John (6/21)  

1. Shure kwaizvozvo Jesu wakaenda mhiri kwegungwa reGarirea, ndiro reTiberiasi.
2. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, nokuti vakavona zviratidzo zvaaita kuvarwere.
3. Jesu akakwira mugomo, akagaramo navadzidzi vake.
4. Paseka mutambo wavaJudha, wakanga uri pedo.
5. Zvino wakati achitarira, akavona vanhu vazhinji zhinji vachivuya kwaari, akati kuna Firipo: Tingatengepiko zvingwa, kuti vanhu ava vadye?
6. Wakareva izvozvo achimuidza, nokuti iye wakaziva amene zvaakanga achida kuita.
7. Firipo akamupindura achiti: Zvingwa zvamadenari anamazana maviri* hazvingavaringani, kuti mumwe nomumwe atore zvishoma.
8. Zvino mumwe wavadzidzi vake, Andreasi, munun’una waSimoni Petro, akati kwaari:
9. Pano panomukomana, unezvingwa zvishanu zvebhari nehove mbiri; asi izvi zvingakwanira sei vanhu vazhinji vakadai?
10. Jesu akati: Garisai vanhu pasi. Zvino kwakanga kunovuswa bwuzhinji ipapo. Naizvozvo varume vakagara pasi, kuwanda kwavo kunenge zvuru zvishanu.
11. Zvino Jesu akatora zvingwa; akavonga, akazvipa vakanga vagere pasi; nehove vo saizvozvo pavaida napo.
12. Zvino vakati vaguta, akati kuvadzidzi vake; Vunganidzai zvimedu zvakasara, kuti kurege kurashika chinhu.
13. Ipapo vakazvivunganidza, vakazadza matengu anegumi namaviri nezvimedu zvezvingwa zvishanu zvebari, zvakanga zvasara kuna vakadya.
14. Zvino vanhu vakati vavona chiratidzo chaakaita, vakati: Zvirokwazvo uyu ndiye uya muporofita, unovuya panyika.
15. Zvino Jesu, zvaakaziva kuti vodo kuvuya kumubata nesimba kuzomuita mambo, akabva zve akaenda mugomo ari oga.
16. Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakaburukira kugungwa;
17. vakapinda mugwa, vakatanga kuyambuka gungwa kuenda Kapernaume. Zvino kwakanga kwasviba, asi Jesu wakanga asati asvika kwavari.
18. Gungwa rikatanga kumutswa nemhepo huru yaivhuvhuta.
19. Zvino vakati vakwasva zvikuru mastadia anenge makumi maviri namashanu, kana makumi matatu,* vakavona Jesu achifamba pamusoro pegungwa, achiswedera pedo negwa; vakatya.
20. Asi iye akati kwavari: Ndini, musatya.
21. Zvino vakafara kumugamuchira mugwa, igwa rikasvika pakarepo kunyika kwavakanga vachienda.
22. Ava mangwana vanhu vazhinji, vakanga vamire mhiri kwegungwa, vakavona kuti pakanga pasine rimwe igwa duku ipapo, asi iro rimwe makanga mapinda vadzidzi vake, mariri, vuye kuti Jesu haana kupinda mugwa navadzidzi vake, asi kuti vadzidzi vake vakanga vaenda voga.
23. (Asi mamwe magwa maduku akanga abva Tiberiasi, akasvika pedo pavakadyira zvingwa, Ishe ambovonga).
24. Zvino vanhu vazhinji vakati vavona, kuti Jesu haapo, navadzidzi vake, vakapinda vamene mumagwa maduku, vakasvika Kapernaume, vachitsvaka Jesu.
25. Zvino vakati vamuwana mhiri kwegungwa, vakati kwaari: Rabhi, mavuya pano riniko?
26. Jesu akavapindura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hamunditsvaki nokuti makavona zviratidzo, asi nokuti makadya zvingwa mukaguta.
27. Musabatira zvokudya zvinopera, asi zvokudya zvinogara kuvupenyu bwusingaperi, zvamuchapiwa noMwanakomana womunhu; nokuti Baba, vakaisa chisimbiso kwaari.
28. Zvino vakati kwaari: Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?
29. Jesu akapindura, akati kwavari: Basa raMwari ndiro, kuti mutende kuna iye waakatuma.
30. Zvino vakati kwaari: Munoita chiratidzo chipiko, kuti tivone, tikutendei? Imi munobateiko?
31. Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakavapa chingwa chakabva kudenga, kuti vadye.
32. Zvino Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Wakanga asi iye Mosesi, wakakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chazvokwadi, chinobva kudenga.
