John (19/21)  

1. Zvino Pirato wakatora Jesu, akamurovesa.
2. Varwi vakaruka korona yeminzwa, vakaiisa pamusoro wake, vakamupfekedza nguvo tsvuku.
3. vakavuya kwaari, vachiti: Kwaziwai, Mambo wavaJudha! Vakamurova namavoko.
4. Ipapo Pirato akabuda zve, akati kwavari: Tarirai, ndamubudisira kwamuri, muzive kuti handiwani mhosva kwaari.
5. Jesu akabuda, akadzika korona yeminzwa, anenguvo tsvuku. Pirato akati kwavari: Tarirai munhu!
6. Zvino vaPirisita vakuru navatariri vakati vachimuvona, vakadanidzira, vachiti: Roverai pamuchinjikwa, roverai pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Chimutorai imi, mumuroverei pamuchinjikwa; nokuti ini handiwani mhosva kwaari.
7. VaJudha vakamupindura, vakati: Isu tinomurairo, zvino nomurairo wedu unofanira kufa, nokuti wakazviita Mwanakomana waMwari.
8. Zvino Pirato wakati anzwa shoko iri, akanyanya kutya.
9. Akapinda zve mumba momubati, akati kuna Jesu Uri wepiko? Asi Jesu haana kumupindura.
10. Ipapo Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi su kuti ndinesimba rokukusunungura, nesimba rokukurovera pamuchinjikwa?
11. Jesu akamupindura, akati: haungatongovi nesimba pamusoro pangu, kana usina kuripiwa richibva kumusoro' naizvozvo wakandiisa kwauri, unezvivi zvinokunda zvako.
12. Zvino Pirato akatsvaka kumusunungura; asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura munhu uyu, hamuzi shamwari yaKesari; mumwe nomumwe, unozviita mambo, unoramba Kesari.
13. Zvino Pirato wakati anzwa mashoko iwayo, akabudisa Jesu, akagara pachigaro chokutonga, panzvimbo yainzi Pakarongwa naMambwe, asi nechiHebheru Gabata.
14. Zvino wakanga uri musi woKugadzirira paseka; yaiva nguva inenge yechitanhatu. Akati kuvaJudha: Tarirai Mambo wenyu!
15. Ivo vakadanidzira, vachiti: Bvisai, bvisai, mumurovere pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndorovera Mambo wenyu pamuchinjikwa here? VaPirisita vakuru vakapindura, vachiti: Hatinamambo, asi Kesari chete.
16. Akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino vakaenda naJesu;
17. Akabuda akatakura muchinjikwa wake,akaenda kunzvimbo yainzi, Dehenya, nechiHebheru ichinzi Gorgota.
18. pavakamurovera pamuchinjikwa, navamwe vaviri naye, mumwe kunorumwerutivi, mumwe kunorumwe rutivi, Jesu pakati.
19. Pirato akanyora vo rugwaro, akaruisa pamuchinjikwa; kwakanga kwakanyorwa kuchinzi: Jesu weNazareta, MambowavaJudha.
20. Zvino vaJudha vazhinji vakarava rugwaro urwo; nokuti nzvimbo iyo pakanga pakaroverwa Jesu pamuchinjikwa, yaiva pedo neguta; rwakanyorwa nechiHebheru, nechiLatini, nechiGiriki.
21. Ipapo vaPirisita vakuru vavaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo wavaJudha, asi kuti Iye wakati: Ndiri mambo wavaJudha.
22. Pirato akapindura, akati: Zvandanyora, ndanyora.
23. Zvino varwi vakati varovera Jesu pamuchinjikwa, vakatora nguvo dzake, vakaita migove mina, murwi mumwe nomumwe mugove wake; nenguvo yapasi vo. Zvino nguvo iyi yakanga isina pakasonwa, asi yakanga yakarukwa yose kubva kumsoro kwayo.
24. Zvino vakataurirana, vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamusoro payo, tivone kuti ichava yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo. Vakakanda mijenya pamusoro pechokufuka changu. Ndizvo zvakaitwa navarwi.
25. Zvino pamuchinjikwa waJesu pakanga pamire mai vake, nomunin’ina wamai vake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magadarene.
26. Zvino Jesu wakati achivona mai vake, nomudzidzi waaida, amirepo, akati kunamai vake: Mai, tarirai, mwanakomana wenyu.
27. Ipapo akati kumudzidzi: Tarira mai vako. Kubva panguva iyo mudzidzi akavatora, akavaisa kumba kwake.
28. Shure kwaizvozvo, Jesu wakati achiziva kuti zvose zvapera, kuti Rugwaro ruitike, akati: Ndinenyota.
29. Pakanga pamirepo hari izere nevhinega; zvino vakaisa chipanje chizere nevhinega parutanda rwehisopi, vakaruisa kumuromo wake.
30. Zvino Jesu wakati agamuchira vhinega, akati: Zvapera! Akakotamisa musoro wake, akabudisa Mweya wake.
31. Zvino zvawaiva musi woKugadzirira paseka, vaJudha vakakumbira kunaPirato kuti akumbo avo avhunwe, vabiswe, kuti mitumbu irege kugara pamuchinjikwa nesabata, nokuti zuva iro resabata raiva guru.
32. Naizvozvo varwi vakavuya, vakavhuna makumbo owokutanga, noomumwe wakanga aroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye;
33. asi vakati vachisvika kunaJesu, vachivona kuti watofa hake, havana kuvhuna makumbo ake,
34. asi mumwe murwi wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura zvikabuda.
35. Uyo wakavona, ndiye wakapupura, vuye kupupura kwake ndokwe zvokwadi; iye unoziva kuti unoreva zvirokwazvo, kuti nemi vo mutende.
36. Nokuti izvozvo zvakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti: Fupa rake haringavhunwi.
37. Norumwe Rugwaro zve runoti: Vachatarira uyo wavakabvovora.
38. Shure kwaizvozvo Josefa weArimatia, waiva mudzidzi waJesu, asi pakavanda nokutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akavuya, akabvisa mutumbu waJesu.
39. NaNikodimo vo, iye wakambovuya kuna Jesu vusiku pakutanga, wakavuya anemura nearosi zvakavhenganiswa, mapaundi anenge zana.
40. Ipapo vakatora mutumbu waJesu, vakamuputira nemicheka pamwe chete nezvinonhuwira, sezvinoita vaJudha pakuviga kwavo.
41. Panzvimbo iyo, paakaroverwapamuchinjikwa, pakanga panomunda; mumunda imomo maiva nebwiro bwutsva, makanga musina kumboiswa munhu.
42. Zvino vakaisa Jesuipapo,zvawakanga uri musiwo Kugadzirira kwavaJudha, (nokuti bwiro bwakanga bwuri pedo.)

  John (19/21)