Joshua (12/24)  

1. Ndiwo madzimambo enyika akakundwa navana vaIsiraeri, vavakatorera nyika yavo mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kubva pamupata weArinoni kusvikira pagomo reHerimoni, nerenje rose riri kumabvazuva:
2. Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni, waibata ushe kubva paAroeri, parutivi rwomupata weArinoni, neguta raiva pakati pomupata, nehafu yeGiriyadhi, kusvikira kurwizi Jabhoki, waiva muganhu wavana vaAmoni;
3. nerenje, kusvikira pagungwa reKineroti kumabvazuva, nokusvikira pagungwa rerenje, iro Gungwa roMunyu, kumabvazuva nenzira inoenda Bhetijeshimoti; nokurutivi rwezasi pajinga pePisiga;
4. nenyika yaOgi, mambo weBhashani, wakanga asara pavaRegaimu, vakanga vagere paAshitaroti neEdhirei,
5. waibata ushe pagomo reHerimoni, napaSareka, napaBhashani rose, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri, navaMaakati, nehafu yeGiriyadhi; ndiyo nyika yaSihoni, mambo weHeshibhoni.
6. Mozisi muranda waJehovha, navana vaIsiraeri vakavakunda; Mozisi muranda waJehovha akaipa Rubheni, navaGadhi, nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive yavo.
7. Ndiwo madzimambo enyika iyo akakundwa naJoshua navana vaIsiraeri mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, kubva paBhaari-gadhi mumupata weRebhanoni, kusvikira pagomo reHaraki rinokwira richienda Seiri; Joshua akaipa marudzi avaIsiraeri sezvavakanga vakamurirwa, kuti ive yavo.
8. Panyika yamakomo, nomumapani, nomuArabha, napamitenusirwa, nomurenje, nezasi; ndiyo yaiva nyika yavaHeti, neyavaAmori, neyavaKenani, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi,
9. mambo weJeriko ndiye mumwe; namambo weAi, pedo neBheteri, mumwe;
10. namambo weJerusaremu, mumwe; namambo weHebhuroni, mumwe;
11. namambo weJarimuti, mumwe; namambo weRakishi, mumwe;
12. namambo weEgironi, mumwe; namambo weGezeri mumwe;
13. namambo weDhebhiri, mumwe; namambo Gedheri, mumwe;
14. namambo weHoma, mumwe; namambo weAradhi, mumwe;
15. namambo weRibhina, mumwe, namambo weAdhuramu, mumwe;
16. namambo weMakedha, mumwe; namambo weBheteri, mumwe;
17. namambo weTapua, mumwe, namambo weHeferi, mumwe;
18. namambo weAfeki, mumwe; namambo weRasharoni, mumwe;
19. namambo weMadhoni, mumwe; namambo weHazori, mumwe;
20. namambo weShimuroni-meroni, mumwe namambo weAkishafi, mumwe;
21. namambo weTaanaki, mumwe; namambo weMegidho, mumwe;
22. namambo weKedheshi, mumwe; namambo weJokineamu paKarimeri, mumwe;
23. namambo weDhori panyika yamakomo yaDhori, mumwe; namambo weGoimi paGirigari, mumwe;
24. namambo weTiriza, mumwe; madzimambo ose akanga ana makumi matatu nomumwe.

  Joshua (12/24)