John (8/21)  

1. Jesu akaenda kugomo reMiorivhi.
2. Mangwanani akadzokera zve kutembere, vanhu vose vakavuya kwaari; akagara pasi akavadzidzisa.
3. Vanyori navaFarise vakavuya kwaari nomukadzi wakanga abatwa achifeva vakamuisa pakati pavo.
4. Vakati kwaari: Mudzidzisi, mukadzi uyu wakabatwa achifeva, ipapo pamene.
5. Zvino Mosesi wakatiraira pamurairo kuti vakadaro vatakwe namabwe; zvino imi munoti kudiniko?
6. Vakareva izvozvo, vachimuidza, kuti vawane chavangamupomera mhosva nacho. Asi Jesu wakakotama, akanyora pasi nomunwe sousingavanzwi.
7. Zvino ivo vakati vachiramba vachimubvunza, akakotoroka, akati kwavari:: Usine chivi pakati penyu, ngaatange kukanda ibwe kwaari.
8. Akakotama zve, akanyora pasi.
9. Zvino ivo vakati vachizvinzwa, hana dzavo dzikavarova, vakabuda mumwe-mumwe, kutanga vakuru kusvikira kuno wokupedzisira; Jesu akasara ari oga, nomukadzi wakanga amire pakati pavo.
10. Jesu akakotoroka; zvino asingavoni munhu, asi mukadzi oga, akati kwaari, Mai, vaya vakupomera mhosva varipiko? Hakuna wakutonga here?
11. Iye akati: Hakuna, Ishe! Jesu akati kwaari: Neni vo handikupi mhosva. Enda hako, usatadza zve.]
12. Zvino Jesu wakataura zve navo, akati: Ndini chiedza chenyika; unonditevera haangatongofambi murima, asi uchava nechiedza chovupenyu.
13. Naizvozvo vaFarise vakati kwaari: Unozvipupurira iwe; kupupura kwako hakuzi kwazvokwadi.
14. Jesu akapindura, akati kwavari: Kunyange ndichizvipupurira, kupupura kwangu ndokwazvokwadi; nokuti ndinoziva kwandakabva, nokwandinoenda; asi imi hamuzivi kwandakabva, nokwandinoenda.
15. Imi munotonga nenyama; ini handitongi munhu.
16. Asi kunyange ndichitonga, kutonga kwangu ndokwazvokwadi; nokuti handizi ndoga, asi ini naBaba vakandituma.
17. Vuye mumurairo wenyu makanyorwa, kuti kupupura kwavanhu vaviri ndokwazvokwadi.
18. Ndini unozvipupurira, naBaba vakandituma, vanondipupurira vo.
19. Zvino vakati kwaari: Baba vako varipiko? Jesu akapindura, kati: Hamundizivi ini, kunyange naBaba vangu vo; dai maindiziva ini, maiziva vo naBaba vangu.
20. Jesu wakataura mashoko awa pachivigiro chemari achidzidzisa mutembere; kwakanga kusinomunhu wakamubata, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
21. Zvino Jesu wakati zve kwavari: Ndinoenda, muchanditsvaka, mukafira muzvivi zvenyu; pandinoenda, imi hamungavuyipo.
22. Zvino vaJudha vakati: Uchazvivuraya kanhi, zvaanoti: Pandinoenda, imi hamungavuyipo?
23. Akati kwavari; Imi muri vapasi, ini ndiri wokumusoro; imi muri venyika ino, ini handizi wenyika ino.
24. Naizvozvo ndakati kwamuri; Muchafira muzvivi zvenyu, nokuti kana musinganditendi, kuti ndini iye, muchafira muzvivi zvenyu.
25. Zvino vakati kwaari: Iwe ndiwe aniko? Jesu akati kwavari: Izvo zvandinongoramba ndichikuvudzai kubva pakutanga.
26. Ndine zvizhinji zvandinoda kureva nokutonga pamusoro penyu; asi wakandituma ndowazvokwadi;izvo zvandakanzwa kwaari, ndizvo zvandinovudza nyika.
27. Asi havana kunzwisisa kuti unovavudza zvaBaba.
28. Naizvozvo Jesu akati: Kana masimudza Mwanakomana womunhu, ipapo muchaziva kuti ndini iye, vuye kuti ini handiiti chinhu ndimene, asi ndinoreva I zvozvo zvandakadzidziswa naBaba.
