← John (12/21) → |
1. | Zvino mazuva matanhatu paseka ichigere kusvika, Jesu wakasvika Betania, paiva naRazaro, wakanga afa waakamutsa kuvakafa. |
2. | Vakamuitirapo chirayiro; Marta akavashandira; naRazaro wakanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya. |
3. | Zvino Maria akatora paundi yamafuta enardo, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapisika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta. |
4. | Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni wakanga achazomupandukira, akati: |
5. | Mafuta awa akaregereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu,* akapiwa varombo? |
6. | Asi haana kureva izvozvo kuri kuti wakarangarira varombo, asi nokuti waiva mbavha; waigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo. |
7. | Asi Jesu wakati: Muregei, akadaro wazviitira kuvigwa kwangu. |
8. | Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose. |
9. | Zvino vanhu vazhinji-zhinji vavaJudha vakanzwa kuti uripo; vakavuya,, asi havana kuvuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vavone vo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa. |
10. | Asi vaPirisita vakuru vakarangana kuti vavuraye naRazaro vo, |
11. | nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kunaJesu. |
12. | Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vavuya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu, wovuya Jerusarema, |
13. | vakatora mashizha emichindwe, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti: Hosana! Ngaarumbidzwe unovuya muzita raShe Mambo wavaIsraeri. |
14. | Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: |
15. | Usatya, mukunda weZiyoni; tarira Mambo wako unovuya, agere pamusoro pemhuru yembongoro. |
16. | Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, vakazorangarira, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, vuye kuti vakanga vamuitira izvozvo. |
17. | Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura, |
18. | Saka vazhinji vakamuchingamidza vo, nokuti vakanga vanzwa, kuti wakaita chiratidzo ichecho. |
19. | Ipapo vaFarise vakataurirana, vachiti: Munovona henyu kuti hamugoni kuita chinhu; tarirai, nyika yose yamutevera. |
20. | Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kumutambo kundonamata’ko; |
21. | ivo vakavuya kunaFiripo weBetsaida reGarirea, vakakumbira kwaari, vachiti: Ishe, tinoda kuvona Jesu. |
22. | Firipo akaenda, akandovudza Andreasi; Andreasi akaenda naFiripo, vakandovudza Jesu. |
23. | Jesu akavapindura, akati: Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe. |
24. | Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji. |
25. | Unoda vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo; nounovenga vupenyu bwake panyika ino, uchabwuchengeta kuvupenyu bwusingaperi. |
26. | Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu uchavapo vo. Kana munhu achindishumira, Baba vachamukudza. |
27. | Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiyiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandavuyira panguva ino. |
28. | Baba, kudzai zita renyu, Ipapo inzwi rakavuya, richibva kudenga, richiti: Ndatorikudza, ndicharikudza zve. |
29. | Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye. |
30. | Jesu akapindura, akati: Inzwi iri harina kuvuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu. |
31. | Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino uchadzingwa. |
32. | Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri. |
33. | Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako. |
34. | Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vachiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko? |
35. | Ipapo Jesu akati kwavari: Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima; unofamba murima haazivi kwaanoenda, |
36. | Muchinechiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza. Jesu wakareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari. |
37. | Zvino kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari; |
38. | kuti shoko romuporofita Isaya riitike, raakareva, achiti: Ishe, ndianiko wakatenda chavakanzwa kwatiri? Noruvoko rwaShe rwakaratidzwa kunaniko? |
39. | Saka vakanga vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakati zve: |
40. | Wakapofumadza meso avo, akawomesa moyo yavo; Kuti varege kuvona nameso avo, nokunzwisisa nemoyo yavo, Vadzoke,Ndivaporese. |
41. | Isaya wakareva izvozvi, paakavona kubwinya kwake; akamureva iye. |
42. | Asi kunyange zvakadaro vazhinji vavabati vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamupupuri nokuda kwavaFarise, kuti varege kubudiswa musinagoge; |
43. | nokuti vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuvura kukudzwa naMwari. |
44. | Zvino Jesu akadana, akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kuno wakandituma. |
45. | Zvino Jesu wakadanidzira akati: Unondivona, unovona wakandituma. |
46. | Ini ndakavuya munyika, ndiri chiedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima. |
47. | Kana munhu achinzwa mashoko angu, akasaachengeta, handimutongi ini, nokuti handina kuvuya kuzotonga nyika, asi kuti ndiponese nyika. |
48. | Unondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, unomumwe, unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira. |
49. | Nokuti handina kureva pachangu, asi Baba, vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura. |
50. | Ndinoziva kuti murairo wavo ndibwo vupenyu bwusingaperi; naizvozvi zvandinotaura, ndinotaura sezvandakavudzwa naBaba. |
← John (12/21) → |