John (18/21)  

1. Jesu wakati areva izvozvo, akabuda navadzidzi vake, akaenda mhiri kworukova runonzi Kedroni, paiva nomunda, akapinda mauri, iye navadzidzi vake.
2. Zvino Judhasi, wakamupandukira, wakanga achiziva vo nzvimbo iyo; nokuti Jesu kazhinji waivunganapo navadzidzi vake.
3. Naizvozvo Judhasi akatora boka ravarwi, navatariri, vaibva kuvaPirisita vakuru navaFarise, akaenda po nemwenje namazhenje, nezvokurwa nazvo.
4. Zvino Jesu, zvaakanga achiziva zvose zvaifanira kumuwira, akabuda, akati kwavari: Munotsvaka aniko?
5. Vakamupindura, vakati: Jesu weNazareta, Jesu akati kwavari: Ndini, naJudhasi, wakamupindura, wakanga amire vo navo.
6. Zvino wakati areva kwavari, achiti: Ndini, vakasudurukira shure, vakawira pasi.
7. Zvino akavabvunza zve, achiti: Munotsvaka aniko? Vakati: Jesu weNazareta.
8. Jesu akapindura, akati: Ndakuvudzai, kuti ndini. Kana muchinditsvaka ini, regai ava vaende;
9. kuti shoko, raakareva, riitike, rokuti: Handina kurashikirwa nomumwe kunaivavo vamakandipa.
10. Zvino Simoni Petro, wakanga anomunondo, akauvhomora, akatema muranda womuPirisita mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Zita romuranda uyo rainzi Markosi.
11. Zvino Jesu akati kunaPetro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe wandakapiwa naBaba, handingaunwi here?
12. Zvino boka ravarwi, nomukuru wechuru chezana, navatariri vavaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,
13. vakatanga kumuisa kunaAnasi; nokuti wakanga ari mukarabwa waKayafasi, waiva muPirisita mukuru gore iro.
14. Zvino Kayafasi ndiye wakanga apa vaJudha zano, kuti zvirinani kuti munhu mumwe afire vanhu.
15. Zvino Simoni Petro wakanga achitevera Jesu, nomumwe mudzidzi vo. Mudzidzi uyu waizikanwa nomuPirisita mukuru, akapinda naJesu muruvazhe rwomuPirisita mukuru.
16. Asi Petro wakanga amire panze pamukova. Zvino uya mumwe mudzidzi, waizikanwa nomuPirisita mukuru,, akabuda, akataura nomurindi womukova, akapinza Petro.
17. Zvino musikana, wairinda mukova, akati kunaPetro: Newe vo uri mumwe wavadzidzi vomunhu uyu here? Akati; Handizi.
18. Zvino varanda navatariri vakanga vamirepo, vambovesa moto wamazimbe, nokuti kwaitonhora; vakadziya moto. NaPetro akamira vo navo achidziya moto.
19. Zvino muPirisita mukuru akabvunza Jesu zvavadzidzi vake, nedzidziso yake.
20. Jesu akamupindura, akati: Ndaitaura pachena kunyika; ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nomutembere, panovungana vaJudha vose; handina kureva chinhu pakavanda.
21. Munondibvunzireiko ini? Bvunzai ava vainzwa zvandaitaura kwavari; tarirai ava vanoziva zvandaireva.
22. Wakati areva izvozvo, mumwe wavatariri wakanga amirepo, akarova Jesu noruvoko, achiti: Unopindura muPirisita mukuru uchidaro nhai?
23. Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura kuti zvakaipa ndezvipi; kana ndareva zvakanaka wagondirovereiko?
24. Zvino Anasi akamutumira akasungwa kunaKayafasi, muPirisita mukuru.
25. Zvino Simoni Petro wakanga amirepo, achidziya moto. Vakati kwaari: Newe vo uri mumwe wavadzidzi vake here? Akaramba, akati; Handizati.
26. Mumwe muranda womuPirisita mukuru, hama yowakanga agurwa nzeve naPetro, akati: Ini handina kukuvona unaye mumunda here?
27. Petro akaramba zve. Pakarepo jongwe rakarira.
28. Zvino vakabva kunaKayafasi, vakaenda naJesu kuimba yomubati; aiva mangwanani. Asi ivo havana kupinda mumba momubati, kuti varege kusvibiswa, kuti vagodya paseka.
29. Ipapo Pirato akabudira kwavari, akati: Munoti, munhu uyu unemhosva yeiko?
30. Vakapindura, vakati kwaari: Dai munhu uyu asaiva mutadzi, tingadai tisina kumuisa kwamuri.
31. Zvino Pirato akati kwavari: Chimutorai imi, mumutonge nomurairo wenyu. VaJudha vakati kwaari: Hatina kutenderwa isu kuti tivuraye munhu;
32. kuti shoko raJesu raakareva riitike, achidudzira kufa kwaaifanira kufa nako.
33. Zvino Pirato akapinda zve mumba momubati, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wavaJudha here??
34. Jesu akapindura, akati: Unozvireva izvi pachako here, kana wazvivudzwa navamwe pamusoro pangu?
35. Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha su? Rudzi rwako navaPirisita vakuru vakakuisa kwandiri; waiteiko?
36. Jesu akapindura, akati: Vushe bwangu habwuzi bwenyika ino; dai vushe bwangu bwaiva bwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kuiswa kuvaJudha; asi zvino vushe bwangu hahwuzi bwapano.
37. Ipapo Pirato akati kwaari: Iwe uri mambo su? Jesu akapindura, akati: Unoreva iwe kuti ndiri mambo. Ndakaberekerwa izvozvo, ndakavuyira izvozvo panyika kuti ndipupure zvokwadi. Mumwe nomumwe wazvokwadi unonzwa inzwi rangu.
38. Pirato akati kwaari: Zvokwadi chinyiko? Akati areva izvozvo, akabudira zve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.
39. Asi imi munetsika kuti ndikusunungurirei mumwe nepaseka; zvino munoda kuti ndikusunungurirei mambo wavaJudha here?
40. Ipapo vakadanidzira vose, vachiti: Munhu uyu kwete, asi Bharabhasi! Zvino Bharabhasi wakanga ari gororo.

  John (18/21)