John (15/21)  

1. Ndini muzambiringa wazvokwadi, baba vangu ndivo murimi.
2. Davi rimwe nerimwe riri mandiri, risingabereki zvibereko, vanoribvisa; rimwe nerimwe, rinobereka zvibereko. Vanorinatsa, kuti riwedzere zvibereko.
3. Imi matonatswa neshoko randakareva kwamuri.
4. Garai mandiri, neni mamuri. Sedavi risingagoni kubereka zvibereko roga, kana risingagari mumuzambiringa; saizvozvo nemi vo, kana musingagari mandiri.
5. Ini ndiri muzambiringa, imi muri matavi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unobereka zvibereko zvakawanda; nokuti kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.
6. Kana munhu asingagari mandiri, unorashwa kunze sedavi, ndokuwoma; vano avunganidza, ndokuakandira mumoto, atsve.
7. Kana muchigara mandiri, namashoko angu achigara mamuri, muchakumbira zvamunoda, muchazviitirwa.
8. Baba vangu vanokudzwa naizvozvi, kuti mubereke zvibereko zvakawanda; vuye muchava vadzidzi vangu.
9. Baba sezvavakandida, neni ndikakudai; garai murudo rwangu.
10. Kana muchichengeta mirairo yangu, muchagara murudo rwangu, seni ndaichengeta mirairo yaBaba vangu, ndichigara murudo rwavo.
11. Zvinhu izvozvi ndakazvitaura kwamuri, kuti mufaro wangu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.
12. Uyu ndiwo murairo wangu, kuti mudane, seni ndakakudai imi.
13. Hakunomunhu unorudo rukuru kunourwu, kuti munhu arashire hama dzake vupenyu bwake.
14. Imi muri hama dzangu, kana muchiita chipi nechipi chandokurairai.
15. Handichakuidziyi varanda; nokuti muranda haazivi zvinoitwa nashe wake, asi ndinokuidzai hama; nokuti zvose zvandakanzwa kunaBaba vangu, ndakakuzivisai izvo.
16. Imi hamuna kundisanangura, asi ini ndakakusanangurai imi, ndikakuisai kuti muende mubereke zvibereko, vuye kuti zvibereko zenyu zvigare; kuti chinhu chipi nechipi chamunenge muchikumbira kunaBaba muzita rangu, vakupei icho.
17. Ndizvozvi zvandinokurairai, kuti mudane.
18. Kana nyika ichikuvengai, muzive kuti yakandivenga ini, isati yakuvengai imi.
19. Kana maiva venyika, nyika yaida vayo; zvino zvamusati muri venyika, asi ini ndikakusanangurai panyika, saka nyika inokuvengai.
20. Rangarirai shoko randakareva kwamuri, ndichiti: Muranda haazi mukuru kunashe wake. Kana vakanditambudza ini, vachakutambudzai nemivo, kana vakachengeta shoko rangu vachachengeta nerenyu vo.
21. Asi izvi zvose vachakuitirai nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi vakandituma.
22. Dai ndisina kuvuya, ndikataura navo, vangadai vasinezvivi; asi zvino havanepembedzo yezvivi zvavo.
23. Unondivenga, unovenga naBaba vangu vo.
24. Dai ndisina kuita pakati pavo mabasa asina kumboitwa nomumwe munhu, vangadai vasinezvivi; asi zvino vakavona, nokundivenga ini naBaba vangu.
25. Asi zvakaitwa, kuti shoko rakanyorwa pamurairo wavo, riitike, rinoti: Vakandivenga ndisinemhosva.
26. Kana Munyaradzi avuya, wandichatuma kwamuri, achibva kunaBaba, iye Mweya wazvokwadi, unobuda kunaBaba, uchandipupurira.
27. Nemwi vo pupurai, nokuti maiva neni kubva pakutanga.

  John (15/21)