| ← John (14/21) → |
| 1. | Moyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMwari, mutende vo kwandiri. |
| 2. | Mumba maBaba vangu munenzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuvudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. |
| 3. | Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozovuya zve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapo vo. |
| 4. | Pandinoenda, munopaziva nenzira munoiziva. |
| 5. | Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko? |
| 6. | Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nezvokwadi, novupenyu; hapana munhu unovuya kuna Baba, asi nokwandiri. |
| 7. | Dai makanga muchindiziva, mungadai maiziva vo Baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona. |
| 8. | Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, zvigotiringana. |
| 9. | Jesu akati kwaari: Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hauzati wandiziva here, Firipo? Wandivona ini, wavona Baba; zvino unoreva seiko, uchiti: Tiratidzei Baba? |
| 10. | Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo. |
| 11. | Nditendei kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri; kana kusikudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene. |
| 12. | Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri mabasa andinoita, iye uchaaita vo, uchaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaBaba vangu. |
| 13. | Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti Baba vakudzwe muMwanakomana. |
| 14. | Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita. |
| 15. | Kana muchindida, chengetai mirairo yangu. |
| 16. | Neni ndichakumbira Baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi; |
| 17. | ndiye Mweya wazvokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuvoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti ugere nemi, uchava mukati menyu. |
| 18. | Handingakusiyiyi muri nherera; ndinovuya kwamuri. |
| 19. | Kuchinenguva duku, nyika haichazondivoni; asi imi munondivona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemivo muchava vapenyu. |
| 20. | Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri. |
| 21. | Unemirairo yangu, akaichengeta,, ndiye unondida; unondida uchadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda vo, ndichazviratidza kwaari. |
| 22. | Judhasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika? |
| 23. | Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu; naBaba vangu vachamuda, tichavuya kwaari, tikaita vugaro bwedu maari. |
| 24. | Usingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, arizi rangu, asi nderababa vakandituma. |
| 25. | Zvinhu izvozvi ndakakuvudzai ndichigere nemi. |
| 26. | Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nokukuyevudzirai zvose, zvandakareva kwamuri. |
| 27. | Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu handikupiyi sokupa kwenyika. Moyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya. |
| 28. | Makanzwa kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigodzokera zve kwamuri. Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kunaBaba; nokuti Baba vakuru kwandiri. |
| 29. | Zvino ndakuvudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda. |
| 30. | Handichazotauri zvizhinji nemi, nokuti muchinda wenyika unovuya; asi haanechinhu kwandiri; |
| 31. | asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, vuye kuti sezvandakarairwa naBaba, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano. |
| ← John (14/21) → |