Joshua (1/24)  

1. Zvino Mozisi, muranda waJehovha, wakati afa, Jehovha akataura naJoshua, mwanakomana waNuni, muranda waMozisi, akati,
2. "Mozisi, muranda wangu wafa; zvino simuka iwe uyambuke Jorodhani urwu, iwe navanhu ava vose, muende kunyika yandinovapa ivo vana valsiraeri.
3. Nzvimbo imwe neimwe ichatsikwa netsoka dzenyu ndakakupai iyo, sezvandakataura naMozisi.
4. Kubva murenje reRebhanoni iri, kusvikira parwizi rukuru, irwo rwizi Yufuratesi, nenyika yose yavaHeti, kusvikira kugungwa guru, kurutivi rwamavirazuva, ndiyo nyika yenyu.
5. Hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako mazuva ose oupenyu hwako; ndichava newe sezvandaisiva naMozisi; handingakuregi kana kukusiya.
6. Simba, utsunge moyo, nokuti uchagarisa vanhu ava nhaka yandakapikira madzibaba avo, kuti ndichavapa iyo, ive yavo.
7. Asi usimbe nokutsunga moyo kwazvo, kuti uchenjere kuita murayiro wose wandakaraira Mozisi muranda wangu; usatsauka kwauri, kana kurudyi kana kuruboshwe, kuti uve nomufaro pose paunoenda,
8. Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kuirangarira masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo, nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.
9. Ko handina kukuraira here? Simba, utsunge moyo; usatya kana kuvhunduswa, nokuti Jehovha Mwari wako unewe kwose kwaunoenda."
10. Ipapo Joshua akaraira vatariri vavanhu, akati,
11. "Pindai napakati pemisasa, muraire vanhu, muti, `Zvigadzirirei mbuva, nokuti mazuva matatu achigere kupera muchafanira kuyambuka Jorodhani urwu, kuti mupinde panyika iyo yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive yenyu.' "
12. Joshua akataura navaRubheni navaGadhi, nokuhafu yorudzi rwaManase, akati,
13. "Rangarirai shoko ramakarairwa naMozisi, muranda waJehovha, achiti, `Jehovha Mwari wenyu uchakupai zororo, nokukupai nyika iyi.'
14. Vakadzi venyu nepwere dzenyu nezvipfuwo zvenyu zvichasara panyika yamakapiwa naMozisi nechouno mhiri kwaJorodhani, asi imwi varume vose vane simba noumhare munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu makashonga nhumbi dzokurwa, muvabatsire;
15. kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu ive yavo; ipapo mungadzokera kunyika yenyu, yamakapiwa naMozisi, muranda waJehovha, iri nechouno mhiri kwaJorodhani kumabvazuva, kuti ive yenyu."
16. Vakapindura Joshua, vakati, "Zvose zvamunotiraira, tichazviita, pose pamunotituma tichaendapo.
17. Sezvataiteerera Mozisi pazvose, saizvozvo tichakuteererai nemiwo; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi, sezvaaiva naMozisi.
18. Ani naani unomukira murayiro wenyu, asingadi kuteerera mashoko enyu pazvose zvamunoraira, iye uchaurayiwa; asi simbai mutsunge moyo."

      Joshua (1/24)