| ← John (7/21) → |
| 1. | Shure kwaizvozvo Jesu wakafamba muGarirea; nokuti wakanga asingadi kufamba muJudhea, nokuti vaJudha vakanga vachida kumuvuraya. |
| 2. | Zvino mutambo wavaJudha wamatumba wakanga uri pedo. |
| 3. | Naizvozvo vanun’una vake vakati kwaari: Ibva pano, uende Judhea, kuti vadzidzi vako vavone vo mabasa ako aunoita. |
| 4. | Nokuti hakuno munhu unoita chinhu chinyararire, kana iye amene achida kuzikamwa; kana iwe uchiita izvi, uzviratidze kunyika. |
| 5. | Nokuti navanun’una vake vakanga vasingatendi kwaari. |
| 6. | Ipapo Jesu akati kwavari: Nguva yangu ichigere kusvika; asi nguva yenyu inogara yakagadzirwa. |
| 7. | Nyika haingakuvengiyi imi; asi inondivenga ini, nokuti ndinoipupurira, kuti mabasa ayo akaipa. |
| 8. | Kwirai kumutambo imi, ini handiti ndokwira kumutambo, nokuti nguva yangu ichigere kusvika kwazvo. |
| 9. | Wakati areva izvozvo kwavari, akagara Garirea. |
| 10. | Zvino vanun’una vake vakati vakwira kumutambo, iye akabva okwira vo, asingaendi pachena, asi panenge sapakavanda. |
| 11. | Zvino vaJudha vakamutsvaka pamutambo, vakati: Uripiko iye? |
| 12. | Kun’un’una kukuru kukavapo pakati pavazhinji pamusoro pake, vamwe vachiti: Wakanaka; vamwe vachiti: Kwete, unotsausa vanhu vazhinji. |
| 13. | Kunyange zvakadaro kwakanga kusinomunhu waitaura pachena pamusoro pake, nokuti vakatya vaJudha. |
| 14. | Zvino kwakati pava pakati pomutambo, Jesu akakwira kutembere, akatanga kudzidzisa. |
| 15. | Naizvozvo vaJudha vakashamiswa, vachiti: Munhu uyu unoziva seiko manyoro, zvaasina kumbodzidza? |
| 16. | Jesu akapindura, akati: Dzidziso yangu haizi yangu, asi ndokwo wakandituma. |
| 17. | Kana munhu achida kuita kuda kwake, uchaziva kana dzidziso ichibva kunaMwari, kana ndichazvitaurira ndimene. |
| 18. | Unozvitaurira, unotsvaka kukudzwa kwake; asi unotsvaka kukudzwa kwowakamutuma, ndiye wazvokwadi, hapana kusarurama maari. |
| 19. | Mosesi haana kukupai murairo here? Asi hakunomumwe wenyu unoita murairo. Munotsvakireiko kundivuraya? |
| 20. | Vanhu vazhinji vakapindura, vachiti: Unomweya wakaipa iwe; ndianiko unotsvaka kukuvuraya? |
| 21. | Jesu akapindura, akati kwavari: Ndakaita basa rimwe, mukashamiswa mose. |
| 22. | Nemhaka iyi Mosesi wakakupai dzingiso, (handiti ndeyaMosesi, asi yamadzibaba); zvino imi munodzingisa munhu nesabata. |
| 23. | Zvino kana munhu angadzingiswa nesabata, kuti murairo waMosesi urege kuputswa, ko imi monditsamwira nokuti ndakaporesa munhu zvakakwana. |
| 24. | Musatonga nezvinovonekwa, asi tongai nokutonga kwakarurama. |
| 25. | Zvino vamwe veJerusarema vakati: Ko haazi iye wavaitsvaka kuvuraya here? |
| 26. | Tarirai, unotaura pachena, vasingarevi chinhu kwaari. Ko vakuru vanoziva kwazvo kanhi kuti ndiye Kristu? |
| 27. | Zvino uyu tinoziva kwaanobva, asi Kristu kana achisvika, hakunomunhu ungaziva kwaanobva. |
