| ← Jonah (3/4) → | 
| 1. | Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti, | 
| 2. | "Simuka, uende Ninivhe, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze." | 
| 3. | Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivhe, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivhe raiva guta guru-guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo. | 
| 4. | Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, "Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivhe richaparadzwa." | 
| 5. | Vanhu veNinivhe vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo. | 
| 6. | Shoko rikasvika kuna mambo weNinivhe, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguo yake, akafuka saga, nokugara mumadota. | 
| 7. | Akaraira, akaparidza muNinivhe rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, "Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura; | 
| 8. | asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake. | 
| 9. | "Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?" | 
| 10. | Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita. | 
| ← Jonah (3/4) → |