John (2/21)  

1. Nezuva retatu mutambo wokuwana waivapo paKana yeGarirea; namai vaJesu vakanga varipo.
2. NaJesu navadzidzi vake vakanga vadamwa vo kumutambo wokuwana.
3. Waini yakati ichizoshaikwa, mai vaJesu vakati kwaari: Havachine waini.
4. Jesu akati kwavari: Ndineiko nemi, mai? Nguva yangu ichigere kusvika.
5. Mai vake vakati kuvaranda: Itai zvose zvaanokuvudzai.
6. Zvino kwakanga kunamakate matanhatu amabwe, akanga aiswapo netsika yavaJudha yokuzvinatsa, rimwe nerimwe raizadzwa nezviyero zviviri kana zvitatu*
7. Jesu akati kwavari: Zadzai makate nemvura. Ivo vakazadza kusvikira pamiromo.
8. Akati kwavari: Cherai zvino muise kumukuru womutambo. Vakandoisa.
9. Zvino mukuru womutambo wakati aravira mvura yakashanduka waini, asingazivi payabva, (asi varanda, vakanga vachera mvura, vaiziva), mukuru womutambo akadana chikomba,
10. akati kwaari: Munhu mumwe nomumwe unositanga abudisa waini yakanaka, neisinganaki kana vamwa kwazvo, asi iwe wachengeta waini yakanaka kusvikira zvino.
11. Ichi chiratidzo chake chokutanga Jesu wakaita paKana yeGarirea, akaratidza kubwinya kwake; vadzidzi vake vakatenda kwaari.
12. Shure kwaizvozvo wakaburukira Kapernaume, iye namai vake navanun’una, navadzidzi vake; akagarapo mazuva mashomanene.
13. Paseka yavaJudha yakanga yava pedo; zvino Jesu akakwira Jerusarema.
14. Akawana mutembere vaitengesa mombe namakwai nenjiva, navaitsinhanha mari, vageremo.
15. Akaruka tyava yorwonzi, akabudisa mutembere makwai nemombe zvose; akaparadza mari yavaitsinhanha, nokuwisa matafura avo.
16. Akati kuna vaitengesa njiva: Bvisai zvinhu izvozvo muno; musaita imba yaBaba vangu imba yokutengesera.
17. Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa, kuchinzi: Kushingairira imba yenyu kuchandipedza.
18. Zvino vaJudha vakapindura, vakati kwaari: Ungatiratidza chiratidzo cheiko, zvaunoita zvinhu izvozvo?
19. Jesu akapindura, akati kwaari: Putsai tembere iyi, ini ndichaimutsa zve namazuva matatu.
20. Zvino vaJudha vakati: Tembere iyi yakavakwa namakore anamakumi mana namatanhatu, zvino iwe ungaimutsa namazuva matatu here?
21. Asi iye wakanga achireva tembere yomuviri wake.
22. Zvino wakati amutswa kuvakafa, vadzidzi vake vakatenda, kuti wakanga areva izvozvo; vakatenda Magwaro neshoko rakangararebwa naJesu.
23. Zvino nguva yaakanga ari Jerusarema pamutambo wepaseka, vazhinji vakatenda kuzita rake, vachivona zviratidzo zvaaiita.
24. Asi Jesu haana kuzviisa mumavoko avo, nokuti wakanga achivaziva vanhu vose.
25. Wakanga asingatsvaki kuti munhu mumwe apupure zvomunhu; nokuti wakanga achiziva iye zviri mumunhu.

  John (2/21)