John (17/21)  

1. Jesu wakataura izvozvi, akatarira kudenga, akati: Baba, nguva yasvika; kudzai Mwanakomana wenyu, kuti Mwanakomana akukudzei imi,
2. sezvamakamupa simba pamusoro penyama yose, kuti vose vamakamupa, avape vupenyu bwusingaperi.
3. Vupenyu bwusingaperi ndibwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.
4. Ndakakukudzai panyika, ndapedza basa ramakandipa kuti ndiriite.
5. Zvino imi baba, mundikudzei pamberi penyu nokukudzwa kwandaiva nako kwamuri, nyika isati yavapo.
6. Ndakaratidza vanhu, vamakandipa panyika, zita renyu. Vakanga vari venyu, makandipa ivo, vakachengeta shoko renyu.
7. Zvino vanoziva kuti zvose-zvose, zvamakandipa, zvinobva kwamuri.
8. Nokuti ndakavapa mashoko amakandipa, vakaagamuchira, vakaziva zvirokwazvo kuti ndakabva kwamuri, vakatenda kuti ndakatumwa nemi.
9. Ndinovanyengeterera ivo; handinyengetereri nyika, asi avo vamakandipa, nokuti ndivo venyu.
10. Zvose zvangu ndezvenyu, nezvenyu ndezvangu; ndakakudzwa mavari.
11. Ini handichiri munyika, asi ivo vari munyika; ini ndinovuya kwamuri Baba vatsvene, muvachengete muzita renyu, vamakandipa, kuti vave vamwe, sesu.
12. Ndichiri navo, ini ndaivachengeta muzita renyu, vamakandipa; ndikavarinda panyika, hapanomumwe wavo wakarashika, asi mwanakomana wokurashwa, kuti Rugwaro ruitike.
13. Asi zvino ndovuya kwamuri; ndinotaura izvi panyika, kuti vave nomufaro wangu, wakazadzika mavari.
14. Ini ndakavapa shoko renyu, nyika ikavavenga, nokuti havazi venyika, seni ndisi wenyika.
15. Handinyengeteri kuti muvabvise panyika, asi kuti muvachengete kuno wakaipa
16. Havazi venyika, seni ndisi wenyika,
17. Muvaite vatsvene muzvokwadi; shoko renyu izvokwadi.
18. Sezvamakandituma panyika imi, saizvozvo neni ndakavatuma panyika.
19. Ndinozviita mutsvene nokuda kwavo, kuti naivo vaitwe vatsvene muzvokwadi.
20. Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vachatenda vo kwandiri neshoko ravo.
21. kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri; kuti naivo vave matiri, kuti nyika itende kuti makandituma.
22. Neni ndakavapa kubwinya kwamakandipa; kuti vave vamwe, nesu tiri vamwe;
23. ini mavari, nemi mandiri, vakwaniswe kuva vamwe; kuti nyika izive kuti makandituma, vuye kuti makavada, sezvamakandida ini.
24. Baba, ndinoda kuti avo vamakandipa, vave vo neni apo pandiri, kuti vavone kubwinya kwangu, kwamakandipa, nokuti makandida nyika isati yavambwa.
25. Baba vakarurama, nyika hainakukuzivai; asi ini ndakakuzivai; naivava vakaziva kuti makandituma.
26. Ndakavazivisa zita renyu, vuye ndicharizivisa, kuti rudo, rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari.

  John (17/21)