29. Wakandituma uneni. Haana kundisiya ndiri ndoga; nokuti ini ndinoita nguva dzose zvinomufadza.
30. Wakati areva izvozvo, vazhinji vakatenda kwaari.
31. Zvino Jesu wakati kuvaJudha avo, vakanga vamutenda: Kana imi muchigara mushoko rangu, muri vadzidzi vangu zvirokwazvo,
32. Muchaziva zvokwadi, nezvokwadi ichakusunungurai.
33. Vakamupindura, vakati: Tiri vorudzi rwaAbhurahamu isu, hatina kutongova varanda vomunhu; zvino iwe ungareva seiko kuti muchasunungurwa?
34. Jesu akapindura, akati; Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mumwe nomumwe unoita zvivi, ndiye muranda wezvivi.
35. Muranda haagari mumba nokusingaperi; mwanakomana ndiye unogara nokusingaperi.
36. Naizvozvo kana Mwanakomana achikusunugurai, muchava vakasununguka kwazvo.
37. Ndinoziva kuti muri rudzi rwaAbhurahamu; asi munotsvaka kundivuraya, nokuti shoko rangu hariendeki mukati menyu.
38. Ini ndinoreva izvo zvandakanzwa kunaBaba vangu; imi munoita izvo zvamakanzwa kunababa venyu.
39. Vakapindura, vakati kwaari: Baba vedu ndiAbhurahamu. Jesu akati kwavari: Dai maiva vana vaAbhurahamu, maiita mabasa aAbhurahamu.
40. Asi zvino munotsvaka kundivuraya, ini munhu wakakuvudzai zvokwadi, yandakanzwa kunaMwari. Abhurahamu haana kuita izvozvo.
41. Imi munoita mabasa ababa venyu, Vakati kwaari: Hatina kuberekwa novupombwe; tinababa vamwe, iye Mwari.
42. Jesu akati kwavari: Dai Mwari aiva baba venyu, maindida ini; nokuti ndakabuda, ndikabva kunaMwari. Nokuti handina kuzvivuyira ini ndimene, asi ndiye wakandituma.
43. Hamunzwisisi seiko kutaura kwangu? Nokuti hamugoni kunzwa shoko rangu.
44. Imi muri vababa venyu Dhiabhorosi munoda kuita kuda kwakaipa, kwababa venyu iye wakanga ari muvurai kubva pakutanga, haamiri muzvokwadi, nokuti maari hamuna zvokwadi. Kana achireva nhema, unoreva zvake nokuti ndiye wenhema vuye baba vadzo.
45. Asi ini, ndinoreva zvokwadi, hamunditendi.
46. Ndianiko kwamuri unganditendisa kuti ndinezvivi? Kana ndichireva zvokwadi, munoregereiko kunditenda?
47. Uyo uri waMwari, unonzwa mashoko aMwari; imi hamunzwi nemhaka iyi, nokuti hamuzati muri vaMwari.
48. VaJudha vakapindura, vakati kwaari: Hatina kureva kwazvo here, tichiti: Uri muSamaria, unomweya wakaipa?
49. Jesu akapindura, akati: Handino mweya wakaipa, asi ndinokudza baba vangu, zvino imi mondizvidza.
50. Ini handitsvaki kuti ndikudzwe; uri’ko mumwe unozvitsvaka, achitonga..
51. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haatongovoni rufu.
52. VaJudha vakati kwaari: Tinoziva zvino kuti unomweya wakaipa; Abhurahamu wakafa, navaporofita vo; zvino iwe unoti: Kana munhu akachengeta shoko rangu, haangatongovoni rufu.
53. Ko iwe uri mukuru kunaBaba vedu Abhurahamu, vakafa, kanhi navaporofita vakafa? Unozviita aniko?
54. Jesu akapindura, akati: Kana ini ndichizvikudza, kuzvikudza kwangu hakuna maturo; unondikudza ndivo baba, avo vamunoti ndiMwari wenyu.
55. Hamuna kuvaziva semi, asi ini ndinovaziva; kana ini ndikati handivazivi, ndava murevi wenhema semi; asi ndinovaziva ini, ndinochengeta shoko ravo.
56. Abhurahamu, baba venyu, vakafara, vachiti vachavona zuva rangu; vakarivona, vakafara.
57. Ipapo vaJudha vakati kwaari: Iwe ugere kusvika makore anamakumi mashanu, wakavona Abhurahamu here?
58. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Abhurahamu asati avapo, ini ndiripo,
59. vakanonga mabwe kuti vamutake nawo; asi Jesu wakazvivanza, akabuda mutembere.

  John (8/21)