Jonah (3/4)  

1. Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti,
2. "Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze."
3. Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivhe, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru-guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo.
4. Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, "Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivhe richaparadzwa."
5. Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.
6. Shoko rikasvika kuna mambo weNinivhe, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguo yake, akafuka saga, nokugara mumadota.
7. Akaraira, akaparidza muNinivhe rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, "Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura;
8. asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake.
9. "Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?"
10. Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.

  Jonah (3/4)