| ← John (3/21) → |
| 1. | Kwaivapo mumwe wavaFarise, wainzi Nikodimo, mukuru wavaJudha. |
| 2. | Iye akavuya kwaari vusiku, akati kwaari: Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMwari; nokuti hakuna munhu unogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asinaye. |
| 3. | Jesu akapindura, akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi kutsva haangavoni vushe bwaMwari. |
| 4. | Nikodimo akati kwaari: Munhu ungagoberekwa seiko ava mukuru? Ungapinda zve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here? |
| 5. | Jesu akapindura, akati: Zvirokwazvo zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muvushe bwaMwari. |
| 6. | Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya. |
| 7. | Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuberekwa kutsva? |
| 8. | Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe wakaberekwa noMweya wakadaro. |
| 9. | Nikodimo akapindura, akati kwaari; Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko? |
| 10. | Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri haunzwisisi zvinhu izvozvi here? |
| 11. | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva tinopupura zvatakavona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu. |
| 12. | Kana ndakakuvudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuvudzai zvinhu zvokudenga? |
| 13. | Hakuno munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu. |
| 14. | Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa vo, |
| 15. | kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara ave novupenyu bwusingaperi. |
| 16. | Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave novupenyu bwusingaperi. |
| 17. | Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti arashe nyika, asi kuti nyika iponeswe naye. |
| 18. | Unotenda kwaari, haatongwi; asi usingatendi kwaari, watotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari wakaberekwa mumwe woga. |
| 19. | Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuvura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa. |
| 20. | Nokuti mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena. |
| 21. | Asi unoita zvokwadi, unovuya pachiedza, kuti mabasa ake avonekwe, kuti akaitwa munaMwari |
| 22. | Shure kwaizvozvo Jesu wakasvika munyika yeJudhea, navadzidzi vake, akagara’ko navo achibhabhatidza. |
| 23. | NaJohane wakanga achibhabhatidza vo paAinoni, pedo neSarimi, nokuti kwaiva nemvura zhinji ipapo; vakavuya, vakabhabhatidzwa. |
| 24. | Nokuti Johane wakanga achigere kuiswa mutirongo. |
| 25. | Zvino nharo dzikamuka pamusoro pokuzvinatsa pakati pavadzidzi vaJohane nomumwe muJudha. |
| 26. | Vakavuya kuna Johane, vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye unobhabhatidza, vuye vose vanovuya kwaari. |
| 27. | Johane akapindura, akati: Munhu haangagamuchiri chinhu, kana asina kuchipiwa chichibva kudenga. |
| 28. | Imi mumene mungandipupurira, kuti ndakati: Handizi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake. |
| 29. | Unomwenga ndichochikomba; asi shamwari yechikomba inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nenzwi rechikomba. Naizvozvo kufara kwangu uku kwazadzika. |
| 30. | Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa. |
| 31. | Unobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; nounobva panyika ndowenyika, unotaura zvenyika; unobva kudenga ndiye uri pamusoro pavose. |
| 32. | Zvaakavona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakunomunhu unogamuchira kupupura kwake. |
| 33. | Uyo wakagamuchira kupupura kwake, wakasimbisa kuti Mwari ndowa zvokwadi. |
| 34. | Nokuti wakatumwa naMwari, ndiye unotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya achiyera. |
| 35. | Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruvoko rwake. |
| 36. | Unotenda kuMwanakomana, unovupenyu bwusingaperi; asi usingatereri Mwanakomana, haangavoni vupenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake. |
| ← John (3/21) → |