33. Nokuti chingwa chaMwari ndiye unoburuka achibva kudenga, unopa nyika vupenyu.
34. Zvino vakati kwaari: Ishe, tipei chingwa ichi misi yose.
35. Jesu akati kwavari: Ndini chingwa chovupenyu; unovuya kwandiri, haangatongovi nenzara, nounotenda kwandiri haangatongovi nenyota.
36. Asi ndakakuvudzai, kuti makandivona, asi hamutendi.
37. Zvose Baba zvavanondipa zvichavuya kwandiri; nounovuya kwandiri, handingatongomurashiri kunze.
38. Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu, asi kuda kwowakandituma.
39. Uku ndiko kuda kwababa vakandituma kuti, pazvose zvaakandipa, ndisarasikirwa nechinhu, asi kuti ndichimutse nezuva rokupedzisira.
40. Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, unotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari, ave novupenyu bwusingaperi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
41. Zvino vaJudha vakan’un’una pamusoro pake, nokuti wakati: Ndini chingwa chakaburuka kudenga.
42. Vakati: Uyu haazi Jesu, Mwanakomana waJosefa, watinoziva baba namai vake here? Zvino ungagoti seiko: Ndakaburuka kudenga.
43. Jesu akapindura, akati kwavari: Musan’un’una pakati penyu.
44. Hakuno munhu ungavuya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
45. Muvaporofita makanyorwa, muchinzi: Vachadzidziswa vose naMwari. Mumwe nomumwe wakazvinzwa kunaBaba, akadzidza, unovuya kwandiri.
46. Handirevi kuti kuno munhu wakavona Baba; asi uyo uri waMwari, ndiye wakavona Baba.
47. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda, kwandiri unovupenyu bwusingaperi.
48. Ndini chingwa chovupenyu.
49. Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa.
50. ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa.
51. Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi; uchararama nokusingaperi; chingwa chandichapa, inyama yangu, bwuve vupenyu bwenyika.
52. Zvino vaJudha vakakakavadzana pakati pavo, vachiti: Munhu uyu ungatipa seiko nyama yake, tidye?
53. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kana musingadyi nyama yoMwanakomana womunhu, nokumwa ropa rake, hamunovupenyu mamuri.
54. Aninani unodya nyama yangu, nounomwa ropa rangu, unovupenyu bwusingaperi; ini ndichamumutsa nezuva rokupedzisira.
55. Nokuti nyama yangu izvokudya chaizvo, neropa rangu zvokumwa chaizvo.
56. Unodya nyama yangu, nounomwa ropa rangu, unogara mandiri, neni maari.
57. Baba vapenyu, sezvavakandituma, neni ndichararama naBaba; saizvozvo unondidya, uchararama neni.
58. Ichi chingwa chakaburuka kudenga; hazvina kuita samadzibaba akadya mana akafa; unodya chingwa ichi uchararama nokusingaperi.
59. Wakareva zvinhu izvi musinagoge, achidzidzisa paKapernaume.
60. Zvino vazhinji vavadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakati: Iri shoko igukutu; ndianiko ungarinzwa?
61. Asi Jesu, zvaakanga achiziva mumoyo make kuti vadzidzi vake vanon’un’una neshoko irero, akati kwavari: Iri shoko rinokugumbusai kanhi?
62. Muchagodiniko kana muchivona Mwanakomana womunhu achikwira kwaaiva pakutanga?
63. Mweya ndiye unoraramisa, nyama hainamaturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mweya novupenyu.
64. Asi vamwe venyu variko vasingatendi, nokuti Jesu wakanga achiziva kubva pakutanga, kuti vaisatenda ndivanani, vuye kuti ndiani waizomupandukira,
65. Akati: Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakuno munhu ungavuya kwandiri, kana asina kuzvipiwa naBaba.
66. Kubva panguva iyo vadzidzi vake vazhinji vakadzokera shure, vakasazofamba naye,
67. Jesu akati kuna vanegumi navaviri: Nemi muchaendawo here?
68. Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, tichagoenda kunaniko? Ndimi muna mashoko ovupenyu bwusingaperi,
69. Isu takatenda vuye tine chokwadi kuti ndimwi uya Kristu Mwanakomana waMwari mupenyu.
70. Jesu akapindura akati: handina kukusanangurai, imi vanegumi navaviri here? asi mumwe wenyu ndowa Dhiabhurosi.
71. Wakareva Judhasi, Isikarioti, mwanakomana waSimoni, nokuti iye ndiye waizomupandukira, ari mumwe wavanegumi navaviri.

  John (6/21)