John (3/21)  

1. Kwaivapo mumwe wavaFarise, wainzi Nikodimo, mukuru wavaJudha.
2. Iye akavuya kwaari vusiku, akati kwaari: Rabhi, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMwari; nokuti hakuna munhu unogona kuita zviratidzo izvozvo zvamunoita, kana Mwari asinaye.
3. Jesu akapindura, akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi kutsva haangavoni vushe bwaMwari.
4. Nikodimo akati kwaari: Munhu ungagoberekwa seiko ava mukuru? Ungapinda zve mudumbu ramai vake rwechipiri, akaberekwa here?
5. Jesu akapindura, akati: Zvirokwazvo zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asingaberekwi nemvura noMweya, haangagoni kupinda muvushe bwaMwari.
6. Chakaberekwa nenyama inyama, chakaberekwa noMweya, mweya.
7. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuberekwa kutsva?
8. Mhepo inovhuvhuta painoda napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva napainoenda; mumwe nomumwe wakaberekwa noMweya wakadaro.
9. Nikodimo akapindura, akati kwaari; Zvinhu izvi zvingagoitwa seiko?
10. Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi wavaIsraeri haunzwisisi zvinhu izvozvi here?
11. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva tinopupura zvatakavona; asi imi hamugamuchiri kupupura kwedu.
12. Kana ndakakuvudzai zvinhu zvenyika, mukasatenda, mungagotenda seiko, kana ndichikuvudzai zvinhu zvokudenga?
13. Hakuno munhu wakakwira kudenga, asi iye wakaburuka kudenga, iye Mwanakomana womunhu.
14. Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa vo,
15. kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara ave novupenyu bwusingaperi.
16. Nokuti Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kuparara, asi ave novupenyu bwusingaperi.
17. Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti arashe nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.
18. Unotenda kwaari, haatongwi; asi usingatendi kwaari, watotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari wakaberekwa mumwe woga.
19. Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuvura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.
20. Nokuti mumwe nomumwe, unoita zvakaipa, unovenga chiedza, haavuyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.
21. Asi unoita zvokwadi, unovuya pachiedza, kuti mabasa ake avonekwe, kuti akaitwa munaMwari
22. Shure kwaizvozvo Jesu wakasvika munyika yeJudhea, navadzidzi vake, akagara’ko navo achibhabhatidza.
23. NaJohane wakanga achibhabhatidza vo paAinoni, pedo neSarimi, nokuti kwaiva nemvura zhinji ipapo; vakavuya, vakabhabhatidzwa.
24. Nokuti Johane wakanga achigere kuiswa mutirongo.
25. Zvino nharo dzikamuka pamusoro pokuzvinatsa pakati pavadzidzi vaJohane nomumwe muJudha.
26. Vakavuya kuna Johane, vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemi mhiri kwaJorodhani, wamaimbopupurira, tarirai, iye unobhabhatidza, vuye vose vanovuya kwaari.
27. Johane akapindura, akati: Munhu haangagamuchiri chinhu, kana asina kuchipiwa chichibva kudenga.
28. Imi mumene mungandipupurira, kuti ndakati: Handizi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa pamberi pake.
29. Unomwenga ndichochikomba; asi shamwari yechikomba inomira ichimunzwa, inofara zvikuru nenzwi rechikomba. Naizvozvo kufara kwangu uku kwazadzika.
30. Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.
31. Unobva kumusoro ndiye uri pamusoro pavose; nounobva panyika ndowenyika, unotaura zvenyika; unobva kudenga ndiye uri pamusoro pavose.
32. Zvaakavona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakunomunhu unogamuchira kupupura kwake.
33. Uyo wakagamuchira kupupura kwake, wakasimbisa kuti Mwari ndowa zvokwadi.
34. Nokuti wakatumwa naMwari, ndiye unotaura mashoko aMwari; nokuti haapi Mweya achiyera.
35. Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruvoko rwake.
36. Unotenda kuMwanakomana, unovupenyu bwusingaperi; asi usingatereri Mwanakomana, haangavoni vupenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.

  John (3/21)