| ← John (2/21) → |
| 1. | Nezuva retatu mutambo wokuwana waivapo paKana yeGarirea; namai vaJesu vakanga varipo. |
| 2. | NaJesu navadzidzi vake vakanga vadamwa vo kumutambo wokuwana. |
| 3. | Waini yakati ichizoshaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havachine waini. |
| 4. | Jesu akati kwavari: Ndineiko nemi, mai? Nguva yangu ichigere kusvika. |
| 5. | Mai vake vakati kuvaranda: Itai zvose zvaanokuvudzai. |
| 6. | Zvino kwakanga kunamakate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu* |
| 7. | Jesu akati kwavari: Zadzai makate nemvura. Ivo vakazadza kusvikira pamiromo. |
| 8. | Akati kwavari: Cherai zvino muise kumukuru womutambo. Vakandoisa. |
| 9. | Zvino mukuru womutambo wakati aravira mvura yakashanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womutambo akadana chikomba, |
| 10. | akati kwaari: Munhu mumwe nomumwe unositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vamwa kwazvo, asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino. |
| 11. | Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu wakaita paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari. |
| 12. | Shure kwaizvozvo wakaburukira Kapernaume, iye namai vake navanun’una, navadzidzi vake; akagarapo mazuva mashomanene. |
| 13. | Paseka yavaJudha yakanga yava pedo; zvino Jesu akakwira Jerusarema. |
| 14. | Akawana mutembere vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo. |
| 15. | Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutembere makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo. |
| 16. | Akati kuna vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera. |
| 17. | Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kuchandipedza. |
| 18. | Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo? |
| 19. | Jesu akapindura, akati kwaari: Putsai tembere iyi, ini ndichaimutsa zve namazuva matatu. |
| 20. | Zvino vaJudha vakati: Tembere iyi yakavakwa namakore anamakumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here? |
| 21. | Asi iye wakanga achireva tembere yomuviri wake. |
| 22. | Zvino wakati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakatenda, kuti wakanga areva izvozvo; vakatenda Magwaro neshoko rakangararebwa naJesu. |
| 23. | Zvino nguva yaakanga ari Jerusarema pamutambo wepaseka, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachivona zviratidzo zvaaiita. |
| 24. | Asi Jesu haana kuzviisa mumavoko avo, nokuti wakanga achivaziva vanhu vose. |
| 25. | Wakanga asingatsvaki kuti munhu mumwe apupure zvomunhu; nokuti wakanga achiziva iye zviri mumunhu. |
| ← John (2/21) → |