| ← John (15/21) → |
| 1. | Ndini muzambiringa wazvokwadi, baba vangu ndivo murimi. |
| 2. | Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki zvibereko, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka zvibereko. Vanorinatsa, kuti riwedzere zvibereko. |
| 3. | Imi matonatswa neshoko randakareva kwamuri. |
| 4. | Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka zvibereko roga, kana risingagari mumuzambiringa; saizvozvo nemi vo, kana musingagari mandiri. |
| 5. | Ini ndiri muzambiringa, imi muri matavi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unobereka zvibereko zvakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. |
| 6. | Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokuwoma; vano avunganidza, ndokuakandira mumoto, atsve. |
| 7. | Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, muchakumbira zvamunoda, muchazviitirwa. |
| 8. | Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke zvibereko zvakawanda; vuye muchava vadzidzi vangu. |
| 9. | Baba sezvavakandida, neni ndikakudai; garai murudo rwangu. |
| 10. | Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirairo yaBaba vangu, ndichigara murudo rwavo. |
| 11. | Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike. |
| 12. | Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi. |
| 13. | Hakunomunhu unorudo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake vupenyu bwake. |
| 14. | Imi muri hama dzangu, kana muchiita chipi nechipi chandokurairai. |
| 15. | Handichakuidziyi varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake, asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kunaBaba vangu, ndakakuzivisai izvo. |
| 16. | Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke zvibereko, vuye kuti zvibereko zenyu zvigare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kunaBaba muzita rangu, vakupei icho. |
| 17. | Ndizvozvi zvandinokurairai, kuti mudane. |
| 18. | Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi. |
| 19. | Kana maiva venyika, nyika yaida vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndikakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai. |
| 20. | Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemivo, kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta nerenyu vo. |
| 21. | Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi vakandituma. |
| 22. | Dai ndisina kuvuya, ndikataura navo, vangadai vasinezvivi; asi zvino havanepembedzo yezvivi zvavo. |
| 23. | Unondivenga, unovenga naBaba vangu vo. |
| 24. | Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasinezvivi; asi zvino vakavona, nokundivenga ini naBaba vangu. |
| 25. | Asi zvakaitwa, kuti shoko rakanyorwa pamurairo wavo, riitike, rinoti: Vakandivenga ndisinemhosva. |
| 26. | Kana Munyaradzi avuya, wandichatuma kwamuri, achibva kunaBaba, iye Mweya wazvokwadi, unobuda kunaBaba, uchandipupurira. |
| 27. | Nemwi vo pupurai, nokuti maiva neni kubva pakutanga. |
| ← John (15/21) → |