John (7/21)  

1. Shure kwaizvozvo Jesu wakafamba muGarirea; nokuti wakanga asingadi kufamba muJudhea, nokuti vaJudha vakanga vachida kumuvuraya.
2. Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga uri pedo.
3. Naizvozvo vanun’una vake vakati kwaari: Ibva pano, uende Judhea, kuti vadzidzi vako vavone vo mabasa ako aunoita.
4. Nokuti hakuno munhu unoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikamwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika.
5. Nokuti navanun’una vake vakanga vasingatendi kwaari.
6. Ipapo Jesu akati kwavari: Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa.
7. Nyika haingakuvengiyi imi; asi inondivenga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa.
8. Kwirai kumutambo imi, ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo.
9. Wakati areva izvozvo kwavari, akagara Garirea.
10. Zvino vanun’una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwira vo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda.
11. Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Uripiko iye?
12. Kun’un’una kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti: Wakanaka; vamwe vachiti: Kwete, unotsausa vanhu vazhinji.
13. Kunyange zvakadaro kwakanga kusinomunhu waitaura pachena pamusoro pake, nokuti vakatya vaJudha.
14. Zvino kwakati pava pakati pomutambo, Jesu akakwira kutembere, akatanga kudzidzisa.
15. Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti: Munhu uyu unoziva seiko manyoro, zvaasina kumbodzidza?
16. Jesu akapindura, akati: Dzidziso yangu haizi yangu, asi ndokwo wakandituma.
17. Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva kana dzidziso ichibva kunaMwari, kana ndichazvitaurira ndimene.
18. Unozvitaurira, unotsvaka kukudzwa kwake; asi unotsvaka kukudzwa kwowakamutuma, ndiye wazvokwadi, hapana kusarurama maari.
19. Mosesi haana kukupai murairo here? Asi hakunomumwe wenyu unoita murairo. Munotsvakireiko kundivuraya?
20. Vanhu vazhinji vakapindura, vachiti: Unomweya wakaipa iwe; ndianiko unotsvaka kukuvuraya?
21. Jesu akapindura, akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, mukashamiswa mose.
22. Nemhaka iyi Mosesi wakakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu nesabata.
23. Zvino kana munhu angadzingiswa nesabata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu zvakakwana.
24. Musatonga nezvinovonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama.
25. Zvino vamwe veJerusarema vakati: Ko haazi iye wavaitsvaka kuvuraya here?
26. Tarirai, unotaura pachena, vasingarevi chinhu kwaari. Ko vakuru vanoziva kwazvo kanhi kuti ndiye Kristu?
27. Zvino uyu tinoziva kwaanobva, asi Kristu kana achisvika, hakunomunhu ungaziva kwaanobva.
28. Zvino Jesu akadanidzira mutembere, akadzidzisa, achiti: Munondiziva, munoziva napandakabva; handina kuvuya ini ndimene, asi wakandituma ndiye wazvokwadi, wamusingazivi imi.
29. Ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari; ndiye wakandituma.
30. Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi kwakanga kusinomunhu wakaisa ruvoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.
31. Asi vamwe vazhinji vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achizosvika, ungaita zviratidzo zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here.
32. Zvino vaFarise vakanzwa vanhu vazhinji vachin’un’una izvozvo pamusoro pake; vaPirisita vakuru navaFarise vakatuma vatariri kundomubata.
33. Ipapo Jesu akati kwavari: Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kuno wakandituma.
34. Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; vuye apo pandiri, imi hamungasvikipo.
35. Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti: Uyu unoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko unoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaHedheni, kuti andodzidzisa vaGiriki here?
36. Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, vuye, apo pandiri, imi hamungasvikipo?
37. Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu wakamira, akadanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ngaavuye kwandiri, amwe.
38. Unotenda kwandiri, sezvazvakarebwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make.
39. Asi izvi wakareva zvoMweya, waizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya Mutsvene wakanga asati wavapo, nokuti Jesu wakanga asati akudzwa.
40. Zvino vamwe pakati pavanhu vazhinji vakati vachinzwa mashoko awa vakati: Zvirokwazvo uyu muporofita.
41. Vamwe vakati: ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu ungabva Garirea here?
42. Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu uchabva, kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBhetirehemu, paiva naDhavhidhi?
43. Naizvozvo kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji.
44. Vamwe vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina wakaisa mavoko kwaari.
45. Zvino vatariri vakavuya kuvaPirisita vakuru nokuvaFarise, ivo vakati kwavari: Makaregereiko kuvuya naye?
46. Vatariri vakapindura, vakati: Hakuno munhu wakatongotaura somunhu uyu.
47. Naizvozvo vaFarise vakavapindura, vakati: Nemi vo matsauswa kanhi?
48. Kuvakuru nokuvaFarise kuno mumwe wakatongotenda kwaari here?
49. Asi vanhu ava vasingazivi murairo, vakatukwa.
50. Nikodimo, (uya akavuya kwaari, waiva mumwe wavo, akati kwavari:
51. Murairo wedu unotonga munhu, usati wambomunzwa, nokuziva chaanoita here?
52. Vakapindura, vakati kwaari: Ko newe vo uri weGarirea here? Nzvera,uvone kuti hakuno muporofita, unobva Garirea.
53. [Ipapo mumwe nomumwe wakaenda kumba kwake.

  John (7/21)