| 28. | Zvino Jesu akadanidzira mutembere, akadzidzisa, achiti: Munondiziva, munoziva napandakabva; handina kuvuya ini ndimene, asi wakandituma ndiye wazvokwadi, wamusingazivi imi. |
| 29. | Ini ndinomuziva, nokuti ndinobva kwaari; ndiye wakandituma. |
| 30. | Naizvozvo vakatsvaka kumubata, asi kwakanga kusinomunhu wakaisa ruvoko kwaari, nokuti nguva yake yakanga isati yasvika. |
| 31. | Asi vamwe vazhinji vakatenda kwaari, vakati: Kana Kristu achizosvika, ungaita zviratidzo zvizhinji kunezvizvi zvakaitwa nouyu here. |
| 32. | Zvino vaFarise vakanzwa vanhu vazhinji vachin’un’una izvozvo pamusoro pake; vaPirisita vakuru navaFarise vakatuma vatariri kundomubata. |
| 33. | Ipapo Jesu akati kwavari: Ndichiri nemi nguva duku, ndigoenda kuno wakandituma. |
| 34. | Muchanditsvaka, asi hamungandiwani; vuye apo pandiri, imi hamungasvikipo. |
| 35. | Zvino vaJudha vakataurirana, vachiti: Uyu unoda kuendepiko, kwatisingazomuwani? Ko unoda kuenda kuna vakapararira pakati pavaHedheni, kuti andodzidzisa vaGiriki here? |
| 36. | Rinoti kudiniko shoko iri raareva, rokuti: Muchanditsvaka, asi hamungandiwani, vuye, apo pandiri, imi hamungasvikipo? |
| 37. | Zvino nezuva rokupedzisira, zuva guru romutambo, Jesu wakamira, akadanidzira, akati: Aninani, kana anenyota, ngaavuye kwandiri, amwe. |
| 38. | Unotenda kwandiri, sezvazvakarebwa noRugwaro, nzizi dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukati make. |
| 39. | Asi izvi wakareva zvoMweya, waizopiwa avo vaitenda kwaari, nokuti Mweya Mutsvene wakanga asati wavapo, nokuti Jesu wakanga asati akudzwa. |
| 40. | Zvino vamwe pakati pavanhu vazhinji vakati vachinzwa mashoko awa vakati: Zvirokwazvo uyu muporofita. |
| 41. | Vamwe vakati: ndiye Kristu. Asi vamwe vakati: Ko Kristu ungabva Garirea here? |
| 42. | Rugwaro haruna kureva here, kuti Kristu uchabva, kurudzi rwaDhavhidhi, napamusha weBhetirehemu, paiva naDhavhidhi? |
| 43. | Naizvozvo kupesana kwakamuka pamusoro pake pakati pavazhinji. |
| 44. | Vamwe vakanga vachida kumubata; asi kwakanga kusina wakaisa mavoko kwaari. |
| 45. | Zvino vatariri vakavuya kuvaPirisita vakuru nokuvaFarise, ivo vakati kwavari: Makaregereiko kuvuya naye? |
| 46. | Vatariri vakapindura, vakati: Hakuno munhu wakatongotaura somunhu uyu. |
| 47. | Naizvozvo vaFarise vakavapindura, vakati: Nemi vo matsauswa kanhi? |
| 48. | Kuvakuru nokuvaFarise kuno mumwe wakatongotenda kwaari here? |
| 49. | Asi vanhu ava vasingazivi murairo, vakatukwa. |
| 50. | Nikodimo, (uya akavuya kwaari, waiva mumwe wavo, akati kwavari: |
| 51. | Murairo wedu unotonga munhu, usati wambomunzwa, nokuziva chaanoita here? |
| 52. | Vakapindura, vakati kwaari: Ko newe vo uri weGarirea here? Nzvera,uvone kuti hakuno muporofita, unobva Garirea. |
| 53. | [Ipapo mumwe nomumwe wakaenda kumba kwake. |
| ← John (7/21) → |