yeGiriyadhi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshibhoni. |
| 6. | Mozisi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mozisi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo. |
| 7. | Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kubva paBhaari-gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo. |
| 8. | Panyika yamakomo, nomumapani, nomuArabha, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiva nyika yavaHeti, neyavaAmori, neyavaKenani, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, |
| 9. | mambo weJeriko ndiye mumwe; namambo weAi, pedo neBheteri, mumwe; |
| 10. | namambo weJerusaremu, mumwe; namambo weHebhuroni, mumwe; |
| 11. | namambo weJarimuti, mumwe; namambo weRakishi, mumwe; |
| 12. | namambo weEgironi, mumwe; namambo weGezeri mumwe; |
| 13. | namambo weDhebhiri, mumwe; namambo Gedheri, mumwe; |
| 14. | namambo weHoma, mumwe; namambo weAradhi, mumwe; |
| 15. | namambo weRibhina, mumwe, namambo weAdhuramu, mumwe; |
| 16. | namambo weMakedha, mumwe; namambo weBheteri, mumwe; |
| 17. | namambo weTapua, mumwe, namambo weHeferi, mumwe; |
| 18. | namambo weAfeki, mumwe; namambo weRasharoni, mumwe; |
| 19. | namambo weMadhoni, mumwe; namambo weHazori, mumwe; |
| 20. | namambo weShimuroni-meroni, mumwe namambo weAkishafi, mumwe; |
| 21. | namambo weTaanaki, mumwe; namambo weMegidho, mumwe; |
| 22. | namambo weKedheshi, mumwe; namambo weJokineamu paKarimeri, mumwe; |
| 23. | namambo weDhori panyika yamakomo yaDhori, mumwe; namambo weGoimi paGirigari, mumwe; |
| 24. | namambo weTiriza, mumwe; madzimambo ose akanga ana makumi matatu nomumwe. |
| ← Joshua (12/24) → |