John (4/21)  

1. Zvino Ishe wakati aziva kuti vaFarise vakanga vanzwa kuti Jesu wakaita nokubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuvura Johane,
2. (kunyange Jesu wakanga asingabhabhatidzi amene, asi vadzidzi vake),
3. akabva Judhea, akaenda zveGarirea.
4. Wakanga achifanira kupfuvura neSamaria.
5. Zvino akasvika paguta reSamaria, rainzi Sikari, pedo nenyika yakanga yapa Jakobho mwanakomana wake Josefa.
6. Tsime raJakobho rakanga riripo. Zvino Jesu aneta nokufamba, ndokungogara zvake patsime. Yaiva nguva inenge yechitanhatu.
7. Zvino mumwe mukadzi weSamaria akasvikapo kuzochera mvura. Jesu akati kwaari: Ndipeivo, ndimwe.
8. Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kundotenga zvokudya.
9. Ipapo mukadzi muSamaria akati kwaari: Ko iwe muJudha, unokumbira seiko kwandiri kumwa, ini mukadzi muSamaria? (Nokuti vaJudha havafambidzani navaSamaria).
10. Jesu akapindura, akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, vuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei vo ndimwe, ungadai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.
11. Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chamungachera nacho, tsime rakadzika, zvino mvura mhenyu mungaiwanepiko?
12. Ko muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime iri, vakamwa pariri vamene navanakomana vavo nezvipfuwo zvavo here?
13. Jesu akapindura, akati kwaari: Mumwe nomumwe, unomwa mvura iyi, uchava nenyota zve.
14. Asi aninani, unomwa mvura yandichamupa ini, haachazovi nenyota nokusingaperi asi mvura, yandichamupa, ichava mukati make tsime remvura, inovhaira kusvika kuvupenyu bwusingaperi.
15. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuzova nenyota, kana kuvuya kuchera pano.
16. Jesu akati kwaari: Enda, undodana murume wako, ugovuya pano.
17. Mukadzi akapindura, akati kwaari: Handino murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka, zvawati: Handino murume.
18. Nokuti watova navarume vashanu; uyo, waunaye zvino, haazi murume wako; apo wareva zvokwadi.
19. Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinovona kuti muri muporofita.
20. Madzibaba edu ainamata pagomo iri; imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatwa.
21. Jesu akati kwaari: Mai, nditende kuti nguva inovuya, yamusingazonamati Baba pagomo iri, kana paJerusarema.
22. Imi munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.
23. Asi nguva inovuya, nazvino yatovapo, yokuti vashumiri vazvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.
24. Mwari ndiMweya; vanomunamata, vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.
25. Zvino mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi unovuya, unonzi Kristu; kana iye asvika, uchativudza zvose.
26. Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura newe, ndini iye.
27. Zvino vadzidzi vake vakasvika, vakashamiswa vachivona kuti unotaurirana nomukadzi; kunyange zvakadaro hakuno mumwe wakati: Munotsvakeiko? Kana: Munotaurireiko naye?
28. Ipapo mukadzi akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akati kuvanhu:
29. Vuyai muvone munhu, wakandivudza zvose zvandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?
30. Vakabuda muguta, vakaenda kwaari.
31. Nenguva iyo vadzidzi vake vakafanomunyengetera, vachiti: Rabhi, chidyai.
32. Iye akati kwavari: Ini ndine zvokudya, zvandinodya, zvamusingazivi,
33. Zvino vadzidzi vakataurirana, vachiti: Kasi mumwe wamuvigira zvokudya kanhi?
34. Jesu akati kwavari: Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma, nokupedza basa rake.
35. Ko imi hamuti: Kwasara mwedzi mina, kucheka kwasvika? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, vonai minda, kuti yatoibvira kucheka.
36. Unocheka unopiwa mubairo, unovunganidza zvibereko muvupenyu bwusingaperi; kuti unokusha nounocheka vafare vose.
37. Nokuti shumo ndeya zvokwadi, inoti: Mumwe unokusha, mumwe achicheka.
38. Ndakakutumai kundocheka zvamusakabatira; vamwe vakabata, zvino imi mapinda pabasa ravo
39. Zvino vaSamaria vazhinji veguta iro vakatenda kwaari neshoko romukadzi wakapupura, achiti: Wandivudza zvose zvandakaita.
40. Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetera kuti agare navo; akagarapo mazuva maviri.
41. Navamwe vazhinji vakatenda neshoko rake.
42. Vakati kumukadzi: Hatichatendi nokureva kwako; tazvinzwira timene, tinoziva kuti uyu ndiye Kristu Muponesi wenyika zvirokwazvo.
43. Mazuva maviri akati apfuvura, akabvapo akaenda Garirea.
44. Nokuti Jesu amene wakapupura, kuti muporofita haakudzwi munyika yake.
45. Zvino wakati achisvika Garirea, vaGarirea vakamugamuchira, nokuti vakanga vavona zvose zvaakaita Jerusarema pamutambo, nokuti naivo vakanga vaenda vo kumutambo.
46. Zvino Jesu wakasvika zve paKana yeGarirea, paakanga ashandura mvura ikaita waini. Ipapo pakanga pano mumwe mutariri washe, mwanakomana wake wakanga achirwara paKapernaume.
47. Iye wakati achinzwa kuti Jesu wabva Judhea, wasvika Garirea, akaenda kwaari, akamunyengetera kuti aburuke kundoporesa mwanakomana wake; nokuti wakanga wotandadza.
48. Zvino Jesu akati kwaari: Kana musingavoni zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.
49. Mutariri washe akati kwaari: Ishe, burukai henyu, mwana wangu asati afa.
50. Jesu akati kwaari: Enda hako, mwanakomana wako mupenyu. Munhu uyu akatenda shoko rakarebwa naJesu kwaari, akaenda.
51. Wakati vachaburuka, varanda vake vakasongana naye, vakati: Mwana wenyu mupenyu.
52. Zvino akavabvunza nguva yaakatanga kunaya nayo. Vakati kwaari: Zuro nenguva yechinomwe fivhiri yakabva kwaari.
53. Zvino baba vakaziva kuti ndiyo nguva Jesu yaakati kwaari: Mwanakomana wako mupenyu. Iye akatenda nemhuri yake yose.
54. Ichi ndicho chiratidzo chechipiri chakaitwa naJesu, abva Judhea, asvika Garirea.

  John (4/21)