John (9/21)  

1. Jesu wakati achipfuvura, akavona munhu wakanga ari bofu kubva pakuberekwa kwake.
2. Vadzidzi vake vakamubvunza, vachiti: Rabhi, ndianiko wakatadza, uyu kana vabereki vake, zvaakaberekwa riri bofu?
3. Jesu akapindura, akati: Uyu haana kutadza, kunyange navabereki vake; asi izvi zvakaitwa kuti mabasa aMwari avoneswe maari.
4. Ndinofanira kubatebasa rowakandituma, achiri masikati; vusiku bwunovuya, bwusingagoni munhu kubate basa nabwo.
5. Kana ndichiri panyika, ndiri chiedza chenyika.
6. Wakati areva izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, akazodza dope rawo pameso ake,
7. akati kwaari: Enda undoshamba mudziva reSiroami, (ndokuti, kana zvichishandurwa, Kutumwa), Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka achivona.
8. Vakanga vagere naye, navaimuvona kare, kuti ndiye waikumbira, vakati: Ko uyu haazi iye waigara achikumbira here?
9. Vamwe vakati: Ndiye; vamwe vakati: Kwete, asi wakatodzana naye. Iye akati: Ndini.
10. Zvino vakati kwaari: Meso ako akasvinudzwa seiko?
11. Akapindura, akati: Munhu unonzi Jesu wakakanya dope, akazodza meso angu, akati kwandiri: Enda kudziva reSiroami, undoshamba; naizvozvo ndikaenda, ndikashamba, ndikavona.
12. Vakati kwaari: Iye uripiko? Akati: Handizivi.
13. Vakamuisa kuvaFarise, iye wakanga ari bofu kare.
14. Zvino raiva sabata zuva iro Jesu raakakanya dope naro, akasvinudza meso ake.
15. Zvino vaFarise vakamubvunza zve, kuti wakavoneswa sei. Akati kwavari: Waisa dope pameso angu, ndikandoshamba, ndikavona.
16. Zvino vamwe vavaFarise vakati: Munhu uyu haazi waMwari, nokuti haachengeti sa bata. Asi vamwe vakati: Ko munhu mutadzi ungaita seiko zviratidzo zvakadai? Ipapo kupesana kwakamuka pakati pavo.
17. Zvino vakati zve kubofu; Iwe unoti kudiniko pamusoro pake, zvaakasvinudza meso ako? Akati: Muporofita.
18. Naizvozvo vaJudha havanakutenda pamusoro pake, kuti wanga ari bofu, akazovona, kusvikira vadana vabereki vowakavoneswa.
19. vakavabvunza, vachiti: Uyu ndiye mwanakomana wenyu, wamunoti wakaberekwa riri bofu here? Zvino unogovona seiko?
20. Vabereki vake vakapindura, vakati: Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu, vuye kuti wakaberekwa riri bofu;
21. asi hatizivi kuti zvino wovona sei; nowakasvinudza meso ake, hatimuzivi; mubvunzei henyu; waaruka, uchazvirevera hake.
22. Vabereki vake vakareva izvozvo, nokuti vaitya vaJudha, nokuti vaJudha vakanga vatotenderana, kuti kana kuno munhu unotenda kuti ndiye Kristu, abudiswe musinagoge.
23. Naizvozvo.akati: Waaruka hake, mubvunzei henyu.
24. Zvino vakamudana zve rwechipri,iye munhu wakanga ari bofu, vakati kwaari: Rumbidza Mwari; isu tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.
25. Ipapo iye akapindura, akati: Kana ari mutadzi ini handizivi; ndinoziva chinhu chimwe, kuti ndaiva bofu, zvino ndovona.
26. Ipapo vakati kwaari: Wakakuiteiko? Wakasvinudza meso ako sei?
27. Akavapindura, akati: ndatokuvudzai, mukasanzwa. Munoda kunzwa zve nemhaka yeiko? Nemi munoda kuva vadzidzi vake vo kanhi?
28. Vakamutuka, vachiti: Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri vadzidzi vaMosesi.
29. Tinoziva kuti Mwari wakataura naMosesi; asi uyu hatizivi kwaakabva.
30. Iye munhu akapindura, akati kwavari: Nyambere chinhu ichi chinoshamisa, kuti imi hamuzivi kwaanobva, kunyange zvakadaro wakasvinudza meso angu.
31. Tinoziva kuti Mwari haanzwi vatadzi; asi kana munhu achishumira Mwari, achiita kuda kwake, unomunzwa iye.
32. Kubvira pakutanga hakuna kumbonzwika, kuti mumwe wakasvinudza meso omunhu wakaberekwa riri bofu.
33. Dai uyu asati ari waMwari, haazaigona kuita chinhu.
34. Vakapindura, vakati kwaari: Iwe wakaberekerwa kwazvo muzvivi, zvino iwe wotidzidzisa su? Vakamudzingira kunze.
35. Jesu akanzwa kuti vamudzingira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMwanakomana waMwari here
36. Akapindura, akati: Iye ndianiko Ishe, kuti nditende kwaari?
37. Jesu akati kwaari: Wamuvona, vuye, ndiye unotaura newe.
38. Ipapo akati: Ndinotenda, Ishe. Akamunamata.
39. Jesu akati: Kutonga ndiko kwandakavuyira panyika ino, kuti vasingavoni, vavone; navanovona vave mapofu.
40. Avo vavaFarise vaiva naye, vakazvinzwa, vakati kwaari: Ko nesu vo tiri mapofu here?
41. Jesu akati kwavari: dai maiva mapofu, hamuzaiva nezvivi, asi zvino munoti: Tinovona; zvivi zvenyu zvinoramba zviripo.

  John (9/21)