John (5/21)  

1. Shure kwaizvozvo, mutambo wavaJudha waivapo; Jesu akakwira Jerusarema.
2. Zvino paJerusarema pedo nesuvo ramakwai kwaiva nedziva rainzi Betsaida nechiHebheru, raiva namabiravira mashanu.
3. Mukati mawo makanga muvete vazhinji vairwara namapofu, nezvirema, navakawonyana, [vakamirira kubvongodzwa kwemvura.
4. Nokuti mutumwa waiburukira mudziva iro neimwe nguva, achibvongodza mvura; zvino uyo waitanga kupinda mumvura yabvongodzwa waiporeswa, kunyange akanga akabatwa nokurwara kupi nokupi.
5. Zvino kwaivapo mumwe munhu, wakanga abatwa nokurwara kwake makore makumi matatu namasere.
6. Jesu wakati avona munhu uyo avete pasi, zvaaiziva kuti wakanga akadaro nguva huru, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?
7. Murwere akamupindura, akati: Ishe, ndinoshaiwa munhu unondiwisira mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi ndinoti kana ndoenda. Mumwe wonditangira kupinda.
8. Jesu akati kwaari: Simuka, tora nhovo dzako, ufambe.
9. Pakarepo munhu uyo akaporeswa. Akatora nhovo dzake,. akafamba Musi uyo waiva wesabata.
10. Zvino vaJudha vakati kuno wakaporeswa: Isabata, hautenderwi kutakura nhovo dzako.
11. Iye akapindura, akati: Uyo wandiporesa ndiye wakati kwandiri: Tora nhovo dzako, ufambe?
12. Vakamubvunza, vachiti: Ndianiko munhu uyo wakati kwaari: Tora nhovo dzako, ufambe?
13. Zvino wakanga aporeswa, haana kuziva kuti ndiani; nokuti Jesu wakanga abva, zvakwaiva navanhu vazhinji panzvimbo iyo.
14. Shure kwaizvozvo Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira, waporeswa; usatadza zve, kuti urege kubatwa nechinhu chakaipa chinokunda chichi.
15. Zvino munhu uyo akandovudza vaJudha, kuti ndiJesu wakamuporesa.
16. Saka vaJudha vakatambudza Jesu vakatsvaka kumuvuraya nokuti wakazviita izvozvo nesabata.
17. Asi Jesu wakapindura, akati: Baba vangu vanobata kusvikira zvino, neni ndinobata vo.
18. Saka zvino vaJudha vakatsvaka zvikuru kumuvuraya, nokuti wakanga asingaputsi murairo wesabata bedzi, asi wakati vo Mwari ndiBaba vake, achizvienzanisa naMwari.
19. Zvino Jesu akapindura, akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana hagoni kuita chinhu oga, kana asingavoni Baba vachichita; nokuti zvose zvavanoita ivo, Mwanakomana unozviita saizvozvo vo.
20. Nokuti Baba vanoda Mwanakomana, vanomuratidza zvose zvavanoita vamene; vachamuratidza mabasa makuru kunawawa, kuti mushamiswe.
21. Nokuti Baba sezvavanomutsa vakafa, vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana unoraramisa vo vaanoda kuraramisa.
22. Nokuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kwose,
23. kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi naBaba, vakamutuma.
24. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko rangu, nokutenda wakandituma, unovupenyu bwusingaperi; haavuyi mukutongwa, asi wabva murufu.waenda, muvupenyu.
25. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Nguva inovuya, nazvino yatovapo, nayo vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari; vanonzwa vachararama.
26. Nokuti baba sezvavanovupenyu mavari, saizvozvo vo vakapa Mwanakomana, kuti ave novupenyu maari.
27. Vakamupa simba rokutonga, zvaari Mwanakomana womunhu.
28. Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inovuya, nayo vose vari mumabwiro vachanzwa inzwi rake,
29. vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwovupenyu avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokurashiwa.
30. Handigoni kuita chinhu ndoga; ndinotonga sezvandinonzwa; kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuda kwangu, asi kuda kwaBaba vakandituma.
31. Kana ndichizvipupurira, kupupura kwangu hakuzi kwazvokwadi.
32. Mumwe uripo unondipupurira; ndinoziva kuti kupupura kwake kwaanondipupurira ndokwe zvokwadi
33. Makatuma kunaJohane, iye akapupura zvokwadi.
34. Ini handigamuchiri kupupura kunobva kumunhu, asi ndinoreva izvozvo kuti muponeswe.
35. Iye wakanga ari mwenje unopfuta nounovheneka;imi makanga muchida kufara nguva duku muchiedza chake.
36. Ini ndinechapupu chikuru kunaJohane; nokuti mabasa andakapiwa naBaba; kuti ndiapedze, iwo mabasa andinoti, ndiwo anondipupurira kuti Baba vakandituma.
37. Naivo Baba, vakandituma, ndivo vakandipupurira vo. Hamuna kutongonzwa inzwi ravo, kana kuvona mufananidzo wavo.
38. Shoko ravo harigari mukati menyu, nokuti hamutendi wavakatuma.
39. Munonzvera Magwaro, nokuti munoti vupenyu bwusingaperi munabwo maari; ndiwo anondipupurira ini.
40. Asi hamudi kuvuya kwandiri, kuti muve novupenyu.
41. Handigamuchiri kukudzwa kunobva kuvanhu; asi ndinokuzivai, kuti hamunorudo rwaMwari mukati menyu.
42. asindinokuzivai, kuti hamunorudzo rwaMwari mukati menyu.
43. Ndakavuya nezita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana mumwe akasvika nezita rake amene, muchamugamuchira iye.
44. Mungatenda seiko imi, iyemi munogamuchira kukudzwa mumwe kunomumwe, asi kukudzwa kunobva kunaMwari, oga, hamukutsvaki?
45. Musati ndichakupomerai mhosva kunaBaba; mumwe uri’ko unokupomerai mhosva, ndiye Mosesi, wamakavimba naye.
46. Nokuti dai maitenda Mosesi, mungadai mainditenda ini, nokuti iye wakanyora zvangu.
47. Asi kana musingatendi manyoro ake, mungatenda seiko mashoko angu?

  John (5/21)