Jonah (2/4)  

1. Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove.
2. Akati, "Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, Imi mukanzwa izwi rangu.
3. Nokuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.
4. Ndikati, `Ndarashwa, hamuchandioni;' Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene.
5. Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu.
6. Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu.
7. Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene.
8. Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo.
9. Asi ndichakubayirai nenzwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha."
10. Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma.

  Jonah (2/4)