John (13/21)  

1. Zvino mutambo wepaseka usati wasvika, Jesu woziva kuti nguva yake yasvika, kuti abve munyika ino, aende kunaBaba, zvaakanga aida vanhu vake vaiva munyika, wakavada kusvikira pakuguma.
2. Zvino vakati vapedza kurayira, Dhiabhorosi atoisa mumoyo maJudhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni, kuti amupandukire;
3. Jesu achiziva kuti Baba vakamupa zvinhu zvose mumavoko ake, vuye kuti wakabva kuna Mwari vuye kuti anoenda kunaMwari;
4. akasimuka pakurayira, akabvisa nguvo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chivuno.
5. Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipisika nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.
6. Akasvika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzangu kanhi?
7. Jesu akapindura, akati kwaari: Chandinoita hauchizivi zvino; asi uchazvinzwisisa pashure.
8. Petro akati kwaari: Hamungatongoshambidzi tsoka dzangu nokusingaperi. Jesu akamupindura, akati: Kana ndisingakushambidzi, haunomugove neni.
9. Simoni Petro akati kwaari, Dzirege kuva tsoka dzangu dzoga, asi mavoko angu nomusoro wangu vo.
10. Jesu akati kwaari: Wakashambidzwa haashaiwi chinhu asi kushamba makumbo bedzi ipapo watonatswa iye wose. Imi makanaka asi hamuzi mose.
11. Nokuti wakanga achiziva uyo waizomupandukira, saka akati: Hamuna kunaka mose.
12. Zvino wakati ashambidza tsoka dzavo, akatora nguvo dzake, akagara zve, akati kwavari: Munoziva zvandakakuitirai here?
13. Munondiidza Mudzidzisi, vuye Ishe; munoreva zvakanaka, nokuti ndini iye.
14. Zvino kana ini, Ishe noMudzidzisi, ndakashambidza tsoka dzenyu, nemi vo munofanira kushambidzana tsoka dzenyu.
15. Ndikakuratidzai makwara kuti muite imi sezvandakakuitirai ini.
16. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Muranda haazi mukuru kuna She wake vuye wakatumwa Haazi mukuru kuno wakamutuma.
17. Kana muchizviziva izvi, makaropafadzwa kana muchizviita.
18. Handirevi imi mose; ini ndinoziva avo vandakasanagura; asi kuti Rugwaro ruitike, runoti: Unodya chingwa neni, akandisimudzira chitsitsinho chake.
19. Kubva zvino ndinokuvudzai zvisati zvaitika, kuti kana zvichiitwa, mugotenda kuti ndini.
20. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti, kwamuri: Unogamuchira wandinotuma, unogamuchireni, nounondigamuchira ini, unogamuchira wakandituma.
21. Zvino Jesu wakati areva kudaro, akamanikidzwa mumweya, akapupura, akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, mumwe wenyu uchandipandukira.
22. Vadzidzi vakatarirana, vasingazivi kuti wareva ani.
23. Zvino mumwe wavadzidzi vake wakanga akasendamira pachifuva chaJesu, waidikanwa naJesu.
24. Simoni Petro akamuninira, akati kwaari: Tivudzei kuti ndianiko waanoreva.
25. Iye akasendama pachifuva chaJesu akati kwaari: Ishe, ndianiko?
26. Ipapo Jesu akapindura, akati: Ndiye wandichapa chimedu, kana ndachiseva. Zvino wakati aseva chimedu, akachitora, akapa Judhasi, mwanakomana waSimoni Iskarioti.
27. Iye wakati agamuchira chimedu, Satani akapinda maari. Ipapo Jesu akati kwaari: Zvaunoita, ita uchikurumidza.
28. Asi kwakanga kusinomumwe kuna vakanga vagere naye pakudya, wakaziva kuti wakareverei izvozvi kwaari.
29. Vamwe vakanga vachiti, Judhasi zvaaigara anechikwama, kuti Jesu wakati kwaari: Tenga zvatinoda pamutambo; kana kuti ape varombo chinhu.
30. Iye akati agamuchira chimedu, akabuda pakarepo; bwakanga bwuri vusiku.
31. Zvino wakati abuda, Jesu akati: Zvino Mwanakomana womunhu wakudzwa, naMwari wakudzwa maari,.
32. kana Mwari akudzwa maari, Mwari uchamukudza ari maari, uchamukudza pakarepo.
33. Vana vaduku, ndichiri nemi chinguva chiduku; muchanditsvaka, asi sezvandakareva kuvaJudha, ndichiti: Pandinoenda, imi hamungavuyipo, saizvozvo zvino ndinoreva kwamuri vo.
34. Ndinokupai murairo mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemimudane vo saizvozvo.
35. Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana munorudo pakati penyu.
36. Simoni Petro akati kwaari: Ishe, munoende piko? Jesu akapindura, akati: Kwandinoenda, haunganditeveri zvino; asi uchanditevera pashure.
37. Petro, akati kwaari: Ishe, handingakuteveriyi zvino neiko? Ndichakufirai ini.
38. Jesu akapindura, akati: uchandifira here? zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwauri Jongwe haringariri, usati wandiramba katatu.

  John (13/21)