John (20/21)  

1. Zvino nomusi wokutanga wevhiki Maria Magadarene wakaenda kubwiro mangwanani kuchakasviba; akavona ibwe rabiswa pabwiro.
2. Akamhanya, kuenda kuna Simoni Petro nokuno mumwe mudzidzi waidikanwa naJesu, akati kwavari: Vabvisa Ishe mubwiro, hatizivi pavakamuisa.
3. Zvino Petro akabuda nouya mumwe mudzidzi, vakaenda kubwiro.
4. Vakamhanya vose vari vaviri: uya mumwe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akatanga kusvika pabwiro,
5. akakotama achidongorera, akavona micheka iri pasi, asi haana-kupinda.
6. Zvino Simoni Petro akasvika vo. Akapinda mubwiro, akavona micheka iri pasi;
7. nomucheka muduku, wakanga uri mumusoro wake, usati uri kune imwe micheka, asi wakapetwa uri pamwe woga.
8. Zvino uya mumwe mudzidzi akapinda vo, iye wakatanga kusvika pabwiro akavona, akatenda.
9. Nokuti vakanga vachigere kunzwisisisa Rugwaro, runoti unofanira kumuka kuvakafa.
10. Zvino vadzidzi vakadzokera zve kumusha kwavo.
11. Asi Maria wakaramba amire kunze kwobwiro, achichema; zvino achachema akakotama, akadongorera mubwiro.
12. Akavona vatumwa vaviri, vanenguvo chena, vagere, mumwe kumusoro. Mumwe kumakumbo, ipapo pakanga paiswa mutumbu waJesu.
13. Ivo vakati kwaari: Mai, munochemeiko? Akati kwavari: Nokuti vakabvisa Ishe wangu, zvino handizivi kwavakamuisa.
14. Zvino wakati achireva izozvo, akatendevukira shure, akavona Jesu amire; asi haana-kuziva kuti ndiJesu.
15. Jesu akati kwaari: Mai, munochemeiko? Munotsvaka aniko? Iye achiti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndivudzei pamamuisa, ndindomutora.
16. Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendevuka, akati kwaari nechiHebheru: Rabhoni; ndokuti Mudzidzisi,
17. Jesu akati kwaari: Usandibata, nokuti ndichigere kukwira kunaBaba vangu; asi enda kuhama dzangu, uti kwavari: Ndinokwira kunababa vangu naBaba venyu. KunaMwari wangu naMwari wenyu.
18. Maria Magdarene akaenda akavudza vadzidzi, achiti: Ndavona Ishe, vuye kuti wakanga avudzwa zvinhu izvi naye.
19. Zvino ava madeko pazuva iro rokutanga revhiki, mikova yapfigwa pavakanga vari pakavungana vadzidzi nokutya vaJudha, Jesu akavuya, akamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri!
20. Zvino wakati areva izvozvo, akavaratidza zvanza zvake norutivi rwake. Vadzidzi vakafara vachivona Ishe,
21. Jesu akati zve kwavari: Rugare kwamuri! Baba sezvavakandituma, neni ndinokutumai vo.
22. Zvino wakati areva izvozvo, akafemera kwavari, akati kwavari: Gamuchirai Mweya Mutsvene.
23. Avo, vamunokanganwira zvivi zvavo, vazvikanganwirwa; avo vamunobata zvivi zvavo, zvabatwa.
24. Zvino Tomasi, wainzi Didimo, mumwe wavanegumi navaviri, wakanga asipo pavari, pakuvuya kwaJesu.
25. Zvino vamwe vadzidzi vakati kwaari: Tavona Ishe. Iye akati kwavari: Kana ndikasavona mavanga embambo muzvanza zvake, nokuisa munwe wangu paiva nembambo, nokuisa ruvoko rwangu murutivi rwake, handingatongo tendi.
26. Zvino mazuva masere akati apfuvura zve, vadzidzi vakanga varimo mukati, naTomasi anavo. Jesu akavuya, mikova yapfigwa, akamira pakati pavo, akati Rugare kwamuri!
27. Ipapo akati kunaTomasi: Vuya pano nomunwe wako, uvone zvanza zvangu; vuya noruvoko rwako, uruise murutivi rwangu, usava usingatendi, asi unotenda.
28. Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe wangu, naMwari wangu!
29. Jesu akati kwaari: Tomasi watenda, nokuti wandivona? Vakaropafadzwa vanotenda, kunyange vasina-kuvona.
30. Zvino Jesu wakaita zvimwe zviratidzo zvizhinji pamberi pavadzidzi vake, zvisina kunyorwa mubhuku iyi;
31. asi izvi zvakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari; vuye kuti, muchitenda, muve novupenyu muzita rake.

  John (20/21)