John (12/21)  

1. Zvino mazuva matanhatu paseka ichigere kusvika, Jesu wakasvika Betania, paiva naRazaro, wakanga afa waakamutsa kuvakafa.
2. Vakamuitirapo chirayiro; Marta akavashandira; naRazaro wakanga ari mumwe wavakanga vagere naye pakudya.
3. Zvino Maria akatora paundi yamafuta enardo, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapisika tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta.
4. Ipapo mumwe wavadzidzi vake, Judhasi Iskarioti, mwanakomana waSimoni wakanga achazomupandukira, akati:
5. Mafuta awa akaregereiko kutengeswa namadhenari mazana matatu,* akapiwa varombo?
6. Asi haana kureva izvozvo kuri kuti wakarangarira varombo, asi nokuti waiva mbavha; waigara nechikwama, achisiba zvaiiswamo.
7. Asi Jesu wakati: Muregei, akadaro wazviitira kuvigwa kwangu.
8. Nokuti varombo munavo nguva dzose; asi ini hamuneni nguva dzose.
9. Zvino vanhu vazhinji-zhinji vavaJudha vakanzwa kuti uripo; vakavuya,, asi havana kuvuya nokuda kwaJesu bedzi, asi kuti vavone vo Razaro, waakanga amutsa kuvakafa.
10. Asi vaPirisita vakuru vakarangana kuti vavuraye naRazaro vo,
11. nokuti nokuda kwake vaJudha vazhinji vakanga vachibva kwavari, vachitenda kunaJesu.
12. Zvino ava mangwana vanhu vazhinji-zhinji, vakanga vavuya kumutambo, vakati vanzwa kuti Jesu, wovuya Jerusarema,
13. vakatora mashizha emichindwe, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti: Hosana! Ngaarumbidzwe unovuya muzita raShe Mambo wavaIsraeri.
14. Jesu akati awana mwana wembongoro, akagara pamusoro payo, sezvazvakanyorwa, zvichinzi:
15. Usatya, mukunda weZiyoni; tarira Mambo wako unovuya, agere pamusoro pemhuru yembongoro.
16. Vadzidzi vake havana kunzwisisa izvozvi pakutanga; asi Jesu wakati akudzwa, vakazorangarira, kuti izvozvo zvakanga zvanyorwa pamusoro pake, vuye kuti vakanga vamuitira izvozvo.
17. Zvino vanhu vazhinji vaiva naye pakudana kwake Razaro kuti abve mubwiro, nokumumutsa kuvakafa, vakapupura,
18. Saka vazhinji vakamuchingamidza vo, nokuti vakanga vanzwa, kuti wakaita chiratidzo ichecho.
19. Ipapo vaFarise vakataurirana, vachiti: Munovona henyu kuti hamugoni kuita chinhu; tarirai, nyika yose yamutevera.
20. Zvino kwaiva navamwe vaGiriki pakati pavakanga vakwira kumutambo kundonamata’ko;
21. ivo vakavuya kunaFiripo weBetsaida reGarirea, vakakumbira kwaari, vachiti: Ishe, tinoda kuvona Jesu.
22. Firipo akaenda, akandovudza Andreasi; Andreasi akaenda naFiripo, vakandovudza Jesu.
23. Jesu akavapindura, akati: Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe.
24. Zvirokwazvo, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji.
25. Unoda vupenyu bwake, ucharashikirwa nabwo; nounovenga vupenyu bwake panyika ino, uchabwuchengeta kuvupenyu bwusingaperi.
26. Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu uchavapo vo. Kana munhu achindishumira, Baba vachamukudza.
27. Zvino mweya wangu unomanikidzwa; ndichatiyiko? Baba ndiponesei panguva ino. Asi ndizvo zvandavuyira panguva ino.
28. Baba, kudzai zita renyu, Ipapo inzwi rakavuya, richibva kudenga, richiti: Ndatorikudza, ndicharikudza zve.
29. Zvino vanhu vazhinji, vakanga vamirepo, vachizvinzwa, vakati: Kwatinhira. Vamwe vakati: Mutumwa wataura naye.
30. Jesu akapindura, akati: Inzwi iri harina kuvuya nokuda kwangu, asi nokuda kwenyu.
31. Zvino kutongwa kwenyika ino kwavapo, zvino muchinda wenyika ino uchadzingwa.
32. Neni, kana ndasimudzwa panyika, ndichakwevera vose kwandiri.
33. Wakareva izvozvi, achiratidza kufa, kwaaizofa nako.
34. Zvino vanhu vazhinji vakamupindura, vachiti: Isu takanzwa pamurairo kuti Kristu uchagara nokusingaperi; zvino moreva seiko imi, kuti Mwanakomana womunhu unofanira kusimudzwa? Uyu Mwanakomana womunhu ndianiko?
35. Ipapo Jesu akati kwavari: Chiedza chichipo pakati penyu chinguva chiduku. Fambai muchine chiedza, kuti murege kukundwa nerima; unofamba murima haazivi kwaanoenda,
36. Muchinechiedza, tendai kuchiedza, mugoitwa vana vechiedza. Jesu wakareva izvozvi, akabva, akazvivanza kwavari.
37. Zvino kunyange akanga aita zviratidzo zvizhinji zvakadaro pamberi pavo, havana kutenda kwaari;
38. kuti shoko romuporofita Isaya riitike, raakareva, achiti: Ishe, ndianiko wakatenda chavakanzwa kwatiri? Noruvoko rwaShe rwakaratidzwa kunaniko?
39. Saka vakanga vasingagoni kutenda, nokuti Isaya wakati zve:
40. Wakapofumadza meso avo, akawomesa moyo yavo; Kuti varege kuvona nameso avo, nokunzwisisa nemoyo yavo, Vadzoke,Ndivaporese.
41. Isaya wakareva izvozvi, paakavona kubwinya kwake; akamureva iye.
42. Asi kunyange zvakadaro vazhinji vavabati vakatenda kwaari; asi vakanga vasingamupupuri nokuda kwavaFarise, kuti varege kubudiswa musinagoge;
43. nokuti vakanga vachida kukudzwa navanhu kupfuvura kukudzwa naMwari.
44. Zvino Jesu akadana, akati: Unotenda kwandiri, haatendi kwandiri, asi kuno wakandituma.
45. Zvino Jesu wakadanidzira akati: Unondivona, unovona wakandituma.
46. Ini ndakavuya munyika, ndiri chiedza, kuti aninani unotenda kwandiri arege kugara murima.
47. Kana munhu achinzwa mashoko angu, akasaachengeta, handimutongi ini, nokuti handina kuvuya kuzotonga nyika, asi kuti ndiponese nyika.
48. Unondiramba, asingagamuchiri mashoko angu, unomumwe, unomutonga; shoko randakareva ndiro richamutonga nezuva rokupedzisira.
49. Nokuti handina kureva pachangu, asi Baba, vakandituma, ndivo vakandipa murairo, zvandichareva nezvandichataura.
50. Ndinoziva kuti murairo wavo ndibwo vupenyu bwusingaperi; naizvozvi zvandinotaura, ndinotaura sezvandakavudzwa naBaba.

  John (12/21)