| ← Joshua (10/24) → |
| 1. | Zvino Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, wakati achinzwa kuti Joshua wakakunda Ai, akariparadza chose, uye kuti wakaitira Ai namambo waro sezvaakaitira Jeriko namambo waro, uye kuti vanhu veGibhiyoni vakanga vayanana navaIsiraeri, vakagara pakati pavo; |
| 2. | vakatya kwazvo, nokuti Gibhiyoni rakanga riri guta guru, rakanga rakaita somumwe wemizinda yamambo; uye nokuti rakanga riri guru kupfuura Ai, navarume varo vose vakanga vane simba. |
| 3. | Naizvozvo Adhoni-zedheki, mambo weJerusaremu, akatuma nhume kuna Hohami, mambo weHebhuroni, nokuna Pirami, mambo weJarimuti, nokuna Jafia, mambo weRakishi, nokuna Dhebhiri, mambo weEgironi, akati, |
| 4. | "Kwirai kwandiri, mundibatsire, tirwe navaGibhiyoni, nokuti vakayanana naJoshua navana vaIsiraeri." |
| 5. | Naizvozvo madzimambo mashanu avaAmori, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weHebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi vakaungana, vakaenda ivo nehondo dzavo dzose, vakavaka misasa yavo pamberi peGibhiyoni, vakarwa naro. |
| 6. | Ipapo varume veGibhiyoni vakatuma nhume kuna Joshua kumisasa yakanga iri paGirigari, vakati, "Musaregerera henyu varanda venyu; kurumidzai mukwire kwatiri, mutirwire nokutibatsira, nokuti madzimambo ose avaAmori vagere munyika yamakomo vakatiunganira kuzorwa nesu." |
| 7. | Ipapo Joshua akakwira achibva Girigari, iye navanhu vose vehondo vaakanga anavo, navarume vose vaiva nesimba noumhare. |
| 8. | Jehovha akati kuna Joshua, "Usavatya, nokuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako." |
| 9. | Naizvozvo Joshua akavarwira pakarepo; akafamba usiku hwose achibva Girigari. |
| 10. | Zvino Jehovha akavavhundusa pamberi paIsiraeri, akavauraya nokuuraya kukuru paGibhiyoni, akavadzingirira nenzira yaikwira Bheti-horoni, akavaparadza kusvikira Azeka, nokusvikira Makedha. |
| 11. | Zvino vakati vachitiza pamberi pavaIsiraeri, vari pamatenusirwa anoburukira Bheti-horoni, Jehovha akakanda pamusoro pavo mabwe makuru akanga achibva kudenga, kusvikira Azeka, vakafa; ivo, vakafa nechimvuramabwe, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa neminondo navana vaIsiraeri. |
| 12. | Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa vaAmori mumaoko avana valsiraeri, akati pamberi pavaIsiraeri, "Iwe zuva mira pamusoro peGibhiyoni, Newe mwedzi pamupata weAjaroni." |
| 13. | Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here mubhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose. |
| 14. | Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha wakateerera inzwi romunhu; nokuti Jehovha wakarwira vaIsiraeri. |
| 15. | Joshua akadzokera navaIsiraeri vose kumisasa paGirigari. |
| 16. | Madzimambo awo mashanu akatiza, vakandovanda mubako paMakedha. |
| 17. | Joshua akaudzwa, zvichinzi, "Madzimambo iwayo mashanu akawanikwa, akavanda mubako paMakedha." |
| 18. | Zvino Joshua akati, "Kungurusai mabwe makuru pamuromo webako, nokuisa varume ipapo kuvarinda. |
| 19. | Asi imwi musamira henyu; teverai vavengi venyu, mundovauraya veshure vavo; musavatendera kupinda mumaguta avo, nokuti Jehovha Mwari wenyu wakavaisa mumaoko enyu." |
| 20. | Zvino Joshua navana vaIsiraeri vakati vapedza kuvauraya nokuuraya kukuru, kusvikira vaparadzwa, navakanga vasara kwavari vapinda mumaguta akavakirwa masvingo; |
| 21. | vanhu vose vakadzokera kumisasa kuna Joshua paMakedha norugare; hakuna munhu wakasimudzira mumwe wavana vaIsiraeri rurimi rwake. |
| 22. | Zvino Joshua akati, "Zarurai muromo webako, mubudise madzimambo mashanu iwayo mubako muuye nawo kwandiri." |
