← Jonah (2/4) → |
1. | Ipapo Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove. |
2. | Akati, "Ndakadana kuna Jehovha ndiri munhamo yangu, Akandipindura; Ndakadana ndiri mudumbu reSheori, Imi mukanzwa izwi rangu. |
3. | Nokuti makandikandira makadzika, mukati momwoyo wegungwa, Mvura zhinji yakanga yandikomberedza; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu. |
4. | Ndikati, `Ndarashwa, hamuchandioni;' Asi ndicharingirazve kuTemberi yenyu tsvene. |
5. | Mvura zhinji yakandikomberedza, kusvikira kumweya wangu; Pakadzika pakanga pandipoteredza; Maharanga akanga amonera musoro wangu. |
6. | Ndakaburukira kumavambiso amakomo; Nyika nezvipfigiso zvayo zvakandipfigiramo nokusingaperi; kunyange zvakadaro makabudisa upenyu hwangu pagomba, imi, Jehovha Mwari wangu. |
7. | Mweya wangu wakati uchiziya mukati mangu, ndikarangarira Jehovha; Munyengetero wangu ukapinda kwamuri muTemberi yenyu tsvene. |
8. | Vanorangarira zvisina maturo zvenhema Vanorasha nyasha yavo. |
9. | Asi ndichakubayirai nenzwi rokuvonga; Ndicharipa zvandapika. Ruponeso runobva kuna Jehovha." |
10. | Jehovha akataura nehove, ikandorutsira Jona panyika yakaoma. |
← Jonah (2/4) → |