John (16/21)  

1. Zvinhu izvi ndakakuvudzai, kuti murege kugumburwa.
2. Vachakubudisai mumasinagoge; asi nguva inosvika, mumwe nomumwe wakakuvurayai, uchati unobatira Mwari basa.
3. Zvinhu izvozvi vachazviita kwamuri,nokuti havana kuziva baba, kana ini.
4. Asi ndakakuvudzai izvi, kuti kana nguva yazvo yasvika, mugozvirangarira, kuti ndakakuvudzai. Handina kukuvudzai izvi kubva pakutanga, nokuti ndaiva nemi.
5. asi zvino ndinoenda kunowakandituma; hakunomumwe wenyu unondibvunza, achiti: Munoendepiko?
6. Asi zvino moyo yenyu yafa neshungu zvandakakuvudzai izvi.
7. Asi ini ndinokuvudzai zvokwadi, kana ndichiti; Zvirinani kwamuri, kuti ndiende, nokuti kana ndisingaendi, Munyaradzi haangavuyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.
8. Iye kana asvika, uchazivisa nyika pamusoro pezvivi, napamusoro pokururama, napamusoro pokutongwa;
9. pamusoro pezvivi, nokuti havatendi kwandiri;
10. pamusoro pokururama, nokuti ndinoenda kunaBaba vangu hamungazondivoni;
11. pamusoro pokutongwa, nokuti muchinda wenyika ino watongwa.
12. Ndine zvizhinji zvandinoda kukuvudzai; asi hamugoni kuzvigamuchira zvino.
13. Asi kana asvika, iye Mweya wazvokwadi, uchakutungamirirai muzvokwadi yose; nokuti haangatauri zvake, asi zvaakanzwa, ndizvo zvaachataura, vuye uchakuparidzirai zvinovuya.
14. Uchandikudza, nokuti uchatora pane zvangu, akakuparidzai izvo.
15. Zvose Baba zvavanazvo, ndezvangu; naizvozvo ndakati: Uchatora pane zvangu, akaratidza kwamuri.
16. Chinguva chiduku chasara, hamuchazondivoni; vuye zve chinguva chiduku, muchandivona nokuti ndinoenda kunaBaba.
17. Zvino vamwe vavadzidzi vake vakataurirana,vachiti: Chinyiko ichi chaanoreva kwatiri, kuti: Chinguva chiduku chasara, hamuchazondivoni; vuye zve, chinguva chiduku, muchandivona, vuye: Nokuti ndinoenda kunaBaba?
18. Naizvozvo vakati: Chinyiko chaanoti: Chasara chinguva chiduku? Hatizivi chaanotaura.
19. Jesu akaziva kuti vanoda kumubvunza, akati kwavari: Munobvunzana here pamusoro pechinhu ichi chandareva, ndichiti: Chasara chinguva chiduku, hamuchazondivoni; vuye zve, chinguva chiduku, muchandivona?
20. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mucharira nokuchema imi, asi nyika ichafara; imi muchanzwa shungu, asi shungu dzenyu dzichashanduka mufaro.
21. Mukadzi kana achipona, unonzwa shungu, nokuti nguva yake yasvika; asi kana apona mwana, haachafungi kutambudzika, nokufara kwake nokuti munhu waponerwa panyika.
22. Nemi zvino muneshungu; asi ndichakuvonai zve, nomoyo yenyu ichafara; hakunomunhu ungakutorerai mufaro wenyu.
23. Nezuva iro hamungazondibvunzi chinhu. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Zvose zvamunenge muchakumbira kunaBaba, vachakupai izvo muzita rangu.
24. Kusvikira zvino hamuna kukumbira chinhu muzita rangu; kumbirai muchapiwa, mufaro wenyu uzadzike.
25. Izvi ndakataura kwamuri nemifananidzo, nguva inovuya yandisingazotauri kwamuri nemifananidzo; asi ndichakuparidzirai pachena zvaBaba;
26. Nezuva iro muchakumbira muzita rangu; handikuvudziyi, kuti ndichakunyengeterera ini kunaBaba;
27. nokuti Baba vamene vanokudai, nokuti makandida ini, mukatenda, kuti ini ndakabva kunaBaba.
28. Ndakabva kunaBaba, ndikavuya panyika; ndinobva zve panyika, ndichienda kunaBaba.
29. Vadzidzi vake vakati: Tarirai, zvino motaura pachena, hamucharevi nemifananidzo.
30. Zvino toziva, kuti munoziva zvose, hamutsvaki kuti munhu akubvunzei; tinotenda naizvozvi kuti makabva kunaMwari.
31. Jesu akavapindura, akati: Motenda zvino here?
32. Tarirai, nguva inovuya, yatosvika, yamuchaparadzirwa, mumwe nomumwe kunezvake, mukandisiya ndiri ndoga; asi handizi ndoga, nokuti Baba vaneni.
33. Ndakareva izvozvi kwamuri, kuti muve norugare mandiri. Panyika munotambudzika; asi tsungai moyo, ini ndakakunda nyika.

  John (16/21)