| 23. | Ivo vakaita saizvozvo, vakabudisa madzimambo iwayo mashanu mubako vakauya navo kwaari, vaiti mambo weJerusaremu, namambo weZebhuroni, namambo weJarimuti, namambo weRakishi, namambo weEgironi. |
| 24. | Zvino vakati vabudisa madzimambo iwayo vakauya navo kuna Joshua, Joshua akadana varume vose vaIsiraeri, akati kuvakuru vehondo vakanga vanaye, "Swederai, muise tsoka dzenyu pamitsipa yavo." |
| 25. | Zvino Joshua akati kwavari, "Musatya, kana kuvhunduswa; simbai mutsunge moyo, nokuti Jehovha uchaita saizvozvo navavengi venyu vose, vamunorwa navo." |
| 26. | Pashure Joshua akavabaya, akavauraya, ndokuvasungirira pamiti kusvikira madekwana. |
| 27. | Nenguva yokuvira kwezuva Joshua akaraira vanhu, vakavaturura pamiti, vakavakandira mubako mavakanga vakavanda, vakaisa mabwe makuru pamuromo webako; aripo kusvikira zuva rino ranhasi. |
| 28. | Joshua akakunda Makedha nomusi iwoyo, akariparadza neminondo inopinza, namambo waro; akavaparadza chose navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; akaitira mambo weMakedha sezvaakaitira mambo weJeriko. |
| 29. | Zvino Joshua akabva Makedha, iye navalsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Ribhina vakarwa neRibhina; |
| 30. | Jehovha akariisawo namambo waro mumaoko alsiraeri; akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiyamo kunyange nomumwe; akaitira mambo waro sezvaakaitira mambo weJeriko. |
| 31. | Zvino Joshua akabva Ribhina, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Rakishi, vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro; |
| 32. | Jehovha akaisa Rakishi mumaoko avaIsiraeri, akarikunda nezuva repiri, akariparadza neminondo inopinza, navanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Ribhina. |
| 33. | Zvino Horamu, mambo weGezeri, wakakwira kuzobatsira Rakishi; Joshua akamuuraya navanhu vake, kusvikira asina kumusiyira kunyange nomunhu mumwe. |
| 34. | Zvino Joshua akabva Rakishi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Egironi; vakavaka misasa yavo pedo naro, vakarwa naro; |
| 35. | vakarikunda nomusi iwoyo, vakariparadza neminondo inopinza; vakaparadza chose nomusi iwoyo vanhu vose vakanga varimo, sezvose zvaakaitira Rakishi. |
| 36. | Zvino Joshua akabva Egironi, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo, vakaenda Hebhuroni, vakarwa naro; |
| 37. | vakarikunda, nokuriparadza neminondo inopinza, namambo waro, namaguta aro ose, navanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe, sezvose zvaakaitira Egironi; asi wakariparadza chose navanhu vose vakanga varimo. |
| 38. | Zvino Joshua akadzokera Dhebhiri, navaIsiraeri vose vaakanga anavo; vakarwa naro; |
| 39. | akarikunda, namambo waro, namaguta aro ose; vakavauraya neminondo inopinza, nokuparadza chose vanhu vose vakanga varimo; haana kusiya kunyange nomumwe; sezvaakaitira Hebhuroni, ndizvo zvaakaitira Dhebhiriwo, namambo waro; sezvaakaitirawo Ribhina namambo waro. |
| 40. | Saizvozvo Joshua wakaparadza nyika yose, nyika yamakomo neyenyasi, neyamapani, neyemitenusirwa, namadzimambo adzo ose, haana kusiya kunyange nomumwe; asi wakaparadza zvose zvipenyu, sezvakaraira Jehovha Mwari waIsiraeri. |
| 41. | Joshua akavaparadza kubva Kadheshi-bharinea kusvikira Gaza, nenyika yose yeGosheni kusvikira Gibhiyoni. |
| 42. | Madzimambo iwayo ose nenyika dzawo akakundwa naJoshua nenguva imwe, nokuti Jehovha Mwari waIsiraeri wakarwira Isiraeri. |
| 43. | Ipapo Joshua akadzokera kumisasa paGirigari, iye navaIsiraeri vose vaakanga anavo. |
| ← Joshua (10/24) → |