| ← John (20/21) → |
| 1. | Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akavona ibwe rabiswa pabwiro. |
| 2. | Akamhanya, kuenda kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi waidikanwa naJesu, akati kwavari: Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuisa. |
| 3. | Zvino Petro akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakaenda kubwiro. |
| 4. | Vakamhanya vose vari vaviri: uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akatanga kusvika pabwiro, |
| 5. | akakotama achidongorera, akavona micheka iri pasi, asi haana-kupinda. |
| 6. | Zvino Simoni Petro akasvika vo. Akapinda mubwiro, akavona micheka iri pasi; |
| 7. | nomucheka muduku, wakanga uri mumusoro wake, usati uri kune imwe micheka, asi wakapetwa uri pamwe woga. |
| 8. | Zvino uya mumwe mudzidzi akapinda vo, iye wakatanga kusvika pabwiro akavona, akatenda. |
| 9. | Nokuti vakanga vachigere kunzwisisisa Rugwaro, runoti unofanira kumuka kuvakafa. |
| 10. | Zvino vadzidzi vakadzokera zve kumusha kwavo. |
| 11. | Asi Maria wakaramba amire kunze kwobwiro, achichema; zvino achachema akakotama, akadongorera mubwiro. |
| 12. | Akavona vatumwa vaviri, vanenguvo chena, vagere, mumwe kumusoro. Mumwe kumakumbo, ipapo pakanga paiswa mutumbu waJesu. |
| 13. | Ivo vakati kwaari: Mai, munochemeiko? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa. |
| 14. | Zvino wakati achireva izozvo, akatendevukira shure, akavona Jesu amire; asi haana-kuziva kuti ndiJesu. |
| 15. | Jesu akati kwaari: Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko? Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndivudzei pamamuisa, ndindomutora. |
| 16. | Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendevuka, akati kwaari nechiHebheru: Rabhoni; ndokuti Mudzidzisi, |
| 17. | Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kunaBaba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari: Ndinokwira kunababa vangu naBaba venyu. KunaMwari wangu naMwari wenyu. |
| 18. | Maria Magdarene akaenda akavudza vadzidzi, achiti: Ndavona Ishe, vuye kuti wakanga avudzwa zvinhu izvi naye. |
| 19. | Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, mikova yapfigwa pavakanga vari pakavungana vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akavuya, akamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri! |
| 20. | Zvino wakati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachivona Ishe, |
| 21. | Jesu akati zve kwavari: Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai vo. |
| 22. | Zvino wakati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene. |
| 23. | Avo, vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa. |
| 24. | Zvino Tomasi, wainzi Didimo, mumwe wavanegumi navaviri, wakanga asipo pavari, pakuvuya kwaJesu. |
| 25. | Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari: Tavona Ishe. Iye akati kwavari: Kana ndikasavona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruvoko rwangu murutivi rwake, handingatongo tendi. |
| 26. | Zvino mazuva masere akati apfuvura zve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akavuya, mikova yapfigwa, akamira pakati pavo, akati Rugare kwamuri! |
| 27. | Ipapo akati kunaTomasi: Vuya pano nomunwe wako, uvone zvanza zvangu; vuya noruvoko rwako, uruise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda. |
| 28. | Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu, naMwari wangu! |
| 29. | Jesu akati kwaari: Tomasi watenda, nokuti wandivona? Vakaropafadzwa vanotenda, kunyange vasina-kuvona. |
| 30. | Zvino Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi; |
| 31. | asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari; vuye kuti, muchitenda, muve novupenyu muzita rake. |
| ← John (20/21) → |