John (14/21)  

1. Moyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMwari, mutende vo kwandiri.
2. Mumba maBaba vangu munenzvimbo zhinji dzokugara; dai kusaiva kudaro, ndingadai ndaikuvudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara.
3. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozovuya zve, ndikugamuchirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugovapo vo.
4. Pandinoenda, munopaziva nenzira munoiziva.
5. Tomasi akati kwaari: Ishe, hatizivi pamunoenda; nzira tingaiziva seiko?
6. Jesu akati kwaari: Ndini nzira, nezvokwadi, novupenyu; hapana munhu unovuya kuna Baba, asi nokwandiri.
7. Dai makanga muchindiziva, mungadai maiziva vo Baba vangu; kubva zvino munovaziva, makavaona.
8. Firipo akati kwaari: Ishe, tiratidzei Baba, zvigotiringana.
9. Jesu akati kwaari: Ndakava nemi nguva refu yakadai, ko hauzati wandiziva here, Firipo? Wandivona ini, wavona Baba; zvino unoreva seiko, uchiti: Tiratidzei Baba?
10. Hautendi here kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri? Mashoko andinoreva kwamuri, handiarevi pachangu; asi Baba, vanogara mandiri, ndivo vanoita mabasa avo.
11. Nditendei kuti ndiri munaBaba, naBaba vari mandiri; kana kusikudaro, nditendei nokuda kwamabasa amene.
12. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda kwandiri mabasa andinoita, iye uchaaita vo, uchaita makuru kunawawa; nokuti ndinoenda kunaBaba vangu.
13. Chinhu chipi nechipi chamunokumbira muzita rangu, ndichachiita, kuti Baba vakudzwe muMwanakomana.
14. Kana muchikumbira chinhu kwandiri muzita rangu, ndichachiita.
15. Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.
16. Neni ndichakumbira Baba, vachakupai mumwe Munyaradzi, kuti agare nemi nokusingaperi;
17. ndiye Mweya wazvokwadi; nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuvoni, kana kumuziva; imi munomuziva, nokuti ugere nemi, uchava mukati menyu.
18. Handingakusiyiyi muri nherera; ndinovuya kwamuri.
19. Kuchinenguva duku, nyika haichazondivoni; asi imi munondivona, nokuti ini ndiri mupenyu, nemivo muchava vapenyu.
20. Nezuva iro muchandiziva, kuti ndiri muna baba, nemi mandiri, neni mamuri.
21. Unemirairo yangu, akaichengeta,, ndiye unondida; unondida uchadikanwa naBaba vangu; neni ndichamuda vo, ndichazviratidza kwaari.
22. Judhasi (usati ari iye Iskarioti) akati kwaari: Ishe, ndokudiniko kuti muchazviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?
23. Jesu akapindura, akati kwaari: Kana munhu achindida, uchachengeta shoko rangu; naBaba vangu vachamuda, tichavuya kwaari, tikaita vugaro bwedu maari.
24. Usingandidi, haachengeti mashoko angu; shoko ramunonzwa, arizi rangu, asi nderababa vakandituma.
25. Zvinhu izvozvi ndakakuvudzai ndichigere nemi.
26. Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nokukuyevudzirai zvose, zvandakareva kwamuri.
27. Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu handikupiyi sokupa kwenyika. Moyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.
28. Makanzwa kuti ndakati kwamuri: Ndinoenda, ndigodzokera zve kwamuri. Dai maindida, mungadai maifara, nokuti ndinoenda kunaBaba; nokuti Baba vakuru kwandiri.
29. Zvino ndakuvudzai zvisati zvaitika, kuti musi wazvinoitika mugotenda.
30. Handichazotauri zvizhinji nemi, nokuti muchinda wenyika unovuya; asi haanechinhu kwandiri;
31. asi kuti nyika izive kuti ndinoda Baba, vuye kuti sezvandakarairwa naBaba, ndizvo zvandinoita. Simukai, ngatibve pano.

  John (14/21)