John (21/21)    

1. Shure kwaizvozvo Jesu wakazviratidza zve kuvadzidzi vake pagungwa reTiberiasi; akazviratidza kudai:
2. VanaSimoni Petro, naTomasi, wainzi Didimo, naNatanieri, weKana yeGarirea, navanakomana vaZebhedhi, navamwe vaviri vavadzidzi vake, vakanga vari pamwe chete.
3. Simoni Petro akati kwavari: Ndondobata hove. Vakati kwaari: Nesu tinoenda vo newe. Vakabuda, vakapinda mugwa; pakarepo asi vusiku ubwo havana-kubata chinhu.
4. Zvino kwakati kwoedza, Jesu akamira pamhenderekedzo, asi vadzidzi vakanga vasingazivi kuti ndiJesu.
5. Zvino Jesu akati kwavari: Vana, munechisevo here? Vakamupindura, vachiti: Kwete.
6. Akati kwavari: Kandai rutava kurutivi rworudyi rwegwa mugowana. Ipapo vakakanda vakasagona zvino kurukweva nokuwanda kwehove.
7. Zvino mudzidzi uya, waidikanwa naJesu, akati kunaPetro NdiShe. Ipapo Simoni Petro wakati achinzwa kuti ndiShe, akasunga nguvo yake, nokuti wakanga asina, akazviwisira mugungwa.
8. Asi vamwe vadzidzi vakavuya nekagwa, vachikweva rutava runehove, nokuti vakanga vasi kure nenyika asi makubiti anenge mazana maviri.*
9. Zvino vakati vasvika panyika, vakavona moto wamazimbe waveswa, nehove yakaiswa pamusoro pawo, nechingwa.
10. Jesu akati kwavari: Vuyai nedzimwe hove dzamakabata zvino.
11. Simoni akakwira mugwa, akakwevera rutava panyika, rwakanga ruzere nehove huru, zana namakumi mashanu nenhatu; asi kunyange dzaiva zhinji dzikadai, rutava haruna kubvaruka.
12. Jesu akati kwavari: Vuyai musvusvure. Kwakanga kusinomumwe wavadzidzi vake wakatsunga kumubvunza kuti: Ndimi aniko? Vachiziva kuti ndiyeShe.
13. Zvino Jesu akaenda, akatora chingwa akavapa, nehove vo saizvozvo.
14. Urwu rwaiva rwechitatu, Jesu rwaakazviratidza kuvadzidzi vake amuka kuvakafa.
15. Zvino vakati vasvusvura, Jesu akati kunaSimoni Petro: Simoni, mwanakomana waJona, unorudo neni kupfuvura ava here? Akati kwaari: Hongu, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwaiana angu,
16. Akati kwaaari zve rwechipiri:Simoni mwanakomana waJona unorudo neni here? akati kwaari Hongu,, Ishe; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Chengeta makwai angu.
17. Akati kwaari rwechitatu: Simoni, mwanakomana waJona; Unondida here? Petro akarwadziwa moyo, nokuti wakati kwaari rwechitatu: Unondida here? Akati kwaari: Ishe, munoziva zvose; munoziva kuti ndinokudai. Jesu akati kwaari: Fudza makwai angu.
18. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Uchiri jaya, wa izvisunga chivuno, uchifamba kwawaida; asi kana wakwegura, uchatambanudza mavoko ako, mumwe uchakusunga chivuno, achikuisa kwausingadi.
19. Wakareva izvozvo, achifananidzira kufa kwaaizokudza Mwari nako. Zvino wakati areva izvozvo, akati kwaari: Nditevere.
20. Petro akatendevuka, akavona uya mudzidzi, waidikanwa naJesu, achitevera; ndiye vo wakasendamira pachifuva chake pachirayiro, achiti: Ishe, ndianiko uchakupandukirai?
21. Zvino Petro wakati achimuvona, akati kunaJesu: Ishe ko uyu uchaitweiko?
22. Jesu akati kwaari: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo iwe? Unditevere iwe.
23. Zvino shoko iro rakapararira pakati pehama, kuti mudzidzi uyu haangazofi. Asi Jesu haana kureva kwaari, kuti haangazofi, asi kuti: Kana ndikada kuti agare kusvikira ndichivuya, uneiko nazvo iwe?
24. Ndiyoyu mudzidzi unopupura izvozvi, wakazvinyora vo; tinoziva kuti kupupura kwake ndokwazvokwadi.
25. Zvimwe zvizhinji zviri’ko, zvakaitwa vo naJesu; kana zvainyorwa chimwe nechimwe, ndinoti kunyange nenyika yose haingaringani bhuku dzinganyorwa. Amen.

  John (